Wednesday 31 December 2014

RAIVA ;;;;;;;;;

Wednesday 31 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [15] )
Start: 04:29
End:    05:30

RAIVA ;;;;;;;;;

Iro radai kutemesa vanhu musoro,
Vakadzi vese vakuru nevadiki vanoridawo.
Kuzoti varume imhanyidzanwa kuritsvaga!
Ndiro raparadza mhuri zhinji,
Nekuvaka mhuri zhinji,
Kana chimbuzi chaicho chinoriziva.
Vakomana ;;;;;;;;;,:::::::::,;;;;;;;;; vakomana!

Rakati rasendekwa mberi kwangu,
Bhurugwa rikati handeuwo mberi,
Dikita teu teu zvinyoro nyoro nemusoro
Kudoedza kufema- rangova rurimi panze pweshe,
Apo maziso achingotenderera
Kutsvaga parakatangira neparakaperera.
Chiri mumoyo chiri muninga shuwa!
Ndakati iri ndoribata chete,
Chikava chipata-pata pachiteshi
Kuti ndisvike pedyo naro,
Twaiva negwenga twuvakadzi
Twukapiswa chiropa twese!
Pandakati zendame mutumbi,
Wangu seri kwaro!
Vakomana ndakafara sehuku paguyo,
Apo ndaita zvangu
Kunge dzaisavamo pfungwa…
;;;;;;;;;Boyz dzangu boyz!

Dhonzautare rakati rovhetemetswa
Namuzvinasvondo, kana kumbozviona!
Apo pfungwa dzichingotenderera,
Dzichishuwira iro raiva mberi kwangu!
Vakomana taiti pakaita bhambu-bhambu,
Wati kufara here ikoko?
Kutekenyedzwa zvisina mukare akamboona,
Apo hana ichingova chitsuwi chamatatya,
Kunzwikwa neruzha runemutinhimira!

Ndkashinyira ndirimo muchikabudura,
Ndikafuta, ndikaonda, ndikarara, ndikatwasanuka
Kuri kuedza kunzwisisa chaiitika panze!
Kuti zvoga here? Ndakatarisa matirimana ose
Asi handina kunzwisisa!
Kungodai zvakare ndichibva ndangochema!

Ndakavhunduka chose
Kuita hwegonzo muhozi chaimo!
Apo ndakaona zuva roora.
Ndakanyara pandakaona mwenewaro,
Wendakanga ndatevera ocheuka!
Ndakaita kunge ndichavhura pasi,
Kana kupinda muengine chaimo nekunyara.
Mwene waro ndokuti ‘Zvakukuriraika mukoma?’
Ndakaoma mate mukanwa,
Ndokuzongoti ‘Munongomaziva masystem acho!’
Chigagairwa chemwenewaro chakachirova chikwetsu…
Ndokutarisa zvacho kumberi.
Ndakangosara ndakashama,
Ndokuzovhara muromo pava paye…
Nhunzi dzaneta nekutambiramo!

Ndakafara nokuti yakange
Yashaya mufaro ndokuchema!
Saka ndakaziva kuti yakanga yatsamwa,
Zvaizoitevera nguva kufara zvakare!
Vakomana ;;;;;;;;; iri ;;;;;;;;; iri!

 Ndakaramba ndinaro pangu pamberi
Ndichingokanga zvangu majuru pasina moto,
Apo Mwenewaro,  akanga azviona!
Chokwadi zvinoitwa nevemuchikabudura zvinoshamisa,
Ndaiti ndevemuchadenga chete!
Vakomana yakava ngoma ndiyo ndiyo,
Shangu dzechembere!
Panguva isipi Mwenewaro ndokuti
‘Pamusoroi mukuwasha ndakuburuka’
Nyangwe neniwo vakomana zvairevei izvi?
Hakusiriko here kutovewa
Mota yepachidya uchisekerera?
Ndaipaitaseikowo pakadaro?
Ndikatiwo ‘A-a-a ngatiburuke tose’
Nechemumoyo ndichiti iri handirisiyi!
;;;;;;;;; Vakomana ;;;;;;;;; iri!

Takati fambei fambei
Siriri ndiye rembu-rembu
Ndikati tsuro akashaya muswe nemanonoko,
Ndikariposhera rangu shoko rezvaivapo!
Ndikati ‘Aiwa amai ;;;;;;;;; amai ;;;;;;;;;!
Vakaseka zvavo ndokuti
‘Kutya kwakafanana nekufa,
Dzikamisa hana seuri parufu,
Tinotamba yese mwenebonga haapo!’

Vakomana ndakatsikirira musoro,
Pasi pemakumbo nemufaro.
Zvekutoti nzira handina kuzviona
Kuti takanga taimedza sei?
Vakomana;;;;;;;;; vakomana ;;;;;;;;;!
Ndinongoyeuka tichikiya gonhi,
Ramwenewaro ;;;;;;;;;.

Ndakati ndatarisa Mwenewaro,
Ndikaona ashanduka,
Angova ;;;;;;;;; ega ega vakomana.
Ndakati rangu shavi rabuda,
Ndikati ndinosara ndiri mupushu ini!
Ndakatanga kugwinha-gwinha,
Sendiri paJerusalem rikati rotevedzerawo.
Vakomana imba yakadengenyeka,
Ndiro dzikaridza mhururu,
Mapoto akaridza muridzo!

Ndakati ndarikachukira randakanga ndatevera,
Ndikatanga kuri kanyanga-kanyanga,
Zvisina mbumbuchena akamboona,
Mwenewaro akapa kutenda,
Makaro angu erandakanga ndaona…
Ndakatanga zvangu nezvimwe zvos,
Ndikazopedzisira nerandakanga ndafambira!
Vakomana-Vakomana chokwadi rakachiona chakatadzisa bere
Kuimba, kunyenama nekuseka richigona!
Ndakarisvinyanga-svinyanga,
Kusvika pakurimwisa kangu kachasu!
Rakati richatambira- tambira,
Kusvika Mwenewaro otodhonzwa neni!
Akati kuchema kunenge kuseka,
kuseka kunenge kuchema,
Ndiye fototo pamusoro pangu,
Richingova siriri kuyerera,
Nemaziso achingova rembu piriviri rembu!

Vakomana ndakanakirwa,
Ndiri pamusoro paro,
Ndakati kutambirapo,
              kutserendendapo,
              kuchemerapo
              kubatirirapo
Uye kurara pamusoro paro,
Vakomana ;;;;;;;;; vakomana ;;;;;;;;;
Mhuka yakasikwa naZame akadekara!




MAGUMO

Tuesday 30 December 2014

Zvikomana Zvapajecha

Saturday 27 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [9] )
Start: 18:00
End: 19:10
ZVIKOMANA ZVAPAJECHA

Ndauya nazvo zvikomana zvapajecha,
Vapfanhya vepaghetto- shura reshura chairo.
Chiona zvikomana zvacho ungati makudomana chaiwo!
Hiriri-hiriri nemugwagwa,
Ungati makudo ari kuhiriridza mugomo.
Tsviyo- tsviyo muridzo,
Ungati magora ari kurwirana mushakabvu…
Kuri kuda kuedza kuvaraidzika,
Imo munyika ine zviguswa zvinoshungurudza.
Zvinenge zviri zvimhandara zvinenge zvakateiwa ipapo,
Tsvarakadenga, vanaku kana zvifotofoto…
Zvinenge zvirimo mudariro
Chiona zvikomana kusagadzikana,
Ungati makudo ari kutamba chikudo,
Mugomo remandiriri chairo!
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Zvimwe zvinenge zvakapfeka masutu,
Zvichiti zvirikubva kubasa!
Zvimwe zvinenge zvichingotevedzana,
Nepfuma yamadzibaba hanzi ndini mugari wenhaka!
Zvimwe zvinenge zvichinyemwerera,
Nemari yekutsvaga,
Kuri kutsvaga raramo munyika yaZame!
Zvimwe zvinenge zvichirarama neshoko raZame!
Kurarama seshiri-mangwana Zame ndiye anoona!
Zvimwe zvinenge zvinematama,
Nekutumidzirwa iro dhora navashavi,
Vakamedzwa nematama enyika.
Zvose zvikomana izvi zvinenge zvirimo mujecha!
Zviri pamudungwe kutsvaga mukadzi,
Uye anozova amai vevana,
Mutovi wemwoyo pamarwadzo
Ane izwi rinopodza maronda api zvawo.
Chiona herere-herere,
Kumhanyisana kwezvikomana zvapajecha,
Ungati iherere-herere mugomo rengoda,
Zvikomana zvichimhanyira pazvinokwana chaipo.
Ndati ndikuudzei ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Chiona kupfungaidzwa kunoitwa mbanje ipapo,
Chiona kudutirwa kunoitwa doro ipapo,
Ungati chikomana chinoda kubatidza moto mudumbu!
Zvinonamata chiona- Mwari itai sekuda kwenyu!
Apawo vanaMatemba vanopira wavo mudzimu,
Vachitenda chipo chekurarama,
Vachiti vasharukwa vapfuudze basa mberi!
Kamumbumurirwo kanoitwa bute ipapo,
Ungati paputika chimbambaira cheGaza chaicho.
Vamwe ndivo vanenge vachingozwira nhamo kure
Vakafetefeteka mudzavo mhando dzemotokari.
Zvose izvi zvinenge zvichiitika paJecha,
Chokwadi ndati ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Ndeipi nzira yaunoziva
Isingazive musuwo wepamharadzano?
Kana iripo- pamwe kuhope chaiko!
Nyaya ndiyo imwechete… kutsvaga mhodzi yepamwoyo!
Unonzwa ndimi dzakasiyanasiyana,
Dzichishandiswa kuedza kutora mwoyo wezvimhandara.
Dzichishandiswa kuedza kutora mwoyo wezvimhandara.
Chiona mapisha-pisha anoitika ipapo…
Hazvisi nyore sekusima mbambaira,
Asi zvakaoma sekudya sadza nechibhakera!
Zvimwe ndizvo zvinobviswa hurume hwose,
Kuri kunyadziswa paruzhinji,
Savabhoki vanongonzi pfutseke kunyangwe napamuchato chaipo,
Zvimwe ndizvo zvinomhanyiswa nembwa nematemo,
Zvoda kukwana kwana- gonye pamukoko wenyuchi.
Zvimwe ndizvo zvinobvisana chirikumeso,
Nenhau yekuda kukohwa mbeu imwechete!
Zvimwe ndizvo zvinosungiswa kumapurisa,
Hanzi abhinya mwana wedu.
Ipfumvu chaiyo pajecha,
Ko kana vachidanana?
Vaviri ndivo vanozivana!
Rimwe rudhende- kuda kuroverana pachipikiri chete!
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha…

Mbada haina ruvara rumwechete,
Inototi iwane maviri kana matatu!
Zvimwe ndizvo zvisinganetsekane nekupfimba,
Kupfimba kwazviri kwakafanana nekutimba musuwa wesadza!
Zvimwe kupfimba mutambo wazvo chaiwo,
Kuruza kwazvo ndiko kuwana kwazvo.
Zvimwe ndizvo zvinongengerwa,
Handizive kuti kuita hunhu hwenhuta,
Kana kuti kuchengetedza tarenda wapihwa zambuko!
Zvimwe ndizvo zvinotoitwa zvekupfimbwa,
Kazhinji nekuda kwezviwanikwa.
Inga igaroziva chine zviguri zvikuru ndechepachuru!
Munhu kuvhunduka bete pane chaaona.
Ndati ndikuudzei ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Wati panoungana zvikomana,
Chii chinotaurwa? Nechii zvakare?
Vamwe ndivo vanofutana,
Kurohwa kwadhimba ari pamapfunde.
Unonzwa zvonzi chawakadya chakupfukira!
Kuita zvekutswanywa neriva chaiko.
Zvinyoro zvikomana zvinongotambira yazvo nyaya.
Zvimwe zvinoti aiwa aiwa kwatiri
Tinomadya namakanda acho!
Zvimwe zvinokubvunza- wakambotswanya nzou neriva?
Usati chiri kutamba chikomana,
Haufe wakaona chiso chake zvakare!
Vamwe ndivo vanokurirana- sora nechibage,
Toda kuona anotunga  raZame denga,
Kuri kutizisana kubva kuhupenyu hwevabereki!
Poto inochaiwa sepoto,
Zvinenge zvafonyora zvikomana zvapajecha!
Vamwe ndivo vanoparadzana nevabereki zvakanaka,
Roora- Muchato- kuvaka mhuri.
Isu vana Arikanjera torwadziwa zvedu matadza,
Nekutsenga  nyama- kuzoti doro hautaure!
Ndiwo maitiro edu zvikomana zvapajecha.
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha.

Zvose izvi tinozvironga tiri pedu padare,
Tinozvironga mukurairwa nevedu vabereki,
Tinozvironga mukupanana edu mazano,
Tinozvironga mukuona vamwe,
Tinozvironga mukukura kwedu,
Tinozvironga mukurotswa nevasharukwa,
Tinozvironga mukunzwirwa nyasha naZame,
Uye wekuzadzisa zhinangwa chehupenyu!

Kupfimba vasikana nanamai
Kwatiri kufamba wakapfeka bhurugwa raunoda!
Kurambwa navanhu ava,
Chijairira chisingadzimbe moyo
Kusangana nehonye muzhanje!
Kudiwa nevanhu ava,
Chiitikwa zuva kupinda mumakore!
Kuvaka musha navanhu ava
Chinangwa chewese murume,
Kupfirira imba naihwo huswa hunehuremu.
Kunetsana navo vanhu ava,
Kurangarira edu meso meso,
Asingagutsikane nezvaanoona!
Kugarisana navo vanhu ava,
Kuva neropa rinoenderana nechipo rerudo!
Uye kubvisa bhachi rehukomana
Uchipfeka jasi rehurume.
Zvose izvi zvinoitika pedu pajecha.
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapachecha!

Pedu pajecha tinotandara tose
Vose vanozviti varume pavarume tinosangana padare.
Tichipanana edu mafungiro,
Nekunatsana muedu magariro,
Sezvo tiri makudo egomo rimwe.
Vanotiona ndivo vasingatinzwisise,
Asi isu tinovanzwisisa,
Kana mafungiro avo tinoaziva,
Vachatiziva chete nerimwe gore,
Isu zvikomana zvapajecha.



MAGUMO!!!



Tuesday 23 December 2014

A LETTER TO A SURNAMED GUY

Wednesday 24 December 2014
Written: 2014 (My African Mental Physics [9] )
Start: 01:40
End:  02:25

A LETTER TO A SURNAMED GUY
When it happened…
I wasn’t there!
How it happened…
I do not know!
If I was to be asked,
I would say I was at school…
Reading books!

How it happened…
You do not know!
What will happen…
You do not know!
Where were you?
In the future…
Your past,
Preparing for your present!

How is your present?
You do not know…
Do I know?
I do not know…
Then who knows?
The same guy you were with,
In the future…
Your past,
Preparing for your present!

What is it that I can tell you?
What is it that I can tell you,
That will give you a pathway…
To your betterself?

Time… does not save you because you are intelligent
Air… does not spare you because you are ambitious
History…does not forgive you because you are different
And future does not choose you because you are born!

It is all in you my nephew
It is all in you my brother
And it is all in my blood.

Trees do speak, but people do cut
Rivers do sing, but people choke them
Animals do smile, but people do burn them!

What is it that I can tell you…
What is it that I can tell you my nephew?

Tears do come,
But you can tear them apart!
Happiness do come,
But do not be deserved with it!
Mysteries do come,
But do not let them clone you!
For you are just a vein of truth…
Chosen from the softness of purity.

Yes, you shall oscillate in the reactions of human exfoliation
But that will not turn off your light!
Yes, you shall excavate the richness of neatness
But that will not stop your infinity multiplicity!
Yes, you shall treatise all your hidden hypothesizes
But that will not blow off the beauty of your soul!

Please let your eyes see so that you can see!
Please let your ears hear so that you can hear!
Please let you nose smell so that you can sense!
Please let your hands touch so that you can feel!
And please let your tongue taste so that you can have a taste!

Love the light and stay in its truth…
But also remember, darkness is peaceful and gives focus.
Those people ran away from darkness,
Because they exhausted its darkness.
They took away light threw it in darkness…
And filled it with darkness!
A curse that runs through their generations…
One scholar said ‘Inside light there is darkness’
And another one said
‘I love darkness, because it gives me a good reason to love the stars’
And my book tells me ‘darkness was separated from light’
Or vice-versa…It is becoming difficult to remember these days
Because our minds have been manifested by repeated redundancy
They call ‘oasis of knowledge’ and our eyes only see the light produced by electricity!
Our ears hear not to be heard…but repeated redundancy
Awkward stupidity overdosed to systematic perfection!

These lessons shall be your first steps to divinity
And divinity will bring you to spirituality…
And spirituality will bring you to all that will follow!

Just like old times…
My phone is now battrey less
I wonder why they are not creating phones that does not need batteries!
My pen is now inkless…
I wonder why they did not create pens that are inkless!
My alarm is about to ring…
I wonder why they did not create individual alarms, that does not disturb the person next to you
Or in the same room with you!
I wonder why do I need an identity card in my own country!
Wonder….wonder…wonder…why would we wonder when the truth is there?

I guess,
These lessons shall be your first steps to divinity
And divinity will bring you to spirituality…
And spirituality will bring you to all that will follow!
As soon as I get more ink
I believe I shall find your curiosity,
Printed on my white pages in your favourite white ink!
………………………………………………………….

End!!!





HAUNZWI...NHASI ZVAKUWANA

Sunday 23 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [10] )
Start: 2:00
End:  3:15

HAUNZWI…NHASI ZVAKUWANA

Haunzwi handiti?
Shuwa haunzwi!
Dai wainzwa ungadai uchinzwawo…
Vose avo vanonzwisisa kusanzwisisa kwako.
Zvino zvezvakuwana nhasi,
Zvinokusiya here?
Ko zvikakusiya,
Zvinokusiya wakaita sei?
Chokwadi chisingaperi chinoshura!
Dhamu kunyapopoma sei rinopwa chete!
Zvino zverakupwira dhamu,
Uchawana pekuhwanda here?
Kana ukasahwanda,
Uchahukwanisa here hutsva hupenyu?
Kana ukapona nguva iyi,
Uchakwanisa kuzvidzosera zvazvanga zviri?
Zvino ukaikundwa tsoro yacho,
Unoti wanatsei- Iwe usina kuteerera?

Kwaunosvipirwa mate,
Ndiko kwaunoda kuenda kunotambira?
Kwaunosekwa,
Ndiko kwaunoda kugarofambira?
Kwaunotukwa nekuzvidzwa,
Ndiko kwaunoda kutsvagira sadza?
Kwaunobirwa,
Ndiko kwaunofamba wakafa nekudhakwa?
Kwaunoda kupondwa,
Ndiko kwaunoda kutengesera wako mubora?
Kwaunoda kunokorwa tsoka,
Ndiko kwaunoda kufambira padhuze?
Chokwadi haunzwi- haunzwisise!
Dai wainzwisisa ungadai uchinzwisiswawo…
Neako matambudziko.
Chiona manje nhasi zvakuwana!

Kunzi enda unotore migomho yemukaka,
Dhi dhi dhi nemigomho mana yemvura!
Kunzi ehoyi changamire…chifudzai mombe,
Rinodoka uri muchikomo cheminzwa…
Uchifudza mbudzi kunyangwe dzambuya Zuva chaidzo!
Zvonzi horayiti… chitibatsira kuverenga vanhu,
Iwe kwanyanu kutanga kuverenga neshangu dzavo!
Asi chinyi nhai- ko chindiurairawo huku zvayo,
Ndipo pandinokuona uchikikiridzana,
Nedemo kuda kutema mhuru!
Kuitawo here ikoko changamire?
Ehoyi chindiimbirawo kambo kamwechete,
Kwaku-kwaku nemashizha kuda kudetemba!
Chokwadi ndazokuonai changamire- hamuzwisise
Dai maizwisisa mungadai musina,
Kuisa ziso renyu muburi repfuti,
Sezvamakaita izvi!

Ehoyi toita kuda kwenyu changamire…
Maramba- kuramba kunzwisisa,
Mukaisa zvitanda munzeve,
Mukati nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
Wazonge wane nyanga munzeve rinhi?
Ko chivhiti-vhiti zvaunacho,
Chausina maziso kani?
Ko mawairesi zvaakatekeshera nemba,
Chausina inzeve kani?
Asi dzako nzeve hadzimboswinyewo,
Ukabvisa ako matanda munzeve uchikwenya?
Ko shamwari zvaunadzo,
Pakashayawo kana mumwechete akambokuyambira?
Ko vabereki zvavaigarotaura wani,
Unoti vaitaura chisionekwi magaro enyoka?
Asi iwe pachezvako haunzwisise here,
Kuti wakurasika, kupinda nzira yenzara
Yemaguta iripo!
Ukati unoiziva here Nzarabwe,
Yaunoda kutamba nayo chisveru-kiye!
Ko zvawazokiiwa waiwewe,
Uchachemera ani akateerera?
Haunzwi- haunzwisise,
Zvino zvazvakuwana nhasi uchaita sei?

Unoda kukwana pese wagova bobojani?
Rega nhasi zvikuwane nekuti unowanza!
Kuda kufamba uchisekedzana nemapere…
Unoti achataura ngano?
Kana kuti ndiwe unotozoita ngano,
Tikaiverenga tese-tese nanaBonderai Mukonde.
Unoda kuzviita mbambo simbi yemugodhi,
Zvino pane paichaperawo zino chete!
Ko zvayadai kusara nevende wani!
Chimbo chinonakidza chichibva munzeve,
Kana chobva mumuromo usiwo…
Chinoita madhisinyongoro- mombe nembudzi mumunda!
Saka aya ndiwo maperero awada kuita?
Kuzviviga uchiri mupenyu?
Zvino vekunyikadzimu vanokutambira here?
Hamheno Zame nedare rake?
Chokwadi kuda kuita rufu rwebonga
Kuchemwa nenhunzi nehonye?
Chokwadi haunzwisise…
Zvino zvazvakuwana uchaita sei?

Pamwe uneako maitiro- hazvizivikanwe!
Zvamazuva ano hazvinzwisisike,
Bvunza waguta kuti tadya nei?
Zvangova zvekurasisana dumbu pahuro chaipo!
Pamwe uneako maitiro akasiyana neatinoziva- hamheno!
Wakazonge washandura ruvara rwemombe rinhi?
Tikabvunza Changamire Dombo vanozviyeuka?
Wakazonge wane masaramusi nemapipi rinhi?
Tikabvunza Mahommad vanozvizivawo here?
Kuti kudaro…handifunge!
Chokwadi nhasi zvakuwanai changamire…

Waizviona Jongwe…padzose tseketsa handiti?
Kuzviita Moze murenje handiti?
Kuzviita tsuro magenga pakugaya handiti?
Zvino zvose izvi zviripi?
Ko zvawarumwa nechekuchera,
Uchakwanisa kuchirumawo here,
Kana kuti ratova rako ronda?
Chokwadi haunzwisise,
Dai wainzwisisa vanonzwisisa,
Kusanzwisisa kwako…
Ungadai wakanzwisiswawo neako matambudziko!

Chitaura- Chitauraka!
Nhasi waigochera pautsi,
Zvino uchaitasei zvazvakuwana kudai?
Zvino uchadyiwa sedemba wakasvinura!
Nenyaya yako yekuda kutamba wega…iyi
Unotamba wega uri kahuku kekurasirirwa?
Zvikomana zvepajecha hazvisi zvikange nani?
Tambawo nevamwe unzwe avo mafungiro,
Handifunge kuti waimbozvitadza izvi!
Chitarisana nechako chekuchera,
Ndakamirirawo changu chekugofa!

MAGUMO!!!





Monday 22 December 2014

CHANGU CHIVHINDIKITI CHESIKANA

Sunday 22 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [8] )
Start: 6:40
End:  7:40
CHANGU CHIVHINDIKITI CHESIKANA

Hama dzangu
Dzangu pfungwa dzinenge kupenga!
Iko kurota ungati ichokwadi…
Vanoti kure kwemeso nzeve dzinonzwa,
Asi ini ndinoti kure kwemeso chiroto chinouya.
Aiwa, zvanhasi zvandigura napamutsipa chaipo!

Chiona zvoitika manje
Chisionekwe mbada kurezva mhuru!
Ko…zvondobatwa mapendekete nacho chivhindikiti
Ini ziro kunyarara nekuvhunduka!
Chodzika choboponora shati yangu…
Ini ndoti chave chii zvakare,
Huku kugotedzana moto nengwena?
Chokwira nekudzika chichitamba…
Naro dzviti rechipfuva changu.
A-ah, hezvo muchikabudura!
A-ah, asi ndiri kutadza kuona,
Kana kutoti ndapindwa nekatanda muziso?
Pamwe kudaro… nokuti
Zvoitwa nechivhindikiti ichi,
Zvondikanga mate,
Rurimi ruchingosara raruvare chairo!
Ukati anomagona kumadiridza here,
Maruva aatanga nawo aya?
Hamheno… rega tione kunodonhera dohwe nedombo!
Aikazve! Naro sango remuviri wangu
Anga azoda kuvhima nguvai?
Hamheno…rega tione kwazvinosvika!
Dzangu mhuka dzovhunduka,
Dzimwe dzoomesa musoro nekuvhunduka!
Dzimwe dzofutisa nekuondesa matama nehasha!
Iya- bvudzi roti roti nyangarara kumira,
Sakiti anayiwa naGukurahundi wemvura.
Hezvo- maziso  piriviri samhiripiri wapachuru…
Rute rongoyerera sezerera ririmunaRute,
Maziso ongopusa-pusa sechembere yoda kurara
Kufema kongova he-e-he-e somunhu ari kugorerwa mweya!
Maoko ongotamba-tamba semuswe wedzvinyu,
Ayowo makumbo ongomira samatanda aFuriramudenga!
Ukati pane chakanaka ipapo?
Chokwadi Jakobo aripinda bako rehupenyu…
Hamheno kuti anoribuda arimupenyu here?
Naiyo nguva yamatsotsi kudai…
Hamheno rega tione kunowira tsvimbo nedohwe- shuwa!

Chivhindikiti chesikana,
Apa chazondikandira kwandarasikira.
Ini ndiye ze-e – ze-e
Nedzungu rokuhwa kuda…
Chiona zvoitika zvino,
Ndabva ndakoka dzangu dzose mhuka,
Kusanganisira dzomusango,
Neimwe yemukatubu kasingaperi kupwa
Kuti tinoponde iyo nyika yaChivhindikiti…

Vakomana kutaura ungati kunyepa,
Kunyepa ungati ichokwadi!
Pandati ndiponde nemhuka yemukatubu…
Chivhindikiti chesikana chabva chatanga kutsakatika…
Zvishoma- nezvishoma…
Kudoedza kutevera nerabhiza simba chairo
Ndokungoita mashangurapata chaiwo!
Pandati ndimire ndimbotore mafemo…
Ndazongonzwa machongwe kukukuridza kukurigo!
Pandati ndione chirikuitika
Ndokuzoti bangazu!
Ndione a-a! Inga nhasi chandiwanira kuhope!

Kwaiva kurota- chokwadi kwaiva kurota…
Handife ndakarara ndakapfeka shati yako futi,
Unozondibatira kuhope zvakare!

Asi mudiwa Chipo ndinokuudza…
Nerimwe zuva gava richadambura musungo,
Rikaita masaramusi- mapipi eJoni chaiwo,
Apo ndichapamba rako dunhu nedzangu mhuka…
Mhuka dzehondo dzinoparadza- kuvaka nekusunganidza hukama!
Uhwo hwatinahwo…pahukama hwedu.

MAGUMO!!!   




Rudo Mudiwa Rudo

Sunday 21 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [14] )
Time [3 minutes 4 seconds]
RUDO MUDIWA RUDO

Rudo mudiwa Rudo!
Ndakakuwana zvine chido chinenge zvido,
Ukandipa rudo
Kwete rwemakondo kana makudo,
Asi rudo rune chido!

Rudo runodzinga chando,
Hosha kana shanje!

Shonga Murenje,
Nyati mwana waMuchenje!

Chengerai imi vanaChenge,
Nemi vana vanaVengi
Pane wangu mutongi
Kwete wemadhongi- Aiwa
Asi mutongi wemoyo nerudo rwangu!

PachokwadI… mutongwi achava ini!
Ndakamuona ini
Ndikamufadza ini
Kumukanda shoko ini
Zvose nekumuda ini, kwete imi!

Saka pamunokwana ndepapi- ipapa?
Enyu maziso haaone here,
Kuti vaviri-vaviri muareka yaNowa?

Ndini Mudzinganiswanembwa
Ndini Mutsvagakumisaimba
Ndini mukoma waDhimba
Akazvarwa aine simba, asina mimba!

Semi twumadhara twepajecha,
Twusingade kuona panomera rudo!
Twumadhara tweshusho,
Twunetwudumbu twunoshungurudza vakuru zvavo!

Ndiwe Mudzimbanhete wangu
Ndiwe Mugaranezvinhuzvangu
Rudo Mudiwa Rudo!
Changu Chipo chinenge zvipo!

Kwete zvipoko, asi zvipo zvisere
Muchengeti wehupenyu wangu chaiye-iye,
Ane rudo ruzere,
Nembatya dzizere,
Dzinematafu-tanana enyama!
Asingandipe munyama, bodo
Asi anondifungisa ngirozi dzedenga
…. Dziri pano pasi!

Ndinokuda mudiwa ndinokuda
Chiso zvose nemoyo
Mutumbi usina kana mutoro
Asi chitoro chechivhindikiti chemwana
Chisingatyisi vana kwete
Asi chinondisiya ndine han’ya nehavi!

Rudo mudiwa Rudo
Ndinokuda mudiwa Rudo
Wangu moyo waperera
Pauri Rudo mudiwa!
Chokwadi ndiwe wangu Rudo
Wandinoda Rudo mudiwa Rudo!


MAGUMO