Tuesday 6 January 2015

HWANGU-HUROVHA

Sunday 6 January 2015
Written: 2008 ( Nzarabwe [25] )
Start: 04:21
End:    5:23    

HWANGU- HUROVHA
Hwangu hurovha!
Hwangu hurovha,
Hwakandihwandira sembada,
Ndakarivara zvangu pamusoro paro,
Dapurahunanzva rehupenyu!

Hwangu hurovha…hwakandionesa,
Magaro enyoka shuwa,
Chisionekwe nyanga dzemuti wemudhorofiya chete!
Hukandiratidza denderedzwa rehupenyu,
Rwusina ani nani zvake anokwanisa kurishandura!
Kana kamutsetsepa ndakamushaiwa!
Hukandiratidza zve kukosha kwenguva,
Dikita-rute nemweya waTenzi!
Hukandiratidza kukosha kweumwe nemumwe,
Anoonekwa nerutyeve rwaro ziso!
Haiwa- hwangu hurovha,
Hwaiva hwechishuwo,
Chekuchema sebere kurumwa nesvosve,
Iro rakaruma chidya chenhoro chaicho!

Nokuti kuritarisira ndiko
Kwandakanga ndakariita iro zuva,
Randaizobvisa iro bhachi rohurovha,
Rakanga radai kundinamatira,
Sezvinonzi inhengo yemuviri wangu!

Kuti ndewangu ndega?
Kuti takahuona tese here?
Kuti ndizvo zvinoonekwa nerovha rese?
Kuti hwangu hurovha hwainge uri nani?
Kuti hwanga hwakanyanyisa kukunda hwevamwe?
Kuti vanhu vakanyatsozviona zvaiitika?
Kuti vakanyatsozvinzwisisa zvandainzwa mumoyo mangu?

A-aaa, anoziva ndiyani kana iwe uchiti hauzive?
Ndipo pandingazivewo here chinhu,
Ini ndiriwo betesango akatsikirirwa,
Nairo dumbu raChangamire Dombo Masvingo?
Asi chandinoziva chete ndechekuti,
Hwangu hurovha hwaiva bindupindu,
Mabhachi abetesango chaiwo!

Ndekupi kwawakamboona mukuwasha,
Kurara akashama muimba imwechete naa’mbuya?
Asi a’mbuya vachisekedzana naye chikwe-e,
Pasina chipi kana chipi chingaitike?
Ndekupi kwawakamboona muyenzi,
Achimwa tsvutugadzike asina bhurugwa,
Vashanyirwi vachitoshuwira kuti dai anamata,
Pasina kurohwa nehana, kushamiswa kana kunyara?
Ndekupi kwawakamboonawo munhu,
Achipindawo musvondo akashama,
Akangopfeka kashati, nguwo yemukati chete,
Asi achisvikotora mwana wevanhu moyo?
Ndekupi kwawakamboona munhu,
achipinda mudhorobha akapfeka kabudura,
Nemudzipanyota chete, kunge kunyepa,
Asi achitozopinda mumahofisi kutsvaga basa?

Sekusaitika kwazvo, ndiko kwakava kuitika kwazvo!
Uhwu hukava hurovha hwangu,
Hukazivikanwa neni nemoyo wangu,
Vekure vakashaya kana nechimwe chavakaona!

Ndaizoriwana here basa randaida?
Ndaizomuwana here musikana uya wandaida?
Ndaizokwanisa here kuitenga motokari iya yandaida?
Ndaizokwanisa here kuuzvambura mucheno wandaida?
Ndaizokwanisa here kuimisa yanguwo imba?
Ndaizokwanisawo here kutenga ako neako kekuendesa kumusha?
Ndaizokwanisawo here kuita munhu ane chiremerera paruzhinji?

Yese iyi yaiva mibvunzo yaitenderedza,
Wangu musoro kuita chikochikari chamadhongi chaicho!
Chokwadi hwangu hurovha hwaiva hutsi kubuda,
Kuri kukweshana kwedzangu pfungwa,
Pane ramangwana randaisaziva kuti rakamira sei!

Asi chinombonyatsonzi rovha chii?
Munhu apfuura makore ekuriritirwa
Asingaende kubasa uye asingakwanise kuzviriritira?
Apfuura makore ekuriritirwa? Kubva marohva akawanda!
Kuti asingaende kubasa? Kubva marovha akawandisa!
Kuti asingakwanise kuzviriritira? Kubva a-aah medu munyika azere marovha!

Ko kana hwahurovha chinenge chava chii manje?
Kutadza kupfuura makore ekuriritirwa?
Kusaenda kwemunhu kubasa?
Kutadza kuzviriritira?
Ko iye munhu anozotadza kupfuura makore ekuriritirwa sei?
Ko iye munhu anozotadza kuenda kubasa sei?
Kana iko kutadza kuzviriritira sei?
Ko munhu akatadza kupfuura makore ekuriritirwa,
Otadza kuenda kubasa sevamwe,
Otadza kuzviriritira sevamwe,
Anganzi haasi munhu pavanhu here?
Kubva kana zvakadaro ndaiva mufi pavapenyu,
Chokwadi hurovha hwangu hwaiva hwemufi pavapenyu chaihwo!

Ndikati nditange kutaura zvinonzi ‘Chinzwai atanga!’
Asi unoti kwangu kuri kuda kunyepa kani?
Ndikati ndivaratidze zvaiitika zvonzi ‘A-aa hona manje’
Unoti ndingavaratidze nyanga dzabetesango here?
Ndikati ndivanwise aiva angu marwadzo zvonzi ‘Hona- hona dzatanga’
Saka unoti ndingaridze hosho ngoma dziripo?
Ndikati ndinzwireiwo hwaiva hurovha hwangu zvonzi ‘Haumuzive here uyo’
Asi unoti hwangu huri hutsinye kusvina mota ichangobuda?

Hwngu hurovha ndakauona neangu meso!
Ndikaunzwa nedzangu nzeve!
Ndikahufemhedza nedzangu mhino!
Ndikazouraira nerangu rurimi!
Ndikazounzwa uchinamatira parangu ganda!

Chokwadi hwangu hurovha,
Hwakandiita mutorwa muhwangu hupenyu,
Hukandishaisa wangu mudiwa Chipo wandaida
Hukandisiya ndavachikomana chapajecha chaicho!
Kutaura nezvinhu zvisingafeme…vanaDhayari,
Hukandisiya ndisina kana changu kunze kwerangu bvudzi,
Rakazviona zvese zvichiitika,
Kuti ndigokura ndakangwarira!
Asi vakuru havanyepe shuwa,
Chisingapere chinoshura maviri kunge katatu!



MAGUMO!!!  



2 comments: