Monday 19 January 2015

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA

Monday 19 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [30] )
Start: 04:00
End: 05:08

KUHURUKURA HUNGE WAPOTSWA
Kuhurukura hunge wapotswa vakomana
Kuti uwuvhure muromo iwowo- hunge waupihwa mukana
Kuti kunyepa here uku vasikanawe-e?
Kana kuri kunyepa- aiwa mhinduro dzadiwa hama!
Vakomana! Kutaura kunge ndine kamuti muziso
Asi kuti ndakambopotswawo here inini…
Kana kuti ndirikuita manyautsamukanwa bere kuguta nemhashu?
Ndokunge ndisiri kuhwiriridza sezingizi riye remaruva riye,
Kana kuita chimutaure-taure kutaura kwaDhimba?

Kuona achinyora kudai kupotswa ikoko
Kuona ichikamhina kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichimananzva ayo makumbo kupotswa ikoko
Kuriona richisvetuka kubva muhozi kudai kupotswa ikoko
Kuriona richinanzva ndiro kudai kupotswa ikoko
Kuiona ichinziririka nemba kudai kupotswa ikoko
Kuti munhu, imbwa kana kuti kiti?
Kuti igonzo, bete kana kuti nhunzi?
Kupotswa- kupotswa varume- ngoma ndiyo ndiyo,
Kuhurukura junge wapotswa hamawe-e!

Aizviziva kuti ichamudashura napakati ndiyani
Aizviziva kuti ichabvamburwa gumbo ndiyani
Aizviziva kuti ichasungirirwa musaga ndiyani
Aizviziva kuti richamumhara mumusoro ndiyani
Aizviziva kuti uchatswanywa musoro uya ndiyani
Aizviziva kuti ichasanganiswa pakati pechanza ndiyani?
Kuti aivapo munhu here aizviziva varume
Ko zvaasina kumbondiudzawo chinhu nhai varume
Asi zvakarambira pahuro here nhaikani varume?
Ko nhururu- kunyanhurikidzwa sei inga inopfungaira wani!
Zvino kuti aiziva here munhu uyu
Kana kuti chaingova chiitikwa bofu kunhonga dhora
Anoziva ndiani- vakomana aiziva ndiyani?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Kuti chidya chiye chehuku chandisina kumupa
Kuti ibonzo riye here randakadyira katsonzora kaye
Kuti mukaka uya here wandakavigirwa naMwale
Kuti mafufu aye here andisina kumbomuedza
Kuti kugona kudoma mweya wechikafu kwandinoita here
Kuti kutaura zvinosemesa vamwe vachidya kwandinoita
Anoziva ndiyani- vakomana aiziva ndiyani
Anoziva ndiyani chakandionesa magaro enyoka?
Chinozivikanwa kutonhodza kwaChauruka chete
Ko zvino zvaakazotonhodzwa akazodiniwe-e?
Chokwadi kukurukura hunge wapotswa- kupotswa chaiko!

Ko mutumbi wakatsepeteka nemugwagwa zvandisina kuona wani…
Ko zvandisina chandakaona kunze kwemvere nenhata wani…
Ko zvapasina mvere dzandakaona kunze kwekusuwa kwayo kiti wani…
Ko zvaunenge muswe chete wakagurwa mutumbi zvauchiripo wani…
Ko zvaangori mabhachi chete asipo mutumbi uripo wani…
Ko changamire vangu zvaringori dzungu rekupumwa wani…
Kupona uku hakusiko here uku?
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa shuwa!

Chindiudzaiwo hama vadikani
Zvandakachidya chidya chacho chehuku chakaenda nekupi?
Ko Bhoki zvaakaridya bhonzo racho rakaenda nekupi?
Kana iye Kiti zvaakaumwa mukaka wacho wakaenda nekupi?
Kuzoti VaGonzo zvavakaridya fufu riya rakaenda nepi?
Vanguwe-e Bete zvavakainanzva ndiro zvakazoenda nepi?
Kana ivo vedu Changamire Matosi zvavakaridya rakaenda nepi?
Haisiriyo here tsvina nenhoko dzatinongoona rega-rega raZame?
Chokwadi munhu kurovanisira hakata- chidya chehuku here vakomana?
Aiwa kana iyo nzara yacho varume- ndiyo here iyi?
Zvisinei hazvo varumewoye kuhurukura hunge wapotswa veduwe!

Handiti dai pasina rake simba Mwari
Handiti ndingadai ndakavharirwa kuseri kwaro ibwe?
Handiti dai pasina sekuru vake- Chimbwamupengo
Handiti angadai akutoitwa nyama yamagora Boki?
Handiti dai pasina mbuya vake- Bonga
Handiti angadai akatsakatika setsvina yake Kiti?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Gonzomhini
Handiti ringadai rakamuputitsa musoro wese dombo?
Handiti dai pasina mudzimu wake- Betesango
Handiti angadai akatitswanyirwaapa Bete?
Handiti dai pasina mudzimu wake ndove
Handiti angadai akaputitsirwa mukati macho chanza?
Angazive ndiyani- vanongoti dai kufunga kwebenzi!
Kuti ndavakupenga-Kupenga? Kupenga here uku?
Kuhurukura hunge wapotswa muzukuru!

Kuhurukura hunge wapotswa veduwe!
Kuiona yorira hunge yakabatwa!
Kuiona yokwira mumuti hunge charova chando!
Kuiona yaapo pahuma hunge arambakuudzwa!
Kuti rizonzi doro hunge rakudhaka!
Kuti kuri kure hunge kusina tsvubvu!
Kuiona yatswanywa hunge zvakawanda zvigunwe!
Kukaona karipo kandiro hunge kamwewo kandiro kakambouya!
Kuchiona chisingadzoke hunge chaguta chipembere!
Chokwadi kuhurukura hunge wapotswa veduwe-e!
Dai pasina dzake nyasha hukasha hwese
Hungadai hwakapera huina hasha shuwa!

Kumuona ovhura muromo kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuiona yohukura kudai..
Kupotswa kwese ikoko!
Kuinzwa yoti nyeu-nyeu kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona rati pfacha-pfacha kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kuriona roshevedzana nemamwe aro kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Kana kuzongoinzwa yonziririka nemba kudai…
Kupotswa kwese ikoko!
Nei-sei varume? Sei- nei varume?
Kuhurukura hunge wapotswa shuwa,
Shuwa kuhurukura hunge wapotswa!

KIKIKIKI HAMHENO KUTI VAKAPONA HERE AVA! KIKIKI


MAGUMO!!!


  

No comments:

Post a Comment