Saturday, 31 January 2015

MDARA MUTEMARINGA

Sunday 1 February 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: [Mr Mutemaringa- Katanga:Norton]

MDARA MUTEMARINGA

Ndikai nekudai...vese voringa
Vanondiziva voti pfacha... Va- vasvika
Vanondizivisa voti hiya...chachaya!
Vasingandizive vongoringa- nekuringa
Ko ndeupi uyo...ko ndevapiko avo?
Ini pakadaro handimiri...haiwa bodo
Ndopandinobva ndanyatsoita hwidzazwi
Chaiyo zipito ramatatya, ekusiku!
Ndipo unondiwona ndichisumudza
Nekudzikisa angu makungo
Samasoja anofora zvinyoro-nyoro
Kuri kuritinha rangu detembo
Semombe dzemufudzi akazvigutira hake
Kuti cheu- kudai...
Ndipo ndinoona misoro yogutsirira
Setwushiri twepuranga twuye
Twunobvumira nyaya
kunyangwe neyataurwa
Nebhambu remota rose!
Apo zenze ndoparinoti zekete
Apo maoko ndinenge ndongomwiza-mwiza
Sezviremwa-remwa zvinosvova gora...
Hwidzazwi rochidetemba sandinoimba
Mapendekete oshibhururuka samapapiro
Vamwe vokwarira mukati...kuda kuuchira
Dzimwe pfungwa dzopisa....kuti kwete
Vosara zvino vakapiringishwa nezwisiso
Seishwa dziya...dzedzimaidzo yamagetsi
Ndonzwa mwoyo yavo kuti shiriririri
Ndotoshaya kuti dzvo shiri vanga vadziwana kupi
Wati ndinomira here pakadaro...?
Handimire ini...Ungadaro-wobva wadaro
Woti zvakwana? Aiwe....unokamburwa
Sechihwitsi chemwana wemvana...
Ndipo ndinofamba zvishoma-nezvishoma
Sechishiri chiye chemanhenga akawanda ichi..
Ichi chinoda kukwikwidzana natwiza pamutsipa ichi...
Ichocho....ndakananga kuna mdara Mutemaringa
Ndakamutarisa napakati peziso chaipo...
Seanacho chikwereti changu-masaga matatu enzwisiso
Kumuti ba! kudai...rake rinovhurikira rovharikira
Seachati munhu mutema ringa...munhu mutema huya uone
Ndomuti siki namashoko-siki, ndobva ndamuti siki futi-siki
Kudai...ndobva ndaona mavende ese avapanze
Vouchira...vachiti aiwa tembo zvaonekwa
Aiwa zvaonekwa tembo...zvikai henyu
Musha tinawo...mushe takachengeta
Musha wedu wakanaka...
Pakadaro ndipo ndinocheukira mhomho...
Ndoombera maoko...
Ndoti aiwa zvaonekwa Katanga
Aiwa tinotenda nekutigamuchira
Katanga...musha wevanhu
Musha wevanhu vazhinji!
Ndidzo dzedu tinoreketa
Ndidzo dzedu nhetembo, tinoreketa
Tiriyo Katanga...nyika yamatehwe nembira
Nyika yehove nenzizi...
Nyika yedzidziso nenzwisiso
Nyika yemimhanzi namakomborero mazere!
Kuti kuine chimwe...?Aiwa chichazvitaurira choga...
Ndakavaudza ava...tangai manyora musati mareketa
Ivo ndokuti 'aiwa kureketa tinozvipa....idzihwa pahuro'
Zvino isu kana tonyora tinoreketa nekuonesa...
Kana toreketa tinosika nekusimbisa zvakasikwa!


MAGUMO!!!



Friday, 30 January 2015

PAURINA MAROTO

Friday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [28] )
Start: 12:49
End: 13:42

PAURINA MAROTO

Amai vevana vangu ndiwe Paurina
Vana vangu vachiva vako Paurina
Chokwadi handidye chedemo aiwa
Asi chebanga chaicho chinodyiwa nevanodikanwa!
Nokuti ndakanga ndafunga kuti Mwari andiseka,
Kundiumbira dhonza risina mhou shuwa?
Asi kuri kuita kwake chaiko,
Kwekuregerera vanhu nezvipi zvavo zvitema!
Rega zvavo vataure…nyakunyumwa ndiye ane baravara shuwa
Nokuti kwangu kukuona hakuna kupedza nguva,
Asi kubakidza moto werudo,
Wandisina kubvira ndakamboona muhwangu hupenyu hwose!

Kukutarisa kudai mbunde-mbunde
Mahwekwe nerwako rudo Paurina
Kutaura newe kudai pfacha-pfacha
Kupinda muyako nyika yerudo Paurina…
Izere mashoko anotapira huchi kunaka
Kuri kununira kwamashoko ako Paurina
Kuzokutarisa kudai mwana iwe…
Kumbaita ziso rinodzupura moyo zvakadaro here Paurina?
Kumbaona wangu moyo mutyeve rweziso rako here vanaiwe-e?
Ndaipaitaseiko pakadaro hamadzashe?
Ndaitoti ndimutsvode chete mwana uyu…
Akanga atora moyo wangu zvakadaro
Kuri kuedza kusveta wangu moyo,
Wakanga wapfimbikwa muako maziso
Ainge aine mifananidzo yedenga chaiyo mukati mawo!
Ndiko kukuda kwandakaita Paurina…amai vevana vangu!

Minamo yenazviro yemiromo wake
Ikava yedu sungano yerudo rwedu!
Yakatisunganidza pfungwa, moyo newedu mitumbi
Yakava namo kusada kusiyana kana kamwe chete…
Kuzovhura ziso kudai kuona pachokwadi,
Takanga tadimburirana wedu munda napakati chaipo!
Kunge kunyepa- kuzongoona muake meso
Mangosara chimwe chechidimbu chewangu moyo,
Ndichizongoti bangazu- kunzwa hana kurova,
Ndichizongoziva pakanga padonhera kangu
Kamoyo mukangu kamutumbi!
Kuti ndairota- Kuti ndaioneswa- Kuti zvaitika?
Yakazongosara yavamibvunzo chete,
Wangu mukadzi ndashongedza kare-kare!

Kubva paruzhinji kwakanga kwakaipei?
Ndokuzongoona edu maoko okachukirana soemunhu mumwe chete,
Kwakaendwa netsoka ndiko kwakaendwawo nemutumbi!
Kuti ndainge ndakabata ruva rerudo?
Kuti ndainge ndakabata tsamba yerudo?
Kuti ndainge ndakabata rake rokwe?
Chandaingonzwa kwaiva kuswinya-swinya
Kwerwangu ruoko zvakazongosiya
Wangu muviri wangorukutika kuti rukutu!

Kuzopepuka kudai, ungati kukanyaira
Here kwaiitwa nemwana wevanhu ikoko?
Kuti ndakanga ndazvibatira kangu kakonye?
Kuti ndakanga ndazvibatira rangu bhiza chairo?
Kana ngirozi kunge njuzu chaiyo?
Ndiye wangu Paurina wandakanga ndasarudzirwa
Nevangu vadzimu venyika chaivo!

Hanzi ‘chemberenzi yakabva pausikana’
Kuti vaireva Paurina here vanhu ava,
Kana kuti mumwewo hake musikana?
Mumwewo akati ‘zvakokomera chembere kufira muhozi’
Ainyatsomuzivawo here Paurina uyu,
Kana kuti yaiva fembera-fembera dhungetunge yetsono!
Wangu Paurina uye akange akokota wangu moyo sedovi!

Kunge kunyepa-kwedu kufamba kuchinge
Kwechitima chiri kubva pachiteshi!
Kwedu kutaura kuchinge,
Kwechijobo-jobo kukweza kwayo tseketsa!
Kwedu kutarisana kuchinge,
Kwekunyangira…mbavha kuba muhozi!
Kwedu kuseka kuchinge,
Kwebofu rinoseka zvarisingaone!
Kuzoti kwedu kudanana kuchinge
KwaTsoro naMutsai chaiko!
Zvekutoti vaiona vaipa kutenda kuzere,
Kuti pachokwadi Evha akange abva pambabvu yaHadhamu!

Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndisina kana dhora muhomwe
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndabva kurambwa naDhibhi uya
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndichiendepi
Ndakatada!
Kuti ndizvifunge kuti takange toendepi
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti zvakanga zvaitika zvakanga zvaitika pachokwadi here
Ndakatadza!

Chandakakwanisa kufunga raiva zuva,
Randakarota Paurina mudzangu hope ndisati ndamuona-chete!
Ndipo ndakabva ndangoziva kuti,
Ndakanga ndamuona Paurina Maroto wangu!

Uye wandakarota mudzangu hope dzainaka
Uye wandakange ndapihwa nevangu vadzimu
Uye aizondiberekera angu maruva enyika
Uye aizochembedzana neni Paurina
Achizova mifananidzo yadzo tsvarakadenga
Dzapo pano pasi paZame apa
Paurina- Paurina angu Maroto akauya ndakarivara!



MAGUMO!!!

Thursday, 29 January 2015

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Thursday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [31] )
Start: 01:35
End: 03:02

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Kamuchena kaye kazoisumudza tsvukachinái iya
Kuchisumudza chaiko icho chiya chinái chakatsvuka chiye
Kuti nditi rudo rwemoyo…rudo rwepfungwa hapana chandinoona
Kunze kwekungoona mazongoza wakasimba kuti tasa
Apo tsvukachinái ichitaura nako kamuchena kaye
Kuti nditi kugwinya, kutya kana kuti rudo rwakamerera kumusana
Maziso boi boi muzongoza ndiwo mushenjere!

Chokwadi kamuchena kaye  kazoisumudza tsvukachinái iya
Rudo kumerera kumusana? Musana kusimba semushenjere?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Hakusiriko here kuzvongonyoka sedemba paruware,
Kana marwadzo ouya?
Hakusiriko here kuzvirovera padombo savaGunú
Kana marwadzo ouya?
Angazive ndiani kunze kwake Makushamhuru,
Uya weupepe kana achinge akaona kake kamuchena!

Ndokunge yasumuka tsvukachinái iya!
Hanyná kana kusava nehanyná, ichichi chitata change chaicho,
Unomunzwa achudza dzake pfungwa nemoyo!
Kuzoti kuvanhu! Unonzwiririra icho chaicho,
Chakatadzisa horomba kutaura, asi kunyenga richigona!
Svusvu remoyo wangu chairo…
Chidau-dau chenhapitapi yangu!
Chipepe change chaicho chandinogarorota!
Shisha yangu…ngirozi yakabva kunaBaba!
Ndiwo ake matauriro…kana oudza vekwake!

Kuti zvingade pfukarushesha…
Kana pfukapfuka here kuti titsvage mukoko?
Kuti zvingade mukoko…
Kuti tizive pane zimai renyuchi?
Kuti zvingade zimai renyuchi?
Kuti tizive pane manga?
Angazive ndiani kunze kwake,
Mukushamhuru uya weupepe!
Iye anoziva paakamora hwake huchi,
Hune minanzviro yepasichigare chaipo!
Chokwadi zvinotoda karipo kake,
Kamuchena chaiko…
Kekusumudza wake moyo kunge mutumbi!
Nokuti zvikoni-zvikoni namo haitapire semusvisvi!

Kuti karipo wati ungamuchaye?
Nyeche-nyeche unoiona tsvukachinái,
Yeupepe unenge murara yasvika!
Yongonyekaira-nyekaira nekunyeketa moyo wemwanasikana
Zvekusiya yanyekesa moto werudo mukati mako kamoyo kemwana!
Chinozongoonekwa kunyeketera kwerudo rwetsvimborume,
Madzitete achinyechura rudo rwemukomana nemusikana!
Izvo zvinozoonekwa nekunyekura kwayo tsvukachinái,
Apo kake kachena kanenge kangova nyeku-nyeku,
Kunyemwerera kusina meno!

Kuti hakusiriko here kudada kwavagoni,
Kukanga nyimo nezuva moto uripo?
Kuti hakusiriko here kudada kwake nako kake kamuchena?
Chokwadi ndiko kwake kudada kana ainako kake kachena!
Pazvedi wada nyemba watsunga…
Nyechere yetsvungachinái iya,
Yaitoti isumudzwe nako kaye kachena kamusikana!

Kungoti uti bufu, kangu kamuchena kandinoda!
Kungoti vhurei muromo, kangu kamuchena kandinoda!
Vachingoti vhu-u kusvika, kangu kamuchena kandinoda!
Achingoutambidzwa mukana, kangu kamuchena kandinoda!
Kana napakurota, kangu kamuchena kandinoda!
Kuzoti muhope, kangu kamuchena kandinoda!
Nepakuvhumuka here vakomana? kangu kamuchena kandinoda!
Kangu kamuchena kandinoda- kangu kamuchena kandinoda!
Aiwa zvanhasi zvine vamwewo weduweee!
Kudoka kwaro zuva, kunozivikanwa,
Nevaoni varo richibuda zuva!

Aiwa ndikako kangu kamuchena kasikana!
Kundibvisa hutsvukachinái hwangu hwose,
Ndichisara ndangova rudo rwakadonhera murudo kudai…
Ichinge iri yangu hana aiwa inorovera iko kakandida!
 Uchinge uri wangu moyo aiwa wakazviwanira shamwari…
Dzichinge dziri dzangu pfungwa aiwa dare dzakagara kare,
Zvekuti uri wangu moyo aiwa wakanyura sebvunze pauna-una kare-kare!

Ndiko kangu kamuchena kandakazvidira
Kakandiwanawo zvangu ndakamirirawo rudo
Iko kachiremerwa nerudo runopfachukira semapopoma aZambezi…

Ndiko kangu kamuchena…kangu kasikana kandinoda!
Kangu kamuchena kaye…kane ganda ramaranjisi,
Kane unaku unokwezva ziso pane unaku upi neupi zvawo!
Kane izwi rinenge renyenze inorira zhizha rasvika!
Ake mafambiro achingova nyemu-nyemu, nyama yehukwana…
Ndiko kangu kamuchena- mai vevana vangu chaivo…




MAGUMO!!!

WAMANAKE- WEKWAMANAKE

Thursday 29 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspired By: Toots Hibbert & Slimdoggs photo of VaChikepe, Nice Cutter and VaChingebetter


WAMANAKE-WEKWAMANAKE

Mukati meziso rako munopenya chiyedza chichauya...
Dzake nguwo dzichena dzakaumburudzwa mugore rashe...
Ndikamubata uyu aiwa ndapinda machena...
Kana sadza rinondigezesa maoko ndisati ndaridya...
Ndichidya zvangu nemazai ehanga...
Vamwe vose vachingoshevedzera Machena-Machena
Machena tembo vanofamba vakazvitemba....
Machena Samaita...mwana waSamasimba...
Machena Bingaguru vakabva Guruuswa...
Machena Mbizi yangu kuona dzimwe hutongi huzere...
Kuriona bani aiwa kurishongeza...
Mhuka dzose dzofara hanzi aiwa maita wamanake!
Tonakirwa zvino...chiedza chovhenekera kwose...
Chinyiko chatingashaye...kana meso oona...kana rose bani tapihwa pachena?
Aiwa mwenje wenyu ngaujeke...tione nzira patinofamba.

Tsviyo- tsviyo- tsviyo iyoyo tsviyo- nhembe fuku!
Ndiwo mapemberero edu iaya....
Dai mandipawo yangu pembe...ndapembera nechepahuro chaipo...
Kuti kwedu chiedza chakavhenekera...chikavheneka tikaona!
Kuno totovhenekerera varikure...varikure vouya vachimhanya
Hanzi aiwa maita basa Wamanake...magora bonga anga otionesa ndondo muforomo!
Isu tongoti furira fure dzihwa renhamo iro...yako ngoma kwako inokudana!

Kindi kindi kindi yorira ngoma...bembero rotamba zvino...
Munhu uchamuziva? Misodzi jaka jaka...
Hanzi 'Handina kubvira ndamboziva kuti ndingatambe zvakadai'
A....tambai asekuru- ndiwo wenyu mufaro uyu
Wenyu munamato wasvitswa pachigaro chitsvene!
Watakurwa neshiri huru dzinamapapiro anozunguza midzi yemiti...
A....farai vasekuru- magadzwa muhumambo hwemafaro!

Pfuche...pfuche...tambai yekwenyu...yekwangu yondidana
Yokwamanake yondidana nezita rangu...
Hanzi vazhinji vamira pamukova...svumbunura rufaro rwutekeshere!
Kuti mungatetere kure?
Aiwa bodo...zarirai mukati...mutambe yenyu ngoma yaManake-wekwamanake!

Kidi kidi tindi tindi....yarira...inorira zvachose!
Emudzivisi masimba ndiwo wakarakasha...
ASamasimba- masimba ndiwo odai kuti ndandanda newe!

Pfuche...pfuche aiwa ndotamba yangu
Yokwamanake yokudana nezita rako iwe...
Raiva rako gomo iwe...ndokava katanda kako kekunon'onesa nzeve!




MAGUMO!!!

Monday, 26 January 2015

10 GLASSES OF MY VIOLINIC MUSIC

Tuesday 27 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: Lara St. John

10 GLASSES OF MY VIOLINIC MUSIC

Please give me 10 glasses of
Concentration, coordination and calculation
So I can hear the sound of the violin!
5 glasses to my left and
5 glasses to my right
As I allow the beautiful music
…To sink into my heart…

Golden shoes
I want to wear in my center of attraction!
Beautiful ragged modern-clothes
I want to wear in my center of attraction!
They say they do not have a social life…
But with my music I tell them…
‘I socialize with my violins’

My music gets into my body and I jump
My music pieces through my head and I node my head
My music makes me close my eyes…to see visions of my musical notes
My music makes my right hand the strongest part of my body,
And makes my left hand produce the rhythm and melody of my music…
I love my music…
I love my violin!

Listen carefully
And hear the sound track of your favorite imaginary movie…
Listen carefully
And hear the beautiful music of the 16th century…
The music that was never herd by people of its time!
Absorb the silence of the auditorium
And get an understanding of your future…
The reflection of your past moments!
Yes! Let loose that left leg of yours
And silently dance to the tune…

I wish they could not only hear the music of my violin
…But the music from my favorite character…
The smiling necked violin-face…
Dancing with his eyebrows to my direction…
I wish you could see him…
When I reach my internal ecstatic frenzy…
As I pose an eye to him with the corner of my eye…
I love my music…
I love my music!

It needs at least 25 violinists
To drive me crazy
If you give me 50
I can fly with my own invisible wings
If you give me 100
We can fly together to the world of music!

Thank you so much
For clapping your hands,
Allow me to bless your lives with my gift of music…
(tiri…Ri…TIRIRIIIII…iii…aiiii ai ai ai ai)

To you I say
Please…
 Give me 10 glasses of
Concentration, coordination and calculation
So I can give you…the sound of the violin!



END!!!

Wednesday, 21 January 2015

NHANHO MBIRI DZECHITSOKA CHEMWOYO

Wednesday 21 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: “Kudziya zvangu mushana”

NHANHO MBIRI DZECHITSOKA CHEMWOYO
Ako mashoka akashata
Anoendepi?
Ukaona shisha richikungurudzwa nemhepo
Unofungei?
Ndoda-ruzha…runouya nezuva
Rwunokusiya wapapi…zuva-nezuva?
Ako mafungiro…zvaunomaziva
Zvaanoziva zvingani?
Kuti tiverenge ako mabasa amaoko
Tinobata mangani?
Timbori vanganiko isusu?
Timbori vananiko isusu?
Pangori pasusu chete,
Patinobvunzana mazita nomutupo…
Makaro aya…!
‘Zvimwoyo zvizere nemiromo’

Ido fudza dzako pfungwa,
Mumafuro manyoro…
Zvimwe tingauyewo nezvindiro…
Zvimwe edu matama angananvirewo wako mukaka!
Tigozeyesana nemufaro samapapiro mamwe…

Chinopfutira mukati…usachidzima
Neakaipa mashoko!
Kana kuchitonhodza,
Nerumerero runodedera!
Parinoteukira pasina dikita…
Varipo varikufutunuka neshungu,
Kuti dai wedu uyo ayambuka ramakarwe iri
Parinodeukira panyoro iroro iri…
Varipo vanoibuda misodzi yemufaro,
Kuti dai rarambarichingova zienda nakuenda
Kusvika Kusina Anoziva, atadzawo kuona kwarinogumira!

Usazoshaye simba rekukasvina kapundu aka
Kakazviibvira zvako aka…kungodai- mifaro yega yega
Rangarira riye danda..Rirangarire riye danda…
Rauinaro ndiro rawaziva- raunoda ndiro ririmunzira…
‘Rwendo rwekure, rwakatangwa nenhanho mbiri!’

Isa gokora rako rerudyi…pachidya chako cherudyi
Bata pasi pechirebvu chako…nemukati meruoko rwako rwerudyi
Zvitendere kusumuka paugere ipapo zvine simba
Chikanda chekurudyi…
Chikanda chekuruboshwe…
Pakadai apa…chekurudyi chinodzoka zvakare
Chekuruboshwe chinotanga kusvika chete,
Chekurudyi chichibhabhaisa vasara
Nepakati pacho chitsoka!

NHANHO DZERUDO RWEMWOYO

MAGUMO!!!


Monday, 19 January 2015

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA

Monday 19 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [30] )
Start: 04:00
End: 05:08

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA
Kuhurukura hunge wapotswa vakomana
Kuti uwuvhure muromo iwowo- hunge waupihwa mukana
Kuti kunyepa here uku vasikanawe-e?
Kana kuri kunyepa- aiwa mhinduro dzadiwa hama!
Vakomana! Kutaura kunge ndine kamuti muziso
Asi kuti ndakambopotswawo here inini…
Kana kuti ndirikuita manyautsamukanwa bere kuguta nemhashu?
Ndokunge ndisiri kuhwiriridza sezingizi riye remaruva riye,
Kana kuita chimutaure-taure kutaura kwaDhimba?

Kuona achinyora kudai kupotswa ikoko
Kuona ichikamhina kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichimananzva ayo makumbo kupotswa ikoko
Kuriona richisvetuka kubva muhozi kudai kupotswa ikoko
Kuriona richinanzva ndiro kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichinziririka nemba kudai kupotswa ikoko
Kuti munhu, imbwa kana kuti kiti?
Kuti igonzo, bete kana kuti nhunzi?
Kupotswa- kupotswa varume- ngoma ndiyo ndiyo,
Kuhurukura junge wapotswa hamawe-e!

Aizviziva kuti ichamudashura napakati ndiyani
Aizviziva kuti ichabvamburwa gumbo ndiyani
Aizviziva kuti ichasungirirwa musaga ndiyani
Aizviziva kuti richamumhara mumusoro ndiyani
Aizviziva kuti uchatswanywa musoro uya ndiyani
Aizviziva kuti ichasanganiswa pakati pechanza ndiyani?
Kuti aivapo munhu here aizviziva varume
Ko zvaasina kumbondiudzawo chinhu nhai varume
Asi zvakarambira pahuro here nhaikani varume?
Ko nhururu- kunyanhurikidzwa sei inga inopfungaira wani!
Zvino kuti aiziva here munhu uyu
Kana kuti chaingova chiitikwa bofu kunhonga dhora
Anoziva ndiani- vakomana aiziva ndiyani?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Kuti chidya chiye chehuku chandisina kumupa
Kuti ibonzo riye here randakadyira katsonzora kaye
Kuti mukaka uya here wandakavigirwa naMwale
Kuti mafufu aye here andisina kumbomuedza
Kuti kugona kudoma mweya wechikafu kwandinoita here
Kuti kutaura zvinosemesa vamwe vachidya kwandinoita
Anoziva ndiyani- vakomana aiziva ndiyani
Anoziva ndiyani chakandionesa magaro enyoka?
Chinozivikanwa kutonhodza kwaChauruka chete
Ko zvino zvaakazotonhodzwa akazodiniwe-e?
Chokwadi kukurukura hunge wapotswa- kupotswa chaiko!

Ko mutumbi wakatsepeteka nemugwagwa zvandisina kuona wani…
Ko zvandisina chandakaona kunze kwemvere nenhata wani…
Ko zvapasina mvere dzandakaona kunze kwekusuwa kwayo kiti wani…
Ko zvaunenge muswe chete wakagurwa mutumbi zvauchiripo wani…
Ko zvaangori mabhachi chete asipo mutumbi uripo wani…
Ko changamire vangu zvaringori dzungu rekupumwa wani…
Kupona uku hakusiko here uku?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Chindiudzaiwo hama vadikani
Zvandakachidya chidya chacho chehuku chakaenda nekupi?
Ko Bhoki zvaakaridya bhonzo racho rakaenda nekupi?
Kana iye Kiti zvaakaumwa mukaka wacho wakaenda nekupi?
Kuzoti VaGonzo zvavakaridya fufu riya rakaenda nepi?
Vanguwe-e Bete zvavakainanzva ndiro zvakazoenda nepi?
Kana ivo vedu Changamire Matosi zvavakaridya rakaenda nepi?
Haisiriyo here tsvina nenhoko dzatinongoona rega-rega raZame?
Chokwadi munhu kurovanisira hakata- chidya chehuku here vakomana?
Aiwa kana iyo nzara yacho varume- ndiyo here iyi?
Zvisinei hazvo varumewoye kuhurukura hunge wapotswa veduwe!

Handiti dai pasina rake simba Mwari
Handiti ndingadai ndakavharirwa kuseri kwaro ibwe?
Handiti dai pasina sekuru vake- Chimbwamupengo
Handiti angadai akutoitwa nyama yamagora Boki?
Handiti dai pasina mbuya vake- Bonga
Handiti angadai akatsakatika setsvina yake Kiti?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Gonzomhini
Handiti ringadai rakamuputitsa musoro wese dombo?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Betesango
Handiti angadai akatitswanyirwaapa Bete?
Handiti dai pasina mudzimu wake ndove
Handiti angadai akaputitsirwa mukati macho chanza?
Angazive ndiyani- vanongoti dai kufunga kwebenzi!
Kuti ndavakupenga-Kupenga? Kupenga here uku?
Kuhurukura hunge wapotswa muzukuru!

Kuhurukura hunge wapotswa veduwe!
Kuiona yorira hunge yakabatwa!
Kuiona yokwira mumuti hunge charova chando!
Kuiona yaapo pahuma hunge arambakuudzwa!
Kuti rizonzi doro hunge rakudhaka!
Kuti kuri kure hunge kusina tsvubvu!
Kuiona yatswanywa hunge zvakawanda zvigunwe!
Kukaona karipo kandiro hunge kamwewo kandiro kakambouya!
Kuchiona chisingadzoke hunge chaguta chipembere!
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa veduwe-e!
Dai pasina dzake nyasha hukasha hwese
Hungadai hwakapera huina hasha shuwa!

Kumuona ovhura muromo kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuiona yohukura kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuinzwa yoti nyeu-nyeu kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona rati pfacha-pfacha kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona roshevedzana nemamwe aro kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kana kuzongoinzwa yonziririka nemba kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Nei-sei varume? Sei- nei varume?
Kuhurukura hunge wapotswa shuwa,
Shuwa kuhurukura hunge wapotswa!

KIKIKIKI HAMHENO KUTI VAKAPONA HERE AVA! KIKIKI


MAGUMO!!!