Friday 30 January 2015

PAURINA MAROTO

Friday 30 January 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Written: 2009 ( Nzarabwe [28] )
Start: 12:49
End: 13:42

PAURINA MAROTO

Amai vevana vangu ndiwe Paurina
Vana vangu vachiva vako Paurina
Chokwadi handidye chedemo aiwa
Asi chebanga chaicho chinodyiwa nevanodikanwa!
Nokuti ndakanga ndafunga kuti Mwari andiseka,
Kundiumbira dhonza risina mhou shuwa?
Asi kuri kuita kwake chaiko,
Kwekuregerera vanhu nezvipi zvavo zvitema!
Rega zvavo vataure…nyakunyumwa ndiye ane baravara shuwa
Nokuti kwangu kukuona hakuna kupedza nguva,
Asi kubakidza moto werudo,
Wandisina kubvira ndakamboona muhwangu hupenyu hwose!

Kukutarisa kudai mbunde-mbunde
Mahwekwe nerwako rudo Paurina
Kutaura newe kudai pfacha-pfacha
Kupinda muyako nyika yerudo Paurina…
Izere mashoko anotapira huchi kunaka
Kuri kununira kwamashoko ako Paurina
Kuzokutarisa kudai mwana iwe…
Kumbaita ziso rinodzupura moyo zvakadaro here Paurina?
Kumbaona wangu moyo mutyeve rweziso rako here vanaiwe-e?
Ndaipaitaseiko pakadaro hamadzashe?
Ndaitoti ndimutsvode chete mwana uyu…
Akanga atora moyo wangu zvakadaro
Kuri kuedza kusveta wangu moyo,
Wakanga wapfimbikwa muako maziso
Ainge aine mifananidzo yedenga chaiyo mukati mawo!
Ndiko kukuda kwandakaita Paurina…amai vevana vangu!

Minamo yenazviro yemiromo wake
Ikava yedu sungano yerudo rwedu!
Yakatisunganidza pfungwa, moyo newedu mitumbi
Yakava namo kusada kusiyana kana kamwe chete…
Kuzovhura ziso kudai kuona pachokwadi,
Takanga tadimburirana wedu munda napakati chaipo!
Kunge kunyepa- kuzongoona muake meso
Mangosara chimwe chechidimbu chewangu moyo,
Ndichizongoti bangazu- kunzwa hana kurova,
Ndichizongoziva pakanga padonhera kangu
Kamoyo mukangu kamutumbi!
Kuti ndairota- Kuti ndaioneswa- Kuti zvaitika?
Yakazongosara yavamibvunzo chete,
Wangu mukadzi ndashongedza kare-kare!

Kubva paruzhinji kwakanga kwakaipei?
Ndokuzongoona edu maoko okachukirana soemunhu mumwe chete,
Kwakaendwa netsoka ndiko kwakaendwawo nemutumbi!
Kuti ndainge ndakabata ruva rerudo?
Kuti ndainge ndakabata tsamba yerudo?
Kuti ndainge ndakabata rake rokwe?
Chandaingonzwa kwaiva kuswinya-swinya
Kwerwangu ruoko zvakazongosiya
Wangu muviri wangorukutika kuti rukutu!

Kuzopepuka kudai, ungati kukanyaira
Here kwaiitwa nemwana wevanhu ikoko?
Kuti ndakanga ndazvibatira kangu kakonye?
Kuti ndakanga ndazvibatira rangu bhiza chairo?
Kana ngirozi kunge njuzu chaiyo?
Ndiye wangu Paurina wandakanga ndasarudzirwa
Nevangu vadzimu venyika chaivo!

Hanzi ‘chemberenzi yakabva pausikana’
Kuti vaireva Paurina here vanhu ava,
Kana kuti mumwewo hake musikana?
Mumwewo akati ‘zvakokomera chembere kufira muhozi’
Ainyatsomuzivawo here Paurina uyu,
Kana kuti yaiva fembera-fembera dhungetunge yetsono!
Wangu Paurina uye akange akokota wangu moyo sedovi!

Kunge kunyepa-kwedu kufamba kuchinge
Kwechitima chiri kubva pachiteshi!
Kwedu kutaura kuchinge,
Kwechijobo-jobo kukweza kwayo tseketsa!
Kwedu kutarisana kuchinge,
Kwekunyangira…mbavha kuba muhozi!
Kwedu kuseka kuchinge,
Kwebofu rinoseka zvarisingaone!
Kuzoti kwedu kudanana kuchinge
KwaTsoro naMutsai chaiko!
Zvekutoti vaiona vaipa kutenda kuzere,
Kuti pachokwadi Evha akange abva pambabvu yaHadhamu!

Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndisina kana dhora muhomwe
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndabva kurambwa naDhibhi uya
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti ndakanga ndichiendepi
Ndakatada!
Kuti ndizvifunge kuti takange toendepi
Ndakatadza!
Kuti ndizvifunge kuti zvakanga zvaitika zvakanga zvaitika pachokwadi here
Ndakatadza!

Chandakakwanisa kufunga raiva zuva,
Randakarota Paurina mudzangu hope ndisati ndamuona-chete!
Ndipo ndakabva ndangoziva kuti,
Ndakanga ndamuona Paurina Maroto wangu!

Uye wandakarota mudzangu hope dzainaka
Uye wandakange ndapihwa nevangu vadzimu
Uye aizondiberekera angu maruva enyika
Uye aizochembedzana neni Paurina
Achizova mifananidzo yadzo tsvarakadenga
Dzapo pano pasi paZame apa
Paurina- Paurina angu Maroto akauya ndakarivara!



MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment