Saturday 17 January 2015

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

Saturday 17 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [27] )
Start: 18:25
End: 20:00

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

Ko zvavanoti baba imvura yechitubu isingapwi wani!
Ko zvandatopwa kudai ini munhu wemukadzi zvinorevei?
Kana ivo zvavo vangu vana, vanoti vavo baba varipi
Kwavakazvikonamira pamhango ine runamo?
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Munganditorerawo here wangu moyo muchiisa wenyu,
Kundisiya… mamakandibatisa zidombo muchiti ndiwo wangu moyo shuwa?

Ko kundidzosera wangu mwoyo ndokupaiwo renyu dombo zvangazvakaipei?
Sezvo huremu hwemoyo wenyu hwandikangisa mhandire nerurimi,
Imi muri mubishi kuwokera rwenyu rufaro ruchitsikirira rwangu,
Nedzikiriro yematambudziko nekusuwa kuzere amainini!
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kusiya mandiwaridza nematope nemusi wekisimusi wese shuwa?
Chete kungoti vanoti ‘badza rekukumbira haritani kuvhunika’
Kuri kuti makandikumbira nechemumoyo,
Kubva tinosangana ipo renyu badza richavhunika,
Tionewo hwenyu hurume hunokushingisai kusasika mwoyo yevanhu zvakadaro!

Kuti rwenyu runako, rwakanyatsodini
Rwakasakisa kuti nditizwe newake moyo zvakadaro?
Asi chenyu chimiro igoko renzungu chairo here,
Raakaona akakanganwa nekugutsikana nacho?
Kana kuti ndeako mafambiro ane dapurahunanzva,
Kufamba…kukunda kweingwe chaiko sematauriro ake?
Kana kuti matauriro ako anenanzviro izere,
Inokunda yekurwadziwa nembabvu, misodzi pamatama,
Nechiveve nunzeve chaimo,
Sekutaura kwake achiti ndiwo angu matauriro?
Chiiko chandakashaya, akachiwana pamuri amainini Dhibhi?
Chiiko chamuinacho chandisina vasikana?
Ndiudzeiwo ndikwanise kutova mambabvu angu aya andisinganzwisise!

Kuri kuti makadaro amainini,
Aiwa ndongoti maruva enyika haaperi- ziendanakuenda!
Kubva Jerry akazviwanira rake ruva raanoda chairo shuwa!
Asi dzangu pfungwa dzinomboti dzibvunze wangu moyo,
Kuti ‘Irudo rudzii irworwo rwaanopihwa runotadzisa wangu moyo kufara?
Kutambudza wangu moyo zvakadaro here vasikana?
Kuti kutyiswa, kurohwa, kutambudzwa…
Ndiani anoziva, kunze kwako uri ikoko
Neako maitiro anoshungurudza wangu moyo,
Nekuonekwa muzvangu zviroto nemuraramo yangu
Kana kutomunzwa achichema wangu Jerry wandakada!
Ukati pane hutsinye hwakapfuura ipapo here Dhibhi?
Kurumisa bofu nenyuchi uchiti inhunzi?

Ndiyewo wangu Jerry wandakada,
Ndikaperera paari setsvigiri musvutugadzike chaimo!
Iwewe woita zvekutamba naye, uchimuita chako chituta chisingafeme…
 Shuwa shuwa here amainini Dhibhi?
Hanzi chisingapere chinoshura manenji kaviri kana katatu,
Tichaona kunowira dohwe sezvo tsvimbo takabata kare!
Tione ukarigamha dohwe racho,
Yangu tsvimbo ichijuja nemisodzi zvakadai!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kunditorera ruva remoyo wangu ndakatarisa?
Shuwa shuwa here kuzvara kenyu kamwana shuwa?
Hanzi ‘Bvudzi wangu mwana wandinofarira’
Hakusi kuzvinyaradza kwedongi- kukwesha mazino nehacha?
Ko vake vana vandinavo vanga vakaipeiko?
Kuti hamuna kumudyisa here murume wangu?
Iyo nyaya yake yekukara cherurimi inenge yakamubaisa!
Hanzi ‘rega ndifanodya nzungu ndichikanga maputi,
Ndakamirira kudya sadza ndozomwa tsvutugadzike nembambaira!”
Haisiriyo here nyaya yake yekukara cherurimi yakamubaisa?
Regai ndingoungudza ndirikuno- kutaura hapana anonzwa!
Kuti Jerry- Jerry- Jerry- Jerry…
Haadairi- hauzive zvirikuitika nezvirimo make mudehenya!
Changu kungoona kutiuku kugariswa paguyo sembwa.
Kuri kuona kuti kutorerwa murume wakatarisa shuwa!
Kushayawo kana kangu kamutsara kenyama?
Asi ndichizongosara ndangova rembu-rembu,
Siriri kudonha nekuchiva avo vane zvavo zvemoyo!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi
Kundikakisa bhora redombo newaya
Ndakateya kuribanha zvamandiriri?
Patakasangana maivapo here amainini
Paakandinyenga maivapo here amainini
Paakandiroora maivapo here amainini
Patakapinda musvitsa- tsvene makange muripo here amainini
Ko kuzoti patakaita vedu vana makange muripo here amainini
Ko indava maitiro enyu achiita kunge makange muripo?
Kubva maita kunge makamuudza zvakaipa zvangu zvose,
Zvekuti hapana kana chitsvene chandakaita- takaita kana taizoita
Kubva mangamuripo amainini- makadiko kundiudzawo chenyu chinangwa,
Muhwangu hupenyu ndakakupai wenyu mukana?
Pane kuita hwegonzo- kutiza nyoka mumhango yakavharika!
Hazvisirizvo zvaivanani here- pane kunditema nezuva,
Ndichidonhera muchoto kwandakaita uko?

Dai ndakaziva haitungamire shuwa
Dai ndakaziva kuti uku ndiko kuenda kwerangu ruva,
Handiti ndaitoita gumbakumba kuri kugumbatira chaiko!
Dai ndakaziva kuti uku ndiko kuwonekana nechake chiso,
Handiti ndingadai ndakamupawo changu chiso kuti agondirangarirawo!
Dai ndakaziva kuti ndiwo aiva angu mashoko ekupedzisira,
Handiti ndingadai ndakamuudzawo mashoko ehukoshwa hwerudo rwake kwandiri!
Chete kungoti hanzi navamwe ‘handirarame naDai’
Vamwe vakati ‘Dai kufunga kwebenzi’- pamwe ndakupenga!
Kungoti vanozoti ‘Ane benzi ndeanerake’
Ko kuchingondisiya- ndichingopedzisa kwakaipei?

Nekuzviziva kwandinoita
Nekuziva kwandinoita Jerry
Nekusakuziva kwandinoita amainini
Zvinongondirevera chinhu chimwe chete!
Museki waro ndiye muzivi waro
Uye musekwi haafe akarikanganwa nemuseki waro!

Shuwa shuwa here amainini Dhibhi- kunditorera ruva rangu
Wangu moyo  wandinoda nehwangu hupenyu hwandaishuvira?
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi kunditorera wangu murume
Wandaifunga kuti ndichachembedzana naye shuwa
Asi chitarisa nhasi kuti ndiani achembera nekusuwa nekuchema?
Kuti asingachadzoke aiwa ngaisiye zvayo matambo
Asi vanotaura vanotaura zvavo vachiti
‘Gona ana gona wakewo shuwa!’
Ava varume amainini…richakudonheraiwo dombo,
Iro rakandidonhera ndikasara ndangova betesango wemabachi!
Shuwa shuwa here amainini Dhibhi?

SHUWA HERE AMAININI DHIBHI?

MAGUMO!!!





No comments:

Post a Comment