Thursday 29 January 2015

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Thursday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [31] )
Start: 01:35
End: 03:02

KAMUCHENA KETSVUKACHIN’AI

Kamuchena kaye kazoisumudza tsvukachinái iya
Kuchisumudza chaiko icho chiya chinái chakatsvuka chiye
Kuti nditi rudo rwemoyo…rudo rwepfungwa hapana chandinoona
Kunze kwekungoona mazongoza wakasimba kuti tasa
Apo tsvukachinái ichitaura nako kamuchena kaye
Kuti nditi kugwinya, kutya kana kuti rudo rwakamerera kumusana
Maziso boi boi muzongoza ndiwo mushenjere!

Chokwadi kamuchena kaye  kazoisumudza tsvukachinái iya
Rudo kumerera kumusana? Musana kusimba semushenjere?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Zvino inokwenya nei wacho musana kana worwadza?
Hakusiriko here kuzvongonyoka sedemba paruware,
Kana marwadzo ouya?
Hakusiriko here kuzvirovera padombo savaGunú
Kana marwadzo ouya?
Angazive ndiani kunze kwake Makushamhuru,
Uya weupepe kana achinge akaona kake kamuchena!

Ndokunge yasumuka tsvukachinái iya!
Hanyná kana kusava nehanyná, ichichi chitata change chaicho,
Unomunzwa achudza dzake pfungwa nemoyo!
Kuzoti kuvanhu! Unonzwiririra icho chaicho,
Chakatadzisa horomba kutaura, asi kunyenga richigona!
Svusvu remoyo wangu chairo…
Chidau-dau chenhapitapi yangu!
Chipepe change chaicho chandinogarorota!
Shisha yangu…ngirozi yakabva kunaBaba!
Ndiwo ake matauriro…kana oudza vekwake!

Kuti zvingade pfukarushesha…
Kana pfukapfuka here kuti titsvage mukoko?
Kuti zvingade mukoko…
Kuti tizive pane zimai renyuchi?
Kuti zvingade zimai renyuchi?
Kuti tizive pane manga?
Angazive ndiani kunze kwake,
Mukushamhuru uya weupepe!
Iye anoziva paakamora hwake huchi,
Hune minanzviro yepasichigare chaipo!
Chokwadi zvinotoda karipo kake,
Kamuchena chaiko…
Kekusumudza wake moyo kunge mutumbi!
Nokuti zvikoni-zvikoni namo haitapire semusvisvi!

Kuti karipo wati ungamuchaye?
Nyeche-nyeche unoiona tsvukachinái,
Yeupepe unenge murara yasvika!
Yongonyekaira-nyekaira nekunyeketa moyo wemwanasikana
Zvekusiya yanyekesa moto werudo mukati mako kamoyo kemwana!
Chinozongoonekwa kunyeketera kwerudo rwetsvimborume,
Madzitete achinyechura rudo rwemukomana nemusikana!
Izvo zvinozoonekwa nekunyekura kwayo tsvukachinái,
Apo kake kachena kanenge kangova nyeku-nyeku,
Kunyemwerera kusina meno!

Kuti hakusiriko here kudada kwavagoni,
Kukanga nyimo nezuva moto uripo?
Kuti hakusiriko here kudada kwake nako kake kamuchena?
Chokwadi ndiko kwake kudada kana ainako kake kachena!
Pazvedi wada nyemba watsunga…
Nyechere yetsvungachinái iya,
Yaitoti isumudzwe nako kaye kachena kamusikana!

Kungoti uti bufu, kangu kamuchena kandinoda!
Kungoti vhurei muromo, kangu kamuchena kandinoda!
Vachingoti vhu-u kusvika, kangu kamuchena kandinoda!
Achingoutambidzwa mukana, kangu kamuchena kandinoda!
Kana napakurota, kangu kamuchena kandinoda!
Kuzoti muhope, kangu kamuchena kandinoda!
Nepakuvhumuka here vakomana? kangu kamuchena kandinoda!
Kangu kamuchena kandinoda- kangu kamuchena kandinoda!
Aiwa zvanhasi zvine vamwewo weduweee!
Kudoka kwaro zuva, kunozivikanwa,
Nevaoni varo richibuda zuva!

Aiwa ndikako kangu kamuchena kasikana!
Kundibvisa hutsvukachinái hwangu hwose,
Ndichisara ndangova rudo rwakadonhera murudo kudai…
Ichinge iri yangu hana aiwa inorovera iko kakandida!
 Uchinge uri wangu moyo aiwa wakazviwanira shamwari…
Dzichinge dziri dzangu pfungwa aiwa dare dzakagara kare,
Zvekuti uri wangu moyo aiwa wakanyura sebvunze pauna-una kare-kare!

Ndiko kangu kamuchena kandakazvidira
Kakandiwanawo zvangu ndakamirirawo rudo
Iko kachiremerwa nerudo runopfachukira semapopoma aZambezi…

Ndiko kangu kamuchena…kangu kasikana kandinoda!
Kangu kamuchena kaye…kane ganda ramaranjisi,
Kane unaku unokwezva ziso pane unaku upi neupi zvawo!
Kane izwi rinenge renyenze inorira zhizha rasvika!
Ake mafambiro achingova nyemu-nyemu, nyama yehukwana…
Ndiko kangu kamuchena- mai vevana vangu chaivo…




MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment