Sunday 2 November 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [11] )
Start: 06:50
GEHENA
Handina
kunge ndaziva kuti kuenda kuGehena
Kudya uroyi
nenyadzi!
Dai ndakaziva
haitungamiri pachokwadi…
Zvimwe ndingadai
ndakapona Joki raBusvumani iri!
Ndichiti
pindikiti mugehena…
Chakava
chipitipiti mugehena
Apo raiva
bitipiti besanwa revanhu kutiza!
Aive madhimoni
aitambisa vanhu
Muchongoyo pasina
ngoma nehosho!
Pandakati
simudzei musoro…
Kuona gehena
raive rimwe divi renyika!
Handina kumbenge
ndazvifunga kuti…
Pasi paizorohwa
nenyundo
Kana
girinedhibonga zvakadai!
Chaiva chishamiso
mumaziso angu
Pane zvandakaona
ipapo…
Huku dzakanga
dzisisina nzondora
Dzane mazondo
nemvere!
Mombe dzane
nzondora nemanhenga!
Apo masvosve
akanga apfeka shangu dzaVaFuriramudenga…
Kunge zvoga-
mazongororo
Akanga ane nyanga
dzemombe…
Apawo nzou dzane
mapapiro!
Rakava dhende
kubvaruka…
Apo vanhu
vakawedzera musambo wekumhanya!
Ndakazozununguka
mazino mukanwa
Kuona vanhu
vokuziva
Varimo mupani
yasatani!
Kwaiti maiZuva-
vakaroya sekuru
Baba Mwedzi-
vakabhinya mwana
Sekuru Gora-
vakazvisungirira
Uye mbuya Ngana-
vakafira paguyo nekuchembera
Kozoti bhudhi
Tonde- vakafira mumarokwe
Naivowo sisi
Tandie- vakapisirwa mumba nechikomba!
Kuzoti
kudaro…ndakaona kumedzwa kwangu nepasi.
Here here ini Mugaramumba
Munzvengamutsvairo,
Muvhundukabete!
Kusanganiswa
nevanhu vakadai?
Muiyo nyika
yasatani- Gehena…
Ndiri mubishi
rokufunga
Ndakanzwa bhero
kurira…
Vanhu vose vakati
tande kumhanya!
Kuri kumhanyira
kwaibva bhero.
Ndakaerekana
ndateverawo-ooo
Semumvuri
wembeva!
Pandakati ndione
chaiitika…
Pfungwa dzangu
dzakahwandira kuseri kwegotsi,
Apo ndakatadza
kutenda zvaiona angu maziso!
Here- here chaunga chevanhu chose ichocho
Kumhanyira donhwe remvura?
Ndakapererwa nedzangu pfungwa…
Ndikatanga kunzwa kupisa kwegehena!
Chokwadi
ndakakanda mapfumo pasi
Ndikasara
ndakabata nhovo chete…
Apo ndakaona
chamupupuri chemoto,
Chichisveta vanhu
sechimwana pazviwitsi!
Rakava bongozozo
vanhu vachikungura,
Kudzokera
kumusha!
Moto wakanga
wakuchidzirwa zvino,
Apa mafunze emoto
akanga omedza munhu…
Sechimwana
chaonekwa chichichachura nyama,
Mhere yakava
Chitekete,
Misodzi ikava
yeropa,
Vanhu
vachikungura kudzokera kwavakabva…
Pane kukangwa
mupoto yasatani!
Ndakati nditize…
Ndikaita mahwekwe
nesupu yasatani.
Kuti nditize ndikaona
ndatovamhetamakumbo,
Kudoedza
kushevedzera kuona ndasvetwa simba!
Mudumbu mopisa-
musoro wotenderera…
Apo maziso akanga
angova boi-boi!
Ndakaziva kuti
ndakanga ndavakukohwa,
Zvandakanga
ndadyara panyika!
Saka iwe,
newe-newewo
Usazoyeuke
ngowani wave nebaravara!
Nokuti nanhasi
ndingorimo muchapupu chemoto,
Ndakamirira
mutongo waNyadenga,
Uyo uchandipinza
mune rimwe dziva remoto!
Hama dzangu
Gehena rinopisa vakomana!
Zvondonhuwirwa
zvino…
Dai ndakaziva
kuti garwe ane mazino
Ndingadai ndisina
kutambira…
Make mukanwa
munonhuwa samare!
MAGUMO: 07:25
By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)
No comments:
Post a Comment