Monday 5 January 2015

BVUDZI- WANGU MWANA WANDINOFARIRA

Sunday 4 January 2015
Written: 2008 ( Nzarabwe [24] )
Start: 04:21
End:    5:23    

BVUDZI- WANGU MWANA WANDINOFARIRA

Bvudzi wangu mwana wandinoda,
Wangu mwana wandinogara naye!
Kubuda kwaro zuva,
Ndiko kumushongedza kwangu- mwana!
Kana kuri kugeza- hatisiyane,
Mumwe pamberi- mumwe kumashure,
Mudungwe kunogeza- nemwana!
Kupi kwandinoenda ndichimusiya?
Papi pacho pandinozofamba,
SaZano Ndega, akapisa jira mumasese?
Tinototi tifambe tose setsvarapasi,
Dzehuku imwe- newangu mwana wandinoda!
Kusvika iro zuva rake rekuyaruka…
Wangu mwana wandinoda,
Wangu mwana wandakazvitsvagira ndega,
Murino gore rakadai- rino renzara kudai!

Zvipiko…vana Gwarazimba Gorah?
Haisiriyo here ngomwa iya iyi?
Haasiriye here uya wekusvotora vana,
Nenyaya yekukara humhandara?
Haasiyiye here uya wekuchengeta,
Wake mwana- aisaadiwa nechero munhu?
Haasiriye here uya wekumbopisa mwana,
Nezvipisa- pisa kusvika atozopisawo rake dehenya?
Haasiriye here uya wekutsvinyira vana vevamwe,
Achiti ‘hona kamwana ako kakaondoroka ako’
Haasiriye here uya aizobereka chidhori,
Achinyepera kuti ndewake mwana?
Ko chivhindikiti chemwana ichi,
Akazochiwana kupiko Gwarazimba Gorah?

Bvunza hako Zandembe mpfana waZidi!
Haasiriye here mpfanha aigara nemazuda,
Murake tsigo nedengwete redehenya?
Haasiriye here aingoti gare- gare,
Dimbure bvudzi rake kunge rinoruma?
Haasiriye here wekusachengetedza rake bvudzi,
Richinge dungetunge musoro wefeso?
Haasiriye here uya aizviita mu ‘hard’
Ku’pemana’ nebvudzi semunhu wechikadzi?
Haasiriye here uya wekunyomba vamwe,
Achiti ‘Hona twurasta twaLanzi twakaondoroka’
Haasiriye here uya aizorukwa nema ‘extensions’
Achida kukwana kwana muzvirongwa?
Zvino bvudzi rakusvika mumagadziko iri,
Azenge ariwana rinhi Gwarazimba Gorah?

Bvunzaiwo henyu baba Ginah!
Asi nemiwo baba Ginah,
Chokwadi munhu angaite bvudzi mwana wake?
Hakusi kupenga kune kupengesana mukati here ikoko?
Hazvina kumbosiyana nekuti ‘bhoki ndicousin wangu’
Kana kurovera Jongwe gusvu uchiti,
‘Mamukasei sekuru Joe-ngwe?’
Ukati munhu uyu anoziva chinonzi mwana here,
Kana kuti anoita fembera- fembera kufamba kwenhuta?
Kuti raitaura bvudzi racho,
Unoti raipabvumawo here kuita mwana waGorah?
Chokwadi zvimwe zvipfuyo zvinovhunirwa,
Musoro kuseri kwezvigwenzi zvakarivara shuwa!
Chokwadi kusaziva kufa veduwepe,
Dai vaRuzivo vaidzidzisa zvimwe,
Vangadai vakamudzidzisawo mpfanha uyu,
Musiyano uripo pakati pebvudzi nemwana!

Taurai henyu General- idama chairo iroro!
Hanzi ‘Bvudzi wangu mwana wandinoda’
Bvudzi nemunhu zvakazoita hukama rinhi?
Tomboti uripo- saka amai vacho ndiani?
Makatarisawo dehenya ringaitewo mai- pakai?
Ini handisati ndamborinzwa bvudzi,
Richichemera chihwitsi kana nezuva rimwe!
Ini handisati ndamborizwa bvudzi,
Richichemera bhutsu dzekuchikoro kana kamwe!
Kana iro bvudzi kuridza ngonono,
Kana nerimwe zuva randakambozvinzwa!
Asi kuti ibvudzi chikwambo kani,
Tionekwe tese kutiza pano tichimhanya!
Nokuti zvamazuva ano hanzi,
‘Taura zvichinge zvakupotsa,
Zvichiri mujinga zvinokumedza!’

Ayewa vatete chimbondipaiwo mvura ndimbomwire,
Pamwe tinganzwisisane pane nyaya iri pano iyi!
[Tauraiwo neni] Ndepapi pandinoroora nemamiriro akaita zvinhu?
Handiti kuroora kuzvitema nyora muziso chaiko?
Ko ivo vana vacho ndovapei?
Ini ndiri muswe wedzvinyu chaiwo,
Unokwanisa kugurwa ipi zvayo nguva!
Saka munoti kwangu kuri kusamuda mwana?
Hazvisi zvirinani kushambira  pamusoro pedanda,
Pane kushambira pamusoro petambo chaiyo?

Zvangazvakaipei kuchengeta changu chisikwa,
Chandinokwanisa kuchengeta sewangu mwana,
Zvekuti kunyangwe ndikafa nhasi,
Ndingasiyewo chicherechedzo panyika!
Zvekuti dai raitaura bvudzi rangu,
Handiti raitozosara richikunyaradzai parwangu rufu…
Richitokuudzai zvimwe zvamaisaziva pamusoro pangu!
Mungati ndirikupunyairira pasina here?
Ko zvazvinonzi apunyaira haashaye musodzi,
Wangu musodzi uri pamatama hamuuoni?
‘Ndiye wangu mwana wandinoda,
Wangu mwana wandinogara naye,
Kubuda kwaro zuva,
Ndiko kumushongedza kwangu mwana…’

Aiwa…kure kwegava ndokusina mutsubvu- Gwarazimba Gorah
Kare haagare ari kare shuwa- Zandembe
Aiwa aiva madziva ava mazambuko- Baba Ginah
Ukuwo ndiko kushamisa kwebere kukwesha mazino nedhorofiya- General
Zvamazuva ano ndezvamazuva ano
Ano mazuva , zuva rimwe harireve zvizhinji- Vatete!




MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment