Thursday 29 January 2015

WAMANAKE- WEKWAMANAKE

Thursday 29 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspired By: Toots Hibbert & Slimdoggs photo of VaChikepe, Nice Cutter and VaChingebetter


WAMANAKE-WEKWAMANAKE

Mukati meziso rako munopenya chiyedza chichauya...
Dzake nguwo dzichena dzakaumburudzwa mugore rashe...
Ndikamubata uyu aiwa ndapinda machena...
Kana sadza rinondigezesa maoko ndisati ndaridya...
Ndichidya zvangu nemazai ehanga...
Vamwe vose vachingoshevedzera Machena-Machena
Machena tembo vanofamba vakazvitemba....
Machena Samaita...mwana waSamasimba...
Machena Bingaguru vakabva Guruuswa...
Machena Mbizi yangu kuona dzimwe hutongi huzere...
Kuriona bani aiwa kurishongeza...
Mhuka dzose dzofara hanzi aiwa maita wamanake!
Tonakirwa zvino...chiedza chovhenekera kwose...
Chinyiko chatingashaye...kana meso oona...kana rose bani tapihwa pachena?
Aiwa mwenje wenyu ngaujeke...tione nzira patinofamba.

Tsviyo- tsviyo- tsviyo iyoyo tsviyo- nhembe fuku!
Ndiwo mapemberero edu iaya....
Dai mandipawo yangu pembe...ndapembera nechepahuro chaipo...
Kuti kwedu chiedza chakavhenekera...chikavheneka tikaona!
Kuno totovhenekerera varikure...varikure vouya vachimhanya
Hanzi aiwa maita basa Wamanake...magora bonga anga otionesa ndondo muforomo!
Isu tongoti furira fure dzihwa renhamo iro...yako ngoma kwako inokudana!

Kindi kindi kindi yorira ngoma...bembero rotamba zvino...
Munhu uchamuziva? Misodzi jaka jaka...
Hanzi 'Handina kubvira ndamboziva kuti ndingatambe zvakadai'
A....tambai asekuru- ndiwo wenyu mufaro uyu
Wenyu munamato wasvitswa pachigaro chitsvene!
Watakurwa neshiri huru dzinamapapiro anozunguza midzi yemiti...
A....farai vasekuru- magadzwa muhumambo hwemafaro!

Pfuche...pfuche...tambai yekwenyu...yekwangu yondidana
Yokwamanake yondidana nezita rangu...
Hanzi vazhinji vamira pamukova...svumbunura rufaro rwutekeshere!
Kuti mungatetere kure?
Aiwa bodo...zarirai mukati...mutambe yenyu ngoma yaManake-wekwamanake!

Kidi kidi tindi tindi....yarira...inorira zvachose!
Emudzivisi masimba ndiwo wakarakasha...
ASamasimba- masimba ndiwo odai kuti ndandanda newe!

Pfuche...pfuche aiwa ndotamba yangu
Yokwamanake yokudana nezita rako iwe...
Raiva rako gomo iwe...ndokava katanda kako kekunon'onesa nzeve!




MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment