Saturday 1 November 2014

GEHENA

Sunday 2 November 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [11] )
Start: 06:50
GEHENA
Handina kunge ndaziva kuti kuenda kuGehena
Kudya uroyi nenyadzi!
Dai ndakaziva haitungamiri pachokwadi…
Zvimwe ndingadai ndakapona Joki raBusvumani iri!

Ndichiti pindikiti mugehena…
Chakava chipitipiti mugehena
Apo raiva bitipiti besanwa revanhu kutiza!
Aive madhimoni aitambisa vanhu
Muchongoyo pasina ngoma nehosho!
Pandakati simudzei musoro…
Kuona gehena raive rimwe divi renyika!
Handina kumbenge ndazvifunga kuti…
Pasi paizorohwa nenyundo
Kana girinedhibonga zvakadai!

Chaiva chishamiso mumaziso angu
Pane zvandakaona ipapo…
Huku dzakanga dzisisina nzondora
Dzane mazondo nemvere!
Mombe dzane nzondora nemanhenga!
Apo masvosve akanga apfeka shangu dzaVaFuriramudenga…
Kunge zvoga- mazongororo
Akanga ane nyanga dzemombe…
Apawo nzou dzane mapapiro!
Rakava dhende kubvaruka…
Apo vanhu vakawedzera musambo wekumhanya!

Ndakazozununguka mazino mukanwa
Kuona vanhu vokuziva
Varimo mupani yasatani!
Kwaiti maiZuva- vakaroya sekuru
Baba Mwedzi- vakabhinya mwana
Sekuru Gora- vakazvisungirira
Uye mbuya Ngana- vakafira paguyo nekuchembera
Kozoti bhudhi Tonde- vakafira mumarokwe
Naivowo sisi Tandie- vakapisirwa mumba nechikomba!
Kuzoti kudaro…ndakaona kumedzwa kwangu nepasi.

Here here ini Mugaramumba
Munzvengamutsvairo, Muvhundukabete!
Kusanganiswa nevanhu vakadai?
Muiyo nyika yasatani- Gehena…

Ndiri mubishi rokufunga
Ndakanzwa bhero kurira…
Vanhu vose vakati tande kumhanya!
Kuri kumhanyira kwaibva bhero.
Ndakaerekana ndateverawo-ooo
Semumvuri wembeva!
Pandakati ndione chaiitika…
Pfungwa dzangu dzakahwandira kuseri kwegotsi,
Apo ndakatadza kutenda zvaiona angu maziso!
Here- here chaunga chevanhu chose ichocho
Kumhanyira donhwe remvura?
Ndakapererwa nedzangu pfungwa…
Ndikatanga kunzwa kupisa kwegehena!

Chokwadi ndakakanda mapfumo pasi
Ndikasara ndakabata nhovo chete…
Apo ndakaona chamupupuri chemoto,
Chichisveta vanhu sechimwana pazviwitsi!
Rakava bongozozo vanhu vachikungura,
Kudzokera kumusha!
Moto wakanga wakuchidzirwa zvino,
Apa mafunze emoto akanga omedza munhu…
Sechimwana chaonekwa chichichachura nyama,
Mhere yakava Chitekete,
Misodzi ikava yeropa,
Vanhu vachikungura kudzokera kwavakabva…
Pane kukangwa mupoto yasatani!

Ndakati nditize…
Ndikaita mahwekwe nesupu yasatani.
Kuti nditize ndikaona ndatovamhetamakumbo,
Kudoedza kushevedzera kuona ndasvetwa simba!
Mudumbu mopisa- musoro wotenderera…
Apo maziso akanga angova boi-boi!
Ndakaziva kuti ndakanga ndavakukohwa,
Zvandakanga ndadyara panyika!

Saka iwe, newe-newewo
Usazoyeuke ngowani wave nebaravara!
Nokuti nanhasi ndingorimo muchapupu chemoto,
Ndakamirira mutongo waNyadenga,
Uyo uchandipinza mune rimwe dziva remoto!
Hama dzangu Gehena rinopisa vakomana!
Zvondonhuwirwa zvino…
Dai ndakaziva kuti garwe ane mazino
Ndingadai ndisina kutambira…
Make mukanwa munonhuwa samare!

MAGUMO: 07:25

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)



No comments:

Post a Comment