Sunday 11 January 2015

CHINYIKO CHINOTANGA NAMBA CHANDINOFARIRA?

Monday 12 December 2015

Written: 2008 ( Nzarabwe [26] )
Start: 02:58
End: 03:54

CHINYIKO CHINOTANGA NAMBA CHANDINOFARIRA?

Chinyiko chinotanga namba channdinofarira?
Kuti imbavhu dzngu dzinogarotaurwa nevanhu,
Vachiti ndine twumbavhu twunoita kunge,
Twuchadonhedza kamutumbi kangu kese-pasi nekuonda?
Kuti imbada here- seiya yandakaona muchivhitivhiti,
Ichisiyiwa nemunhu apo yaimhanyisa mhembwe,
Izvo zvakandishamisa kunyanyanyanya ivo sabhuku mbada-kusiwa nemunhu?
Kuti imbadze reranjisi randinodya mangwanani ega-ega,
Kana ndichinge ndoenda kwedu kumusha Buhera?
Kuti imbazi iya yandakaona muhuchi hwangu,
Zuva riye randakasakadzwa changu chiso nenyuchi?

Kuti imbabvu, imbada, imbadze, imbazi
Zvino angazive zviri mumusoro mangu ndisina kuzvibuditsa ndiani?
Uri iwe ini chinyiko chandinofarira chinotanga namba,
Hamheno-rega ndimbofunge ndochiwana chete!

Kuti imbadziti riya ririkuseri kwedhanduru,
Kwandinozvibatsira kana medu muchimbuzi muine munhu?
Kuti imbadzwa randakabata here iri,
Rinoumbana kuita sadza randinodya mazuva ose?
Kuti imbago iyi, mwana waMusvibe,
Wandakabata uyu anoratidza kungwara kukunda baba?
Kuti imbakumba iya yaitambwa namadzibaba edu,
Paya pavairasa nhembeshure neshashiko mumafaro?
Kuti imbama seiya yandakapihwa namudzidzisi Ngwarai,
Ndashayisha mweya muchidzidzo chakwe cheChiShona?

Kuti imbadziti, imbadzwa, imbago, imbakumba kana kuti mbama?
Zvino angazive zvirimo murangu dehenya ndiyani manje?
Uri iwe ini chinyiko chandinofarira chinotanga naMba,
Hamheno- rega ndimbofunge, ndochiwana chete!

Kuti imbambaira dziya dzandakamwisa,
Tsvutugadzike mugore riya renzara?
Kuti imbambande yandakamwa kuZhombe,
Ndikabanha dhongi mabhutsu maviri nemanyemwe?
Kuti imbambiro iya yandinomirira,
Yega-yega nguva yandinoona kuti ndakanya?
Kuti imbambo iya iri pahozi,
Yandinoomesera nyama yangu nematehwe?
Kuti imbandamba remwana waRutendo,
Rakatyityidzira mukadzi wangu nezuro?

Kuti imbambaira, imbambande, imbambiro, imbambo kana kuti mbandamba?
Zvino kana rangu dzoro randitiza, ndichaziva sei zvirimukati maro?
Kuti ndachitaura here chinhu ichi chandinofarira chinotanga namba?
Hamheno- rega ndimbogaye zvimwe ndochiwana chete chinhu ichi!

Kuti imbande riya randinogarobata,
Paye pandinofunga kuzvibikira mabhanzi andinofarira?
Kuti imbanga riya randisingasiyane naro,
Kana ndichienda kubindu kunotemha magaka?
Kuti imbangaradzo riya ratakapihwa,
Patakaenda kuhondo kuti tisarohwe nebuka?
Kuti imbango riya randakavigira mbuya,
Ravanondikuira rangu dovi randinofarira?
Kuti imbangu riya rasahwira wangu,
Rinondityisa pavanonyenama vakanditarisa?

Kuti imbande, imbanga, imbangaradzo, imbango, imbangu?
Hamheno anoziva kana ndichitadza kuziva zviri mangu musoro!
Kuti pane aya mazwi ndipo pachiri chinhu ichi?
Hamheno- rega ndimbogaye zvimwe, ndochiwana chete chinhu ichi!

Kuti imbara rine mukaha wekukwana kwana,
Neparisingakwane pese, richizoonekwa nekusundirwa shure?
Kuti imbarakate riri pachangu chidya,
Rinodiwa nevasikana kana varibvisa rangu bhurugwa?
Kuti imbaramatonya iya yakarohweswa,
Sahwira wangu Simba, abuditsa mweya enkusiko?
Kuti imbaravara yomusikana iya,
Yakandiudza kuti inofarira kuona changu chiso?
Kuti imbarwa dzandinoti  ndikadya,
Ndinosara angu maziso akasviba kuti ndoooo?
Kuti imbara, imbarakate, imbaramatonya, imbaravara, imbarwa?
Ndingabva ndakanganwawo here kudaro nhai vanhu weee?
Kunge ndiri kutaura chinhu chandisati chamboona shuwa here?
Hamheno rega ndimbofunge zvimwe, ndochiwana chete chinhu ichi!

Kuti imbatata yorunyanga rwenhoro,
Riye rine ruzha inopfuura yehosho nengoma?
Kuti imbatata dzakasanganiswa nennyama,
Dzakandirumisa rurimi rwangu nekunakirwa?
Kuti imbatsi yandakadyiswa vhiki rakapera,
Ndikanakirwa zvikuru ndanzi inyama yenjiwa?
Kuti imbatwi iya here,
Yakanditema nendiro yesadza patakawana kuzvitonga kuzere?
Kuti imbatya dzangu here,
Dzandinoti ndikapfeka ndinohwa pandimire chaipo?

Kuti imbatata, imbatsi, imbatwa kana kuti imbatya dzangu?
Zvino zvondodzungaira ndisingachazive ndodini manje?
Kuti handisati ndachitaura here chinhu ichi?
Hamheno! Rega ndifunge kekupedzisira ndobva ndaramwa!

Kuti imbavara here iyo,
Ine hutafutanana hwemafuta aya andinoda?
Kuti ndeiya mbavha yandakaseka,
Payakabirwa rubheke rwayo pamusika wembare?
Kuti imbadza iya yakaroorwa namukoma wangu,
Yekuti anotanga akumbira kuenda kudoro asati abuda mumba?
Kuti imbazarucho iya,
Yandinogarorota kana ndichinge ndangosangana nezigadzi riye?

Kuti imbavara, imbavha, imbadza kana kuti imbazarucho?
Hamheno ikoko neukouko!
Ndaribhedhenura rangu dehenya ndikashaya chinhu!
Kuti chandinofarira ndisina kuchitaura chii manje?
Kubva ndisina kuchitaura…chasara hacho!
Kubva kana ndachitaura ndicho chandiri kureva!
Asi chandinoziva ndechekuti,
Chinhu ichi ndinochifarira zvikuru,
Zvekutoti ndikatanga kuchifunga ndinobva ndachikanganwa,
Sekungokanganwawo kwandinoita rufu pandinorufunga,
Kunyanyanyanya pandiri paine vanhu!
Asi kana ndiri ndega chinhu ichi ndinochiziva,
Zvekukwanisa kana kutokunda kuzviziva kwandinoita!




MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment