Saturday 31 January 2015

MDARA MUTEMARINGA

Sunday 1 February 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: [Mr Mutemaringa- Katanga:Norton]

MDARA MUTEMARINGA

Ndikai nekudai...vese voringa
Vanondiziva voti pfacha... Va- vasvika
Vanondizivisa voti hiya...chachaya!
Vasingandizive vongoringa- nekuringa
Ko ndeupi uyo...ko ndevapiko avo?
Ini pakadaro handimiri...haiwa bodo
Ndopandinobva ndanyatsoita hwidzazwi
Chaiyo zipito ramatatya, ekusiku!
Ndipo unondiwona ndichisumudza
Nekudzikisa angu makungo
Samasoja anofora zvinyoro-nyoro
Kuri kuritinha rangu detembo
Semombe dzemufudzi akazvigutira hake
Kuti cheu- kudai...
Ndipo ndinoona misoro yogutsirira
Setwushiri twepuranga twuye
Twunobvumira nyaya
kunyangwe neyataurwa
Nebhambu remota rose!
Apo zenze ndoparinoti zekete
Apo maoko ndinenge ndongomwiza-mwiza
Sezviremwa-remwa zvinosvova gora...
Hwidzazwi rochidetemba sandinoimba
Mapendekete oshibhururuka samapapiro
Vamwe vokwarira mukati...kuda kuuchira
Dzimwe pfungwa dzopisa....kuti kwete
Vosara zvino vakapiringishwa nezwisiso
Seishwa dziya...dzedzimaidzo yamagetsi
Ndonzwa mwoyo yavo kuti shiriririri
Ndotoshaya kuti dzvo shiri vanga vadziwana kupi
Wati ndinomira here pakadaro...?
Handimire ini...Ungadaro-wobva wadaro
Woti zvakwana? Aiwe....unokamburwa
Sechihwitsi chemwana wemvana...
Ndipo ndinofamba zvishoma-nezvishoma
Sechishiri chiye chemanhenga akawanda ichi..
Ichi chinoda kukwikwidzana natwiza pamutsipa ichi...
Ichocho....ndakananga kuna mdara Mutemaringa
Ndakamutarisa napakati peziso chaipo...
Seanacho chikwereti changu-masaga matatu enzwisiso
Kumuti ba! kudai...rake rinovhurikira rovharikira
Seachati munhu mutema ringa...munhu mutema huya uone
Ndomuti siki namashoko-siki, ndobva ndamuti siki futi-siki
Kudai...ndobva ndaona mavende ese avapanze
Vouchira...vachiti aiwa tembo zvaonekwa
Aiwa zvaonekwa tembo...zvikai henyu
Musha tinawo...mushe takachengeta
Musha wedu wakanaka...
Pakadaro ndipo ndinocheukira mhomho...
Ndoombera maoko...
Ndoti aiwa zvaonekwa Katanga
Aiwa tinotenda nekutigamuchira
Katanga...musha wevanhu
Musha wevanhu vazhinji!
Ndidzo dzedu tinoreketa
Ndidzo dzedu nhetembo, tinoreketa
Tiriyo Katanga...nyika yamatehwe nembira
Nyika yehove nenzizi...
Nyika yedzidziso nenzwisiso
Nyika yemimhanzi namakomborero mazere!
Kuti kuine chimwe...?Aiwa chichazvitaurira choga...
Ndakavaudza ava...tangai manyora musati mareketa
Ivo ndokuti 'aiwa kureketa tinozvipa....idzihwa pahuro'
Zvino isu kana tonyora tinoreketa nekuonesa...
Kana toreketa tinosika nekusimbisa zvakasikwa!


MAGUMO!!!



Friday 30 January 2015

PAURINA MAROTO

Friday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [28] )
Start: 12:49
End: 13:42

PAURINA MAROTO

Amai vevana vangu ndiwe Paurina
Vana vangu vachiva vako Paurina
Chokwadi handidye chedemo aiwa
Asi chebanga chaicho chinodyiwa nevanodikanwa!
Nokuti ndakanga ndafunga kuti Mwari andiseka,
Kundiumbira dhonza risina mhou shuwa?
Asi kuri kuita kwake chaiko,
Kwekuregerera vanhu nezvipi zvavo zvitema!
Rega zvavo vataure…nyakunyumwa ndiye ane baravara shuwa
Nokuti kwangu kukuona hakuna kupedza nguva,
Asi kubakidza moto werudo,
Wandisina kubvira ndakamboona muhwangu hupenyu hwose!

Kukutarisa kudai mbunde-mbunde
Mahwekwe nerwako rudo Paurina
Kutaura newe kudai pfacha-pfacha
Kupinda muyako nyika yerudo Paurina…
Izere mashoko anotapira huchi kunaka
Kuri kununira kwamashoko ako Paurina
Kuzokutarisa kudai mwana iwe…
Kumbaita ziso rinodzupura moyo zvakadaro here Paurina?
Kumbaona wangu moyo mutyeve rweziso rako here vanaiwe-e?
Ndaipaitaseiko pakadaro hamadzashe?
Ndaitoti ndimutsvode chete mwana uyu…
Akanga atora moyo wangu zvakadaro
Kuri kuedza kusveta wangu moyo,
Wakanga wapfimbikwa muako maziso
Ainge aine mifananidzo yedenga chaiyo mukati mawo!
Ndiko kukuda kwandakaita Paurina…amai vevana vangu!

Minamo yenazviro yemiromo wake
Ikava yedu sungano yerudo rwedu!
Yakatisunganidza pfungwa, moyo newedu mitumbi
Yakava namo kusada kusiyana kana kamwe chete…
Kuzovhura ziso kudai kuona pachokwadi,
Takanga tadimburirana wedu munda napakati chaipo!
Kunge kunyepa- kuzongoona muake meso
Mangosara chimwe chechidimbu chewangu moyo,
Ndichizongoti bangazu- kunzwa hana kurova,
Ndichizongoziva pakanga padonhera kangu
Kamoyo mukangu kamutumbi!
Kuti ndairota- Kuti ndaioneswa- Kuti zvaitika?
Yakazongosara yavamibvunzo chete,
Wangu mukadzi ndashongedza kare-kare!

Kubva paruzhinji kwakanga kwakaipei?
Ndokuzongoona edu maoko okachukirana soemunhu mumwe chete,
Kwakaendwa netsoka ndiko kwakaendwawo nemutumbi!
Kuti ndainge ndakabata ruva rerudo?
Kuti ndainge ndakabata tsamba yerudo?
Kuti ndainge ndakabata rake rokwe?
Chandaingonzwa kwaiva kuswinya-swinya
Kwerwangu ruoko zvakazongosiya
Wangu muviri wangorukutika kuti rukutu!

Kuzopepuka kudai, ungati kukanyaira
Here kwaiitwa nemwana wevanhu ikoko?
Kuti ndakanga ndazvibatira kangu kakonye?
Kuti ndakanga ndazvibatira rangu bhiza chairo?
Kana ngirozi kunge njuzu chaiyo?
Ndiye wangu Paurina wandakanga ndasarudzirwa
Nevangu vadzimu venyika chaivo!

Hanzi ‘chemberenzi yakabva pausikana’
Kuti vaireva Paurina here vanhu ava,
Kana kuti mumwewo hake musikana?
Mumwewo akati ‘zvakokomera chembere kufira muhozi’
Ainyatsomuzivawo here Paurina uyu,
Kana kuti yaiva fembera-fembera dhungetunge yetsono!
Wangu Paurina uye akange akokota wangu moyo sedovi!

Kunge kunyepa-kwedu kufamba kuchinge
Kwechitima chiri kubva pachiteshi!
Kwedu kutaura kuchinge,
Kwechijobo-jobo kukweza kwayo tseketsa!
Kwedu kutarisana kuchinge,
Kwekunyangira…mbavha kuba muhozi!
Kwedu kuseka kuchinge,
Kwebofu rinoseka zvarisingaone!
Kuzoti kwedu kudanana kuchinge
KwaTsoro naMutsai chaiko!
Zvekutoti vaiona vaipa kutenda kuzere,
Kuti pachokwadi Evha akange abva pambabvu yaHadhamu!

Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndisina kana dhora muhomwe
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndabva kurambwa naDhibhi uya
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndichiendepi
Ndakatada!
Kuti ndizvifunge kuti takange toendepi
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti zvakanga zvaitika zvakanga zvaitika pachokwadi here
Ndakatadza!

Chandakakwanisa kufunga raiva zuva,
Randakarota Paurina mudzangu hope ndisati ndamuona-chete!
Ndipo ndakabva ndangoziva kuti,
Ndakanga ndamuona Paurina Maroto wangu!

Uye wandakarota mudzangu hope dzainaka
Uye wandakange ndapihwa nevangu vadzimu
Uye aizondiberekera angu maruva enyika
Uye aizochembedzana neni Paurina
Achizova mifananidzo yadzo tsvarakadenga
Dzapo pano pasi paZame apa
Paurina- Paurina angu Maroto akauya ndakarivara!



MAGUMO!!!

Thursday 29 January 2015

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Thursday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [31] )
Start: 01:35
End: 03:02

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Kamuchena kaye kazoisumudza tsvukachinái iya
Kuchisumudza chaiko icho chiya chinái chakatsvuka chiye
Kuti nditi rudo rwemoyo…rudo rwepfungwa hapana chandinoona
Kunze kwekungoona mazongoza wakasimba kuti tasa
Apo tsvukachinái ichitaura nako kamuchena kaye
Kuti nditi kugwinya, kutya kana kuti rudo rwakamerera kumusana
Maziso boi boi muzongoza ndiwo mushenjere!

Chokwadi kamuchena kaye  kazoisumudza tsvukachinái iya
Rudo kumerera kumusana? Musana kusimba semushenjere?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Hakusiriko here kuzvongonyoka sedemba paruware,
Kana marwadzo ouya?
Hakusiriko here kuzvirovera padombo savaGunú
Kana marwadzo ouya?
Angazive ndiani kunze kwake Makushamhuru,
Uya weupepe kana achinge akaona kake kamuchena!

Ndokunge yasumuka tsvukachinái iya!
Hanyná kana kusava nehanyná, ichichi chitata change chaicho,
Unomunzwa achudza dzake pfungwa nemoyo!
Kuzoti kuvanhu! Unonzwiririra icho chaicho,
Chakatadzisa horomba kutaura, asi kunyenga richigona!
Svusvu remoyo wangu chairo…
Chidau-dau chenhapitapi yangu!
Chipepe change chaicho chandinogarorota!
Shisha yangu…ngirozi yakabva kunaBaba!
Ndiwo ake matauriro…kana oudza vekwake!

Kuti zvingade pfukarushesha…
Kana pfukapfuka here kuti titsvage mukoko?
Kuti zvingade mukoko…
Kuti tizive pane zimai renyuchi?
Kuti zvingade zimai renyuchi?
Kuti tizive pane manga?
Angazive ndiani kunze kwake,
Mukushamhuru uya weupepe!
Iye anoziva paakamora hwake huchi,
Hune minanzviro yepasichigare chaipo!
Chokwadi zvinotoda karipo kake,
Kamuchena chaiko…
Kekusumudza wake moyo kunge mutumbi!
Nokuti zvikoni-zvikoni namo haitapire semusvisvi!

Kuti karipo wati ungamuchaye?
Nyeche-nyeche unoiona tsvukachinái,
Yeupepe unenge murara yasvika!
Yongonyekaira-nyekaira nekunyeketa moyo wemwanasikana
Zvekusiya yanyekesa moto werudo mukati mako kamoyo kemwana!
Chinozongoonekwa kunyeketera kwerudo rwetsvimborume,
Madzitete achinyechura rudo rwemukomana nemusikana!
Izvo zvinozoonekwa nekunyekura kwayo tsvukachinái,
Apo kake kachena kanenge kangova nyeku-nyeku,
Kunyemwerera kusina meno!

Kuti hakusiriko here kudada kwavagoni,
Kukanga nyimo nezuva moto uripo?
Kuti hakusiriko here kudada kwake nako kake kamuchena?
Chokwadi ndiko kwake kudada kana ainako kake kachena!
Pazvedi wada nyemba watsunga…
Nyechere yetsvungachinái iya,
Yaitoti isumudzwe nako kaye kachena kamusikana!

Kungoti uti bufu, kangu kamuchena kandinoda!
Kungoti vhurei muromo, kangu kamuchena kandinoda!
Vachingoti vhu-u kusvika, kangu kamuchena kandinoda!
Achingoutambidzwa mukana, kangu kamuchena kandinoda!
Kana napakurota, kangu kamuchena kandinoda!
Kuzoti muhope, kangu kamuchena kandinoda!
Nepakuvhumuka here vakomana? kangu kamuchena kandinoda!
Kangu kamuchena kandinoda- kangu kamuchena kandinoda!
Aiwa zvanhasi zvine vamwewo weduweee!
Kudoka kwaro zuva, kunozivikanwa,
Nevaoni varo richibuda zuva!

Aiwa ndikako kangu kamuchena kasikana!
Kundibvisa hutsvukachinái hwangu hwose,
Ndichisara ndangova rudo rwakadonhera murudo kudai…
Ichinge iri yangu hana aiwa inorovera iko kakandida!
 Uchinge uri wangu moyo aiwa wakazviwanira shamwari…
Dzichinge dziri dzangu pfungwa aiwa dare dzakagara kare,
Zvekuti uri wangu moyo aiwa wakanyura sebvunze pauna-una kare-kare!

Ndiko kangu kamuchena kandakazvidira
Kakandiwanawo zvangu ndakamirirawo rudo
Iko kachiremerwa nerudo runopfachukira semapopoma aZambezi…

Ndiko kangu kamuchena…kangu kasikana kandinoda!
Kangu kamuchena kaye…kane ganda ramaranjisi,
Kane unaku unokwezva ziso pane unaku upi neupi zvawo!
Kane izwi rinenge renyenze inorira zhizha rasvika!
Ake mafambiro achingova nyemu-nyemu, nyama yehukwana…
Ndiko kangu kamuchena- mai vevana vangu chaivo…




MAGUMO!!!

WAMANAKE- WEKWAMANAKE

Thursday 29 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspired By: Toots Hibbert & Slimdoggs photo of VaChikepe, Nice Cutter and VaChingebetter


WAMANAKE-WEKWAMANAKE

Mukati meziso rako munopenya chiyedza chichauya...
Dzake nguwo dzichena dzakaumburudzwa mugore rashe...
Ndikamubata uyu aiwa ndapinda machena...
Kana sadza rinondigezesa maoko ndisati ndaridya...
Ndichidya zvangu nemazai ehanga...
Vamwe vose vachingoshevedzera Machena-Machena
Machena tembo vanofamba vakazvitemba....
Machena Samaita...mwana waSamasimba...
Machena Bingaguru vakabva Guruuswa...
Machena Mbizi yangu kuona dzimwe hutongi huzere...
Kuriona bani aiwa kurishongeza...
Mhuka dzose dzofara hanzi aiwa maita wamanake!
Tonakirwa zvino...chiedza chovhenekera kwose...
Chinyiko chatingashaye...kana meso oona...kana rose bani tapihwa pachena?
Aiwa mwenje wenyu ngaujeke...tione nzira patinofamba.

Tsviyo- tsviyo- tsviyo iyoyo tsviyo- nhembe fuku!
Ndiwo mapemberero edu iaya....
Dai mandipawo yangu pembe...ndapembera nechepahuro chaipo...
Kuti kwedu chiedza chakavhenekera...chikavheneka tikaona!
Kuno totovhenekerera varikure...varikure vouya vachimhanya
Hanzi aiwa maita basa Wamanake...magora bonga anga otionesa ndondo muforomo!
Isu tongoti furira fure dzihwa renhamo iro...yako ngoma kwako inokudana!

Kindi kindi kindi yorira ngoma...bembero rotamba zvino...
Munhu uchamuziva? Misodzi jaka jaka...
Hanzi 'Handina kubvira ndamboziva kuti ndingatambe zvakadai'
A....tambai asekuru- ndiwo wenyu mufaro uyu
Wenyu munamato wasvitswa pachigaro chitsvene!
Watakurwa neshiri huru dzinamapapiro anozunguza midzi yemiti...
A....farai vasekuru- magadzwa muhumambo hwemafaro!

Pfuche...pfuche...tambai yekwenyu...yekwangu yondidana
Yokwamanake yondidana nezita rangu...
Hanzi vazhinji vamira pamukova...svumbunura rufaro rwutekeshere!
Kuti mungatetere kure?
Aiwa bodo...zarirai mukati...mutambe yenyu ngoma yaManake-wekwamanake!

Kidi kidi tindi tindi....yarira...inorira zvachose!
Emudzivisi masimba ndiwo wakarakasha...
ASamasimba- masimba ndiwo odai kuti ndandanda newe!

Pfuche...pfuche aiwa ndotamba yangu
Yokwamanake yokudana nezita rako iwe...
Raiva rako gomo iwe...ndokava katanda kako kekunon'onesa nzeve!




MAGUMO!!!

Monday 26 January 2015

10 GLASSES OF MY VIOLINIC MUSIC

Tuesday 27 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: Lara St. John

10 GLASSES OF MY VIOLINIC MUSIC

Please give me 10 glasses of
Concentration, coordination and calculation
So I can hear the sound of the violin!
5 glasses to my left and
5 glasses to my right
As I allow the beautiful music
…To sink into my heart…

Golden shoes
I want to wear in my center of attraction!
Beautiful ragged modern-clothes
I want to wear in my center of attraction!
They say they do not have a social life…
But with my music I tell them…
‘I socialize with my violins’

My music gets into my body and I jump
My music pieces through my head and I node my head
My music makes me close my eyes…to see visions of my musical notes
My music makes my right hand the strongest part of my body,
And makes my left hand produce the rhythm and melody of my music…
I love my music…
I love my violin!

Listen carefully
And hear the sound track of your favorite imaginary movie…
Listen carefully
And hear the beautiful music of the 16th century…
The music that was never herd by people of its time!
Absorb the silence of the auditorium
And get an understanding of your future…
The reflection of your past moments!
Yes! Let loose that left leg of yours
And silently dance to the tune…

I wish they could not only hear the music of my violin
…But the music from my favorite character…
The smiling necked violin-face…
Dancing with his eyebrows to my direction…
I wish you could see him…
When I reach my internal ecstatic frenzy…
As I pose an eye to him with the corner of my eye…
I love my music…
I love my music!

It needs at least 25 violinists
To drive me crazy
If you give me 50
I can fly with my own invisible wings
If you give me 100
We can fly together to the world of music!

Thank you so much
For clapping your hands,
Allow me to bless your lives with my gift of music…
(tiri…Ri…TIRIRIIIII…iii…aiiii ai ai ai ai)

To you I say
Please…
 Give me 10 glasses of
Concentration, coordination and calculation
So I can give you…the sound of the violin!



END!!!

Wednesday 21 January 2015

NHANHO MBIRI DZECHITSOKA CHEMWOYO

Wednesday 21 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: “Kudziya zvangu mushana”

NHANHO MBIRI DZECHITSOKA CHEMWOYO
Ako mashoka akashata
Anoendepi?
Ukaona shisha richikungurudzwa nemhepo
Unofungei?
Ndoda-ruzha…runouya nezuva
Rwunokusiya wapapi…zuva-nezuva?
Ako mafungiro…zvaunomaziva
Zvaanoziva zvingani?
Kuti tiverenge ako mabasa amaoko
Tinobata mangani?
Timbori vanganiko isusu?
Timbori vananiko isusu?
Pangori pasusu chete,
Patinobvunzana mazita nomutupo…
Makaro aya…!
‘Zvimwoyo zvizere nemiromo’

Ido fudza dzako pfungwa,
Mumafuro manyoro…
Zvimwe tingauyewo nezvindiro…
Zvimwe edu matama angananvirewo wako mukaka!
Tigozeyesana nemufaro samapapiro mamwe…

Chinopfutira mukati…usachidzima
Neakaipa mashoko!
Kana kuchitonhodza,
Nerumerero runodedera!
Parinoteukira pasina dikita…
Varipo varikufutunuka neshungu,
Kuti dai wedu uyo ayambuka ramakarwe iri
Parinodeukira panyoro iroro iri…
Varipo vanoibuda misodzi yemufaro,
Kuti dai rarambarichingova zienda nakuenda
Kusvika Kusina Anoziva, atadzawo kuona kwarinogumira!

Usazoshaye simba rekukasvina kapundu aka
Kakazviibvira zvako aka…kungodai- mifaro yega yega
Rangarira riye danda..Rirangarire riye danda…
Rauinaro ndiro rawaziva- raunoda ndiro ririmunzira…
‘Rwendo rwekure, rwakatangwa nenhanho mbiri!’

Isa gokora rako rerudyi…pachidya chako cherudyi
Bata pasi pechirebvu chako…nemukati meruoko rwako rwerudyi
Zvitendere kusumuka paugere ipapo zvine simba
Chikanda chekurudyi…
Chikanda chekuruboshwe…
Pakadai apa…chekurudyi chinodzoka zvakare
Chekuruboshwe chinotanga kusvika chete,
Chekurudyi chichibhabhaisa vasara
Nepakati pacho chitsoka!

NHANHO DZERUDO RWEMWOYO

MAGUMO!!!


Monday 19 January 2015

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA

Monday 19 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [30] )
Start: 04:00
End: 05:08

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA
Kuhurukura hunge wapotswa vakomana
Kuti uwuvhure muromo iwowo- hunge waupihwa mukana
Kuti kunyepa here uku vasikanawe-e?
Kana kuri kunyepa- aiwa mhinduro dzadiwa hama!
Vakomana! Kutaura kunge ndine kamuti muziso
Asi kuti ndakambopotswawo here inini…
Kana kuti ndirikuita manyautsamukanwa bere kuguta nemhashu?
Ndokunge ndisiri kuhwiriridza sezingizi riye remaruva riye,
Kana kuita chimutaure-taure kutaura kwaDhimba?

Kuona achinyora kudai kupotswa ikoko
Kuona ichikamhina kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichimananzva ayo makumbo kupotswa ikoko
Kuriona richisvetuka kubva muhozi kudai kupotswa ikoko
Kuriona richinanzva ndiro kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichinziririka nemba kudai kupotswa ikoko
Kuti munhu, imbwa kana kuti kiti?
Kuti igonzo, bete kana kuti nhunzi?
Kupotswa- kupotswa varume- ngoma ndiyo ndiyo,
Kuhurukura junge wapotswa hamawe-e!

Aizviziva kuti ichamudashura napakati ndiyani
Aizviziva kuti ichabvamburwa gumbo ndiyani
Aizviziva kuti ichasungirirwa musaga ndiyani
Aizviziva kuti richamumhara mumusoro ndiyani
Aizviziva kuti uchatswanywa musoro uya ndiyani
Aizviziva kuti ichasanganiswa pakati pechanza ndiyani?
Kuti aivapo munhu here aizviziva varume
Ko zvaasina kumbondiudzawo chinhu nhai varume
Asi zvakarambira pahuro here nhaikani varume?
Ko nhururu- kunyanhurikidzwa sei inga inopfungaira wani!
Zvino kuti aiziva here munhu uyu
Kana kuti chaingova chiitikwa bofu kunhonga dhora
Anoziva ndiani- vakomana aiziva ndiyani?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Kuti chidya chiye chehuku chandisina kumupa
Kuti ibonzo riye here randakadyira katsonzora kaye
Kuti mukaka uya here wandakavigirwa naMwale
Kuti mafufu aye here andisina kumbomuedza
Kuti kugona kudoma mweya wechikafu kwandinoita here
Kuti kutaura zvinosemesa vamwe vachidya kwandinoita
Anoziva ndiyani- vakomana aiziva ndiyani
Anoziva ndiyani chakandionesa magaro enyoka?
Chinozivikanwa kutonhodza kwaChauruka chete
Ko zvino zvaakazotonhodzwa akazodiniwe-e?
Chokwadi kukurukura hunge wapotswa- kupotswa chaiko!

Ko mutumbi wakatsepeteka nemugwagwa zvandisina kuona wani…
Ko zvandisina chandakaona kunze kwemvere nenhata wani…
Ko zvapasina mvere dzandakaona kunze kwekusuwa kwayo kiti wani…
Ko zvaunenge muswe chete wakagurwa mutumbi zvauchiripo wani…
Ko zvaangori mabhachi chete asipo mutumbi uripo wani…
Ko changamire vangu zvaringori dzungu rekupumwa wani…
Kupona uku hakusiko here uku?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Chindiudzaiwo hama vadikani
Zvandakachidya chidya chacho chehuku chakaenda nekupi?
Ko Bhoki zvaakaridya bhonzo racho rakaenda nekupi?
Kana iye Kiti zvaakaumwa mukaka wacho wakaenda nekupi?
Kuzoti VaGonzo zvavakaridya fufu riya rakaenda nepi?
Vanguwe-e Bete zvavakainanzva ndiro zvakazoenda nepi?
Kana ivo vedu Changamire Matosi zvavakaridya rakaenda nepi?
Haisiriyo here tsvina nenhoko dzatinongoona rega-rega raZame?
Chokwadi munhu kurovanisira hakata- chidya chehuku here vakomana?
Aiwa kana iyo nzara yacho varume- ndiyo here iyi?
Zvisinei hazvo varumewoye kuhurukura hunge wapotswa veduwe!

Handiti dai pasina rake simba Mwari
Handiti ndingadai ndakavharirwa kuseri kwaro ibwe?
Handiti dai pasina sekuru vake- Chimbwamupengo
Handiti angadai akutoitwa nyama yamagora Boki?
Handiti dai pasina mbuya vake- Bonga
Handiti angadai akatsakatika setsvina yake Kiti?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Gonzomhini
Handiti ringadai rakamuputitsa musoro wese dombo?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Betesango
Handiti angadai akatitswanyirwaapa Bete?
Handiti dai pasina mudzimu wake ndove
Handiti angadai akaputitsirwa mukati macho chanza?
Angazive ndiyani- vanongoti dai kufunga kwebenzi!
Kuti ndavakupenga-Kupenga? Kupenga here uku?
Kuhurukura hunge wapotswa muzukuru!

Kuhurukura hunge wapotswa veduwe!
Kuiona yorira hunge yakabatwa!
Kuiona yokwira mumuti hunge charova chando!
Kuiona yaapo pahuma hunge arambakuudzwa!
Kuti rizonzi doro hunge rakudhaka!
Kuti kuri kure hunge kusina tsvubvu!
Kuiona yatswanywa hunge zvakawanda zvigunwe!
Kukaona karipo kandiro hunge kamwewo kandiro kakambouya!
Kuchiona chisingadzoke hunge chaguta chipembere!
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa veduwe-e!
Dai pasina dzake nyasha hukasha hwese
Hungadai hwakapera huina hasha shuwa!

Kumuona ovhura muromo kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuiona yohukura kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuinzwa yoti nyeu-nyeu kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona rati pfacha-pfacha kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona roshevedzana nemamwe aro kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kana kuzongoinzwa yonziririka nemba kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Nei-sei varume? Sei- nei varume?
Kuhurukura hunge wapotswa shuwa,
Shuwa kuhurukura hunge wapotswa!

KIKIKIKI HAMHENO KUTI VAKAPONA HERE AVA! KIKIKI


MAGUMO!!!


  

Sunday 18 January 2015

PROVERBIC JANUARY

Sunday 18 January 2015

Written by: VaChikepe: The Poet
Collection: Saints [1]

PROVERBIC JANUARY

Let the stream of water from your hands- Father
Channel towards all who love me
Let all my actions be accepted unto you- Father
Let my eyes and heart live in your comfort
Let all my plans- be the plans of the diligent
The plans that lead to profit
Allow my fortune to be free from all lying tongues
Let any wicked against me be dragged down
And allow the conduct of innocent to be my surroundings
I refuse to share a house with a quarrelsome wife
Allow me to gain wisdom from the simple
And allow me also to get knowledge
By paying attention to the wise
Open my ears Lord- to the cry of the poor
Let your justice bring joy unto my life
Record my footprints…dear God
Unto the path of the Prudence
Let pleasure be registered absent in my memory
Delete the love of wine and oil from my desires
I refuse to live in a desert Lord, but bless my family
Remove the spirit of gulping from me o-ooh Lord
And teach me to store up food and olive oil of my choice
Direct me Lord, to the path of righteousness and love!
Help me find life in my life- Lord
Help me find prosperity in my life- Lord
Help me find honour in my life  
Send me o-ooh Lord- to pull down the stronghold
Against the city of the mighty
Holy Spirit- my comforter
Please guard my mouth and tongue forever and ever
Redeem me from sluggards- dear Lord
And bless all works of my hands
So that when I give…I give without sparing
Bless me father… with the gift of a careful listener
So that when I testify- I testify successfully
Let I always remember- to give thought to all my ways
For you have given me- heavenly wisdom
Heavenly insight and heavenly plans
For you have made me a victorious
Horse in these days of battle
In the Mighty name of Jesus Christ
Amen!





Saturday 17 January 2015

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

Saturday 17 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [27] )
Start: 18:25
End: 20:00

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

Ko zvavanoti baba imvura yechitubu isingapwi wani!
Ko zvandatopwa kudai ini munhu wemukadzi zvinorevei?
Kana ivo zvavo vangu vana, vanoti vavo baba varipi
Kwavakazvikonamira pamhango ine runamo?
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Munganditorerawo here wangu moyo muchiisa wenyu,
Kundisiya… mamakandibatisa zidombo muchiti ndiwo wangu moyo shuwa?

Ko kundidzosera wangu mwoyo ndokupaiwo renyu dombo zvangazvakaipei?
Sezvo huremu hwemoyo wenyu hwandikangisa mhandire nerurimi,
Imi muri mubishi kuwokera rwenyu rufaro ruchitsikirira rwangu,
Nedzikiriro yematambudziko nekusuwa kuzere amainini!
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kusiya mandiwaridza nematope nemusi wekisimusi wese shuwa?
Chete kungoti vanoti ‘badza rekukumbira haritani kuvhunika’
Kuri kuti makandikumbira nechemumoyo,
Kubva tinosangana ipo renyu badza richavhunika,
Tionewo hwenyu hurume hunokushingisai kusasika mwoyo yevanhu zvakadaro!

Kuti rwenyu runako, rwakanyatsodini
Rwakasakisa kuti nditizwe newake moyo zvakadaro?
Asi chenyu chimiro igoko renzungu chairo here,
Raakaona akakanganwa nekugutsikana nacho?
Kana kuti ndeako mafambiro ane dapurahunanzva,
Kufamba…kukunda kweingwe chaiko sematauriro ake?
Kana kuti matauriro ako anenanzviro izere,
Inokunda yekurwadziwa nembabvu, misodzi pamatama,
Nechiveve nunzeve chaimo,
Sekutaura kwake achiti ndiwo angu matauriro?
Chiiko chandakashaya, akachiwana pamuri amainini Dhibhi?
Chiiko chamuinacho chandisina vasikana?
Ndiudzeiwo ndikwanise kutova mambabvu angu aya andisinganzwisise!

Kuri kuti makadaro amainini,
Aiwa ndongoti maruva enyika haaperi- ziendanakuenda!
Kubva Jerry akazviwanira rake ruva raanoda chairo shuwa!
Asi dzangu pfungwa dzinomboti dzibvunze wangu moyo,
Kuti ‘Irudo rudzii irworwo rwaanopihwa runotadzisa wangu moyo kufara?
Kutambudza wangu moyo zvakadaro here vasikana?
Kuti kutyiswa, kurohwa, kutambudzwa…
Ndiani anoziva, kunze kwako uri ikoko
Neako maitiro anoshungurudza wangu moyo,
Nekuonekwa muzvangu zviroto nemuraramo yangu
Kana kutomunzwa achichema wangu Jerry wandakada!
Ukati pane hutsinye hwakapfuura ipapo here Dhibhi?
Kurumisa bofu nenyuchi uchiti inhunzi?

Ndiyewo wangu Jerry wandakada,
Ndikaperera paari setsvigiri musvutugadzike chaimo!
Iwewe woita zvekutamba naye, uchimuita chako chituta chisingafeme…
 Shuwa shuwa here amainini Dhibhi?
Hanzi chisingapere chinoshura manenji kaviri kana katatu,
Tichaona kunowira dohwe sezvo tsvimbo takabata kare!
Tione ukarigamha dohwe racho,
Yangu tsvimbo ichijuja nemisodzi zvakadai!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kunditorera ruva remoyo wangu ndakatarisa?
Shuwa shuwa here kuzvara kenyu kamwana shuwa?
Hanzi ‘Bvudzi wangu mwana wandinofarira’
Hakusi kuzvinyaradza kwedongi- kukwesha mazino nehacha?
Ko vake vana vandinavo vanga vakaipeiko?
Kuti hamuna kumudyisa here murume wangu?
Iyo nyaya yake yekukara cherurimi inenge yakamubaisa!
Hanzi ‘rega ndifanodya nzungu ndichikanga maputi,
Ndakamirira kudya sadza ndozomwa tsvutugadzike nembambaira!”
Haisiriyo here nyaya yake yekukara cherurimi yakamubaisa?
Regai ndingoungudza ndirikuno- kutaura hapana anonzwa!
Kuti Jerry- Jerry- Jerry- Jerry…
Haadairi- hauzive zvirikuitika nezvirimo make mudehenya!
Changu kungoona kutiuku kugariswa paguyo sembwa.
Kuri kuona kuti kutorerwa murume wakatarisa shuwa!
Kushayawo kana kangu kamutsara kenyama?
Asi ndichizongosara ndangova rembu-rembu,
Siriri kudonha nekuchiva avo vane zvavo zvemoyo!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kundikakisa bhora redombo newaya
Ndakateya kuribanha zvamandiriri?
Patakasangana maivapo here amainini
Paakandinyenga maivapo here amainini
Paakandiroora maivapo here amainini
Patakapinda musvitsa- tsvene makange muripo here amainini
Ko kuzoti patakaita vedu vana makange muripo here amainini
Ko indava maitiro enyu achiita kunge makange muripo?
Kubva maita kunge makamuudza zvakaipa zvangu zvose,
Zvekuti hapana kana chitsvene chandakaita- takaita kana taizoita
Kubva mangamuripo amainini- makadiko kundiudzawo chenyu chinangwa,
Muhwangu hupenyu ndakakupai wenyu mukana?
Pane kuita hwegonzo- kutiza nyoka mumhango yakavharika!
Hazvisirizvo zvaivanani here- pane kunditema nezuva,
Ndichidonhera muchoto kwandakaita uko?

Dai ndakaziva haitungamire shuwa
Dai ndakaziva kuti uku ndiko kuenda kwerangu ruva,
Handiti ndaitoita gumbakumba kuri kugumbatira chaiko!
Dai ndakaziva kuti uku ndiko kuwonekana nechake chiso,
Handiti ndingadai ndakamupawo changu chiso kuti agondirangarirawo!
Dai ndakaziva kuti ndiwo aiva angu mashoko ekupedzisira,
Handiti ndingadai ndakamuudzawo mashoko ehukoshwa hwerudo rwake kwandiri!
Chete kungoti hanzi navamwe ‘handirarame naDai’
Vamwe vakati ‘Dai kufunga kwebenzi’- pamwe ndakupenga!
Kungoti vanozoti ‘Ane benzi ndeanerake’
Ko kuchingondisiya- ndichingopedzisa kwakaipei?

Nekuzviziva kwandinoita
Nekuziva kwandinoita Jerry
Nekusakuziva kwandinoita amainini
Zvinongondirevera chinhu chimwe chete!
Museki waro ndiye muzivi waro
Uye musekwi haafe akarikanganwa nemuseki waro!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi- kunditorera ruva rangu
Wangu moyo  wandinoda nehwangu hupenyu hwandaishuvira?
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi kunditorera wangu murume
Wandaifunga kuti ndichachembedzana naye shuwa
Asi chitarisa nhasi kuti ndiani achembera nekusuwa nekuchema?
Kuti asingachadzoke aiwa ngaisiye zvayo matambo
Asi vanotaura vanotaura zvavo vachiti
‘Gona ana gona wakewo shuwa!’
Ava varume amainini…richakudonheraiwo dombo,
Iro rakandidonhera ndikasara ndangova betesango wemabachi!
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi?

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

MAGUMO!!!





Friday 16 January 2015

LEARNERS UNLEASHED

Friday 16 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspired by: Sir Churchill Chirubvu and William Ernest Henley


LEARNERS UNLEASHED

If we do not give society some things to do,
The society will not give us things to do!
And, if you give the society something to do,
The society will keep on coming for more!
The more they come…is the more you learn from them!
The more you learn from them…
Is the more you can invent something for them!
The more you can invent something from and for them…
Is the more you start to know the ability of your brains!
As a learner…the more you know your ability,
Is the more you become free!
“Freedom marks the stability of a learner...”
Even artists envy the resonate power of a leaner!
I was once an artist as you see me like this…
But then I grew up- there is only one artist!
Yes! One artist- the teacher, he is the one who leads
In this…mental developmental chain…only for the chosen ones…
“Freedom marks the stability of a leaner.”

Leaners…
The masters of knowledge
The masters of skill
The masters of study
The masters of instruction
The masters of experience!

‘Father!’
When I grow up…
I want to be a leaner…
So, I can become aware…not to be away with the bus of ignorance!
When I grow up…
I want to be informed of all happenings…not all happenings falling on me!
When I grow up…
I want to find out…that which was always before their eyes,
Yes before their eyes, but they could not see it, yes see it
Because they failed to open their eyes and see it!
When I grow up…
I want to fix my entire mind without retire,
 And assimilate all that is good!
Until they start to call me…
The Assimilator
The Memorizer
The Scholar
The Teacher
The Master
The Grandmaster…

‘Shut up!’
You think this is a game?
Why wait for the time, you grow up?
Who told you, you will grow up?
Didn’t you hear about the dark man…
Who only walks in shadows,
Only to swallow those destined for the next life?
Didn’t you hear about dreams dying,
Like todays people who have painted death,
…As a new fashion of life…?
So why wait to grow up?
When you have already grown up?
You think you still got the tongue of an infant?
The heart of a baby…
And… the mind of a toddler?

How many of my friends, have I introduced you to?
What happened to John who wanted to be a Doctor- Plumber!
What about Max the Engineer- Social Animator!  
What about Bricks who wanted to be a Lawyer- A Disc Jockey!
What do you think…these guys told their boys when they moved out?

This game is not for dreamers and clowns!
But it is for those, who have burning fire before their accomplishments…
And for those, who know how to celebrate when victory arrives…
So they can start something new…using the same pattern to accomplish different results,
Until time calls…when reality will be ushered unto all!

“So do not tell me, you can’t change your path in a dream… victory is certain and judgement is set”

Dreams are meant for victory… and victory is meant for eternity!




END!!!





Wednesday 14 January 2015

ROASTED BRAINS

Thursday 15 January 2015
Written: 2014 (My African Mental Physics [10] )
Start: 01:20
End:  02:47

ROASTED BRAINS

I do not watch movies
But, I study them!
I do not read books
But, I edit them!
I do not write poetry
But, I express myself!
That is the way I do it…

You do not study
That is why, you do not see…
You do not edit
That is why, you do not read…
You do not express yourself
That is why, you do not write poetry…
So how do you do it?

“Who cares?…live your life!”
Echoes the street voice to my intelligencia…
The game has changed- Yes it has changed
Bush and bushy brains used to run our boardrooms
Who is running our boardrooms now- who is it?
Are street voices running our boardrooms?
Who is running our boardrooms now- who is it?
Where are you girls- where are you girls?
Help me to ask…this is an era of gender equality,
We shall leave no stone un-turned- yes we shall not!

They say…
‘Good girls go to heaven,
But bad girls go to Scotland’
What is it about Scotland?
Yes- what is it about Scotland?
Boys… help me to understand
Seychelles boys help me to understand
Yes to understand- yes to understand these formatics
‘Please spare us from these 1988 Comparison theories
We do not have time to compare ourselves with anyone
Or anything- just live your life man’
 Netherlands what can you say?
‘Sorry…brains are closed for meditation and renovations’
If I had a tongue I would ask you my dear Spain,
I know you would give me a broom to clean out this mess!
Ooh Yes! Germany…the economic crust of Europe
From a strong political background I know you can help me on this one!

Is Nelson Mandela better than Robert Mugabe?
Is Barack Obama better than Vladimir Putin?
Is Saddam Hussein better Osama bin Laden?

Do you know Oscar Wilde?
How can I know him…
I am just a Poet from,
The teapot country Zimbabwe
Where we use tea to brush our teeth in the morning…
Where poetry is the tonic SI Unit of our language
Where no-one doesn't know maize
Where education is the pathway to success!
‘It is absurd to divide people into good and bad.
People are either charming or tedious’
What? Are we still people or narratives of theories of humanity?
‘Be yourself; everyone else is already taken’
If I was in a vacuum I would try it,
But I wouldn't want to create a vacuum from within!
‘Those whom the gods love grow you’
Hey, I resist for my faith to be dangerously tempered around like that!

Anyway who are you? Whose voice are you?
‘Oscar Wilde’
Aha a…. I do not talk to voices
I read voices… so I am going to sleep
If you are serious with this conversation
I will meet you there!
If you are not serious, I will give you
More practical lessons about life…
Oscar Wilde….do you know Oliver Twist Zimbabwe?
(Who Is that?)
[Another day….another Life].


It is not about what you know or can know
It is about what you have done with what you know
It is not about that you have created
It is about how it helps the humanity
It is not about humanity
It is about the best individual expression
Development inevitable, gifts appreciated
Wake up…21St Century has arrived
More fundamental theories with greater explanatory power…
Are knocking on your door…
Light up your internal fire and see clear
So clear better than the 20th Century theories and predictions!
What will happen in the 22nd Century?
If you are keen to know
By choice you shall be chosen
And by revelation you shall receive…




END!!!