Thursday 1 January 2015

NDINOKUSUNGISA IWE DHAYARI...

Friday 2 January 2015
Written: 2008 ( Nzarabwe [19] )
Start: 02:37
End:    04:12

NDINOKUSUNGISA IWE DHAYARI…

Nan’ana nan’ana kunditarisa haunyare,
Iwe bhuku nhema rine zvitema?
Vhai vhai kundibuditsira karurimi kachena,
Uchiti uri kusvotesa ani?
Anofanira kunyara pakati pedu ndiani?
Ini ndinonyora zvisingaitike,
Newe unorera zvitema zvoga-zvoga,
Pasina kana chimwechete chinomboitika?
Kusvipa uku ukati,
Hausi wakaita rasha,
Kupiswa nemoto wasatani nenyaya dzekunyepa?
Kunyepedzera kusunga chitorobho chitsvuku,
Hanzi ndiri murume pavarume!
Uri rasha iwe- kusvipa kudai rasha chairo iwe!
Haungambotadze kuita rasha iwe,
Nemanyepo aunogara wakaputira murako dumbu,
Rechitafutanana cherume,
Sechiya chakadyiwa  gumbo rose,
Chichishinyira chakangobuditsa ziso rapakona,
Boi- boi netwurute rembu rembu!

Zvawaibhadhanura ako makumbo,
Payangu tafura wakasekerera,
Wakazvishongedza, waiti ndidini?
Ndidini? Ndaitoti ndidonhedzere muto,
Pakati peako makumbo musikana!
Ndaigozviitawosei ndaitoti ndimanyore,
Ose mashizha ewako muti waunovhaira nawo!
Zvawazvimbirwa kuti zvi zvi zvi kudai
Waunoda kunetsa ndiyani zvino?
Fufutirwa wega musikana fufutirwa!
Zvaunonditarisa neziso rapakona,
Uchindityisidzira nerako dema ganda,
Unoti ndinozvibuditsa sei?
Iro rako dumbu ratodzika midzi,
Nezvangu izvi zvisikwa izvi,
Zvinova churu chaicho kukura?
Hapana chekuita vasikana,
Enyu mashizha azara nezvangu zvinyorwa.
Hapana- Chokwadi hapana maitiro andinoita!
Saka chitosekererai- sekererai henyu vasikana!

Ko rudo runoputswa nezuva rimwe here,
Kana kuti rinovakwa nezuva rimwe?
Ko zvandaichibata chipfuva chako,
Neangu maoko ndichiteuka dikita,
Handiti kwaiva kwedu kufara?
Ndakatarisa zuva ratakasangana neyangu tsvarakadenga,
Handiti kwaiva kwedu kufara- chaipa chii ipapo?
Waisatsvodana nemuromo wemashoko angu here,
Pese pandaigumbura zvigutswa?
Waisatsvodana nemuromo wemashoko angu here,
Pese pandaipembera nemufaro?
Waisatsvodana nemuromo wemashoko angu here,
Pese pandaiita hurongwa hwangu?
Waisatsvodana nemuromo wemashoko angu here,
Pese pawaindiyeuchidza zvangu zvirongwa?
Saka Taidanana! Taidanana musikana.
Chaunoda kundirambira ipapo chii?
Chii chaunofutisira ako matema matama?
Chii chaunofutisira kwako kutema kumeso?
Chii chaunofutisira- futisira dzako dzitema mhino?
Chii chaunonditarisira nerako dema ziso?
Wakafutisa kako kadumbu kudai,
Unoti uchadiwawo nani hake,
Ane tsiye nyoro garwe kuhotsira nhunzi!
Handichatokude- handiti wakati unoda kundisungisa!
Zvino tiri kuda kuona achasungwa wacho!

Sungwa une mhosva iwe!
Ndiyani wawaiti wakaponda musi watwendi?
Pfimbi yaunoti unayo nasekuru Mbudzi ndeyeyi?
Ndiyani wawaisainisa apa neapo,
Saka zviri pachena waiva naye!
Taura kuti nemunhu uyu munozivirana kupi?
Sei usina kuenda kubasa,
Zuva iri sekunyora kwawakaita?
Ko izvi zvawakanyora apa,
Hazvisirizvo zvawakataura pamusangano here?
Ko izvi zviri apa,
Hazvisirizvo zvawakaita masvondo maviri akapfuura?
Haisi riyo here mhuri yako,
Yakazvarwa mazuva aya?
Saka chaunoti handisirini chii?
Ko ihohu uhu hausi here hurongwa hwako,
Hwaguhwa napakati chaipo,
Segwendo gweGweru gwagugwa negugwe?
Saka sungwa iwe une mhosva!
Ndizvo zvinokupa kutarisa vamwe,
Neziso dema muvir uri tsubvu kusviba!

A-aah a-aah unondinongedzeraa nekako kagunwe,
Katsvuku kakazara neropa revanhu,
Unoti ndichavhunduka?
Handityisidzirwe nemvere dzeshumba ini!
Ndiwe wakamukomera pamuchinjikwa iwe!
A-aah asi Banda akamuka chipoko,
Ko ‘Ini huku mutorwa’
Makazonge mamuvhuna mutsipa rinhi?
Kubva ndiwe mhondi huru,
Zvino kunongedzera vamwe kwabva kupi?
Zvinongedzere  iwe zvese nemuwiri,
Wako mutema mesemuri vaviri!
Hachinyare chibhuku chitema,
Chakazvarwa nezvitema!

Anondisunga wacho ndiyani,
Uye achindisungirei?
Anenge andibvunza mhosva achitii?
Kurikunzi andibvunza handiti ndinongokutarisa…
Tione ukatiza, tione ukamera mapapiro
Kana idzo nyanga chaidzo!
Tione ukandituka…zvikashaya basa!
Ndinongoramba ini,
Tione vakandinyoresa zvakanyorwa,
Muicho chako chidumbu chichena chisere zvitema:
Kana vakandibvunza hukama,
Ndinongokuramba pakazara vose vanhu,
Twese twana twukakutsvororodza!
Sungwa iwe sungwa,
Bhuku dema rakazara zvitema!

Chokwadi ndachishaya chaunonditarisira,
Neako maziso matema evanhu vakafa chaiwo,
Iwe uriwe wakaberekeswa humhondi kumusana.
Kuri kunzi kusungwa handiti ndiwe unosungwa?
Kupusa kwegarikuni vakomana…kushaishira marinodyira!
Unenge uchiti uri kufadza ani manje,
Handiti kuzvitsvagira hutuputu rebasa?
Unofanira kunyara iwe kwete kundityisidzira,
Nokuti ndiwe wakatakura zvose zvitema muako mashizha!
Kuramba kwako mhosva hakuna kusiyana,
Nekuona Chidhumo achiramba kuti handizive Masendeke!
Saka sungwa iwe- sungwa.

Dai usipo ndingadai ndisinganyepewo
Dai usipo ndingadai ndisina kuponda munhu musi watwendi
Dai usipo ndingadai ndisina kurangana nasekuru Mbudzi
Dai usipo ndingadai ndisina kusaina ayo mapepa efufuro
Dai usipo chokwadi zvirongwa zvangu,
Zvingadai zvisina kuputsika.
Mharapatsetsetse ndiwe- Mupunzahupenyu ndiwe,
Shamwarinhema ndiwe- Munyengedzi chaiye ndiwe!
Ndosaka ndakuramba pakazara vanhu,
Kana wakaguta unofarisa handiti?
Rega tione kana pakawana achakudawo,
Iwe wakadai kutungamidza kadumbu kumberi,
Wongopfira-pfira pasina chiri kusemesa…
Chokwadi ukaramba wakanditarisa kudaro,
Ndinokusungisa iwe dhayari,
Ukada kuita zvekutamba neni!

MAGUMO!!!







No comments:

Post a Comment