Saturday 31 January 2015

MDARA MUTEMARINGA

Sunday 1 February 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Inspiration: [Mr Mutemaringa- Katanga:Norton]

MDARA MUTEMARINGA

Ndikai nekudai...vese voringa
Vanondiziva voti pfacha... Va- vasvika
Vanondizivisa voti hiya...chachaya!
Vasingandizive vongoringa- nekuringa
Ko ndeupi uyo...ko ndevapiko avo?
Ini pakadaro handimiri...haiwa bodo
Ndopandinobva ndanyatsoita hwidzazwi
Chaiyo zipito ramatatya, ekusiku!
Ndipo unondiwona ndichisumudza
Nekudzikisa angu makungo
Samasoja anofora zvinyoro-nyoro
Kuri kuritinha rangu detembo
Semombe dzemufudzi akazvigutira hake
Kuti cheu- kudai...
Ndipo ndinoona misoro yogutsirira
Setwushiri twepuranga twuye
Twunobvumira nyaya
kunyangwe neyataurwa
Nebhambu remota rose!
Apo zenze ndoparinoti zekete
Apo maoko ndinenge ndongomwiza-mwiza
Sezviremwa-remwa zvinosvova gora...
Hwidzazwi rochidetemba sandinoimba
Mapendekete oshibhururuka samapapiro
Vamwe vokwarira mukati...kuda kuuchira
Dzimwe pfungwa dzopisa....kuti kwete
Vosara zvino vakapiringishwa nezwisiso
Seishwa dziya...dzedzimaidzo yamagetsi
Ndonzwa mwoyo yavo kuti shiriririri
Ndotoshaya kuti dzvo shiri vanga vadziwana kupi
Wati ndinomira here pakadaro...?
Handimire ini...Ungadaro-wobva wadaro
Woti zvakwana? Aiwe....unokamburwa
Sechihwitsi chemwana wemvana...
Ndipo ndinofamba zvishoma-nezvishoma
Sechishiri chiye chemanhenga akawanda ichi..
Ichi chinoda kukwikwidzana natwiza pamutsipa ichi...
Ichocho....ndakananga kuna mdara Mutemaringa
Ndakamutarisa napakati peziso chaipo...
Seanacho chikwereti changu-masaga matatu enzwisiso
Kumuti ba! kudai...rake rinovhurikira rovharikira
Seachati munhu mutema ringa...munhu mutema huya uone
Ndomuti siki namashoko-siki, ndobva ndamuti siki futi-siki
Kudai...ndobva ndaona mavende ese avapanze
Vouchira...vachiti aiwa tembo zvaonekwa
Aiwa zvaonekwa tembo...zvikai henyu
Musha tinawo...mushe takachengeta
Musha wedu wakanaka...
Pakadaro ndipo ndinocheukira mhomho...
Ndoombera maoko...
Ndoti aiwa zvaonekwa Katanga
Aiwa tinotenda nekutigamuchira
Katanga...musha wevanhu
Musha wevanhu vazhinji!
Ndidzo dzedu tinoreketa
Ndidzo dzedu nhetembo, tinoreketa
Tiriyo Katanga...nyika yamatehwe nembira
Nyika yehove nenzizi...
Nyika yedzidziso nenzwisiso
Nyika yemimhanzi namakomborero mazere!
Kuti kuine chimwe...?Aiwa chichazvitaurira choga...
Ndakavaudza ava...tangai manyora musati mareketa
Ivo ndokuti 'aiwa kureketa tinozvipa....idzihwa pahuro'
Zvino isu kana tonyora tinoreketa nekuonesa...
Kana toreketa tinosika nekusimbisa zvakasikwa!


MAGUMO!!!



No comments:

Post a Comment