Saturday 3 January 2015

NDAKUSUWA MUDIWA NDAKUSUWISISA

Sunday 4 January 2015
Written: 2008 ( Nzarabwe [16] )
Start: 00:41
End:    1:38    
NDAKUSUWA MUDIWA NDAKUSUWISISA

Shuwa here waenda mudiwa?
Handina kumbobvira ndazvifunga,
Kuti nerimwe zuva dzvinyu achadambura muswe zvakadai!
Zvandasara ndangotamba- tamba, ndiri muswe wako
Iwe dzvinyu rangu waenda?
Ndichapora here chironda changu,
Ichi…chazara munyu wematombo mumarwadzo?
Hamheno! Ndinongomirira iro zuva
Chiedza chako chichavheneka chiso changu…
Apo ndichaputirwa nemufaro wegudo,
Kuita muzerere nemuswe makumbo ari mudenga!

Chidembo chawakandisiira chinondipfungaidzira,
Mweya rega rega zuva mufunge!
Ndakashaya kana nembwa kana saga,
Rekuchipfuudza ichi chidembo,
Chadai kutadzisamoyo wangu kufema!
Chapwititi chehasha kumeso nemoyo,
Apo ndinokusiya zvishoma nezvishoma mudzangu hope!
Izvi zvinondikanga chiropa ndiripo mufunge!
Apo ndinomedzwa nechiedza chasekuru Zuva.
Kudoedza kudzoka kuhope handikuone,
Chako chiso chamedzwa naMambo Hope!
Aiwamudiwa ndakusuwa…kukusuwisisa.

Kubuda mumachira kunenge kunamwa neurimbo,
Kuri kudzoserwa mumachira nendangariro dzako…
Kutatamuka hakuperi kuri kuyeuka rako,
Dindindi riri pamusoro pedzviti rangu.
Kufamba kuchinge kwakamba,
Kuri kuputirwa nechapupu chekusaziva.
Ndinombotiza dzimwe nguva,
Pandinoona chako chiso chakanditarisa,
Mukubvisa mabori mangwanani!
Ndinopedza gore ndirimo muchimbuzi,
Pasina zvinenge zvichifungwa,
Kunze kwekuzama kurangarira chako chiso!
Mudiwa ndakusuwa kukusuwisisa mufunge…

Shiri dzandinonzwa muswere wezuva,
Dzinongoimba kambo kedu kaye kerudo!
Kudya handichakwanise kana,
Chikafu chapera nezvipoka- poka zvenhunzi,
Zvese izvi hazvioneki, pfungwa dziri kwauri chete!
Kunyangwe nehumhutu chaiwo hauchandirume madeko,
Nekuonawo kusiririsa kwangu.
Ndofunga rangu ropa harichanake kana kugwamba chaiko!
Vanondiona havachandinzwisise!
Kupenga, kunyara, kutambudzwa, kutsvinya- hamheno ikoko!
Asi ini hangu ndinoriziva rawakandiisa joki,
Roupenyu chairo, risina mukare akamboona.
Mangu mumusoro manechigayo chikuru,
Chapedza kumedza zvose zvirimo,
Nekungosiya iwewe chete imomo…
Mudiwa ini hangu ndakusuwa, kukusuwisisa mufunge!

Rega- rega raMwari ndinofunga zuva rawakandisiya
Rwaiva rufaro rwaiva mumaziso,
Rwakatsikirira kusuwa pasi parwo!
Kutaura taitaura hedu, asi kwaiva kuchema kwemoyo!
Huku nezvimwiwa takadya nekumwa zvedu,
Anoziva ndidumbu, apo moyo nenjere zvaisavapo!
Kukutarisa kwaindikwenyera kuchema,
Ako maoko muhuro ainge matanda emoto,
Kunditsikirira nekundirangaridza kuchema.
Hongu vakanaka vasikana vakauya,
Asi vose vakamedzwa nerunako rwako,
Runonyaradza kunyangwe mwana agere pachuru chamasvosve!
Uku hakusi kunyepa kwete,
Asi ndaiona iwe chete mumaziso angu!
Kufamba kwenguva kwaiva kuswebera pedyo nepfumo rehupenyu.
Kutakura kwandakaita mabhegi nemapasuru,
Kwakava kutakurwawo kwerwangu rudo newe!
Kumedzwa kwakaitwa bhazi,
Kwakavawo kumedzwa kuhurume hwangu…
Pachose ndasara, ndarema chairo…
Mudiwa wangu aiwa ini ndakusuwa kukusuwisisa!

Iko zvino ndangosara ndavaMusvetwanemba,
Mushaikwapavazhinji, Muridziwechimbudzi, Muridziwadzohope,
Musazivavamwevose, Chiremaparudo, Mukwenyiwemusoro
Uye Mubatiweshayanematama!
Ndichirangarira nguva yataiva tose,
Misodzi isati yava pamatama,
Rufaro ruchiva zuva redu.
Ndichikuudza twunyambo  twangu tweubenzi,
Ndichikutambira zvinyadzi,
Uchindifuridza twupuka muangu maziso,
Nekundisvina twumapundu twangu,
Uchindipamhadza nechikafu uyo mutupo wangu.
Uku kwaiva kudanana…kudanana chaiko mudiwa…
Aiwa ndakusuwa kukusuwisisa mudiwa wangu!

Shuwa kwaiva kudanana mudiwa…
Kuti zvoga here… nepamwe pataitovana nemhiripiri murima!
Uchimbonditiza kazhinji kumba…nekwaSimbarashe Madziva.
Ukambonditamba nekamukomana kako Francis,
Ukambondidhumhanisa nekamwe kacho Levy,
Ukambonyeperwa nezvangu nana Timmy ‘Gonzo’ Kalio
Kwaiva kukura mudiwa…kwaiva kukura!
Kunyangwe ini, pandakakutamba netwumwe twusikana,
Pandakakutukisa ndikapotsa ndakurovesa naamai vako…
Pandakakuchemera zuva rako rekushanya
Nenyaya yamakaro…
Shuwa sha…a ndakusuwa mudiwa ndakusuwisisa!

Ndinogarorangarira kusvinura, nekutosvorwa kwedu
Kuri kuwedzera hudyi wepachuru
Hunova rudo rwedu
Rwakasungwa neutare, hwatakaita zuva riye
Kubuda nekudoka kwaro zuva
Zvinonditaurira nyaya imwechete inova shanduko
Iyo yandakamirira zuva rauchauya
Apo tichabhadhara pfuma yedu yematoki
Apo tichachata muchato wedu wegore rese
Nekuzvara vana vedu Vladimar, Vivian, Jerome naJanet
Mudiwa ndakusuwa ndakusuwisisa
Dai ndaiva namapapiro
Ndingadai ndakakubvumbamira
Kwazvo kwazvo mudiwa kwauri ikoko
Pachokwa dimudiwa ndakusuwa ndakusuwisisa.




MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment