Tuesday 6 January 2015

MAUNGUDZO: EMUNYORI


Wednesday 7 January 2015
Written: 2015 ( Magutabwe [1] )
Start: 01:17
End:    02:23  

MAUNGUDZO: EMUNYORI
Hama dzangu…uyu wamunoona… ari apa uyu,
Munyori!
Munyori… ndosaka ari,
Murombo!
Iye anoti zvaanonyora…
Zvinomunakidza!
Asi iye anoti zvakare…anoshaya
Vanozviverenga!
Vashoma vanozviverenga anoti…
Vashomanana!
Vadhindi vezvinyorwa…anoti vane zvavowo,
Zvavanodhinda!

Ko hurombo hwako hunobva pai…
Shamwari?
Iwo angu aya maoko aya…
Asingagone nekuda kutsvara pasi!
Idzo dzangu pfungwa idzi…
Dzisingagone nekumhanya-mhanya!
Iwo angu maziso aya…
Asingagone, nekutsvaga- tsvaga mamiriro ezvinhu!
Iwo mwoyo wangu uyu…
Une chidokwadokwa chemafaro!
Naivo vashoma…
Vanomapembedza angu manyawi aya!

Dai ndiri shiri ndaibhururuka…
Muimbi akaimba!
Dai ndiri pfungwa…
Ndaitamba nedzimwe pfungwa!
Ndai ndiri mwoyo…
Ndaizvitova wose wangu muviri nerunyararo!
Dai ndiri ruoko…
Ndairadanukira kudhinda ose mashisha!
Gwishu- kugurwa!
Mumwe ndokubva ati “Dai kufunga kwebenzi”
Ehe! Kufunga kwebenzi- ndosaka tichinzi tinopenga!
Kupenga?- Ehe kupenga!
Zvino zvandiri munhu…chandinoshota chii?

Ndikabata apa ndosekwa…
Ndikabata apa ndonzwirwa tsitsi…
Ndikabata apa vodzima wangu moto…
Ndikabata apa vondifuridza sakarara…
Ndikabata apa vonditsikirira angu mapendekete, kunge chavo chikorobho…
Ndikabata apa vonditarisa neavo maziso anoba kutenda…
Ndikabata apa vondidimbura rurimi…
Hanzi unotiendera mberi semuswe wedzvinyu!

Saka pangu chaipo ndepapi?
Handiti angu mashoko…kuzarura dzenyu nzeve!
Handiti angu mashoko…kuvhura enyu maziso!
Saka pandinokupingirishai munzwisiso ndepapi?
Sei munyori ari murombo ndiwo mubvunzo wangu?
Hanzi nemumwe, ‘Vanhu havachaverenge!’
Havachaverenge? Vakudini?
Kusaverenga, usina kumboverenga?
Zvinorevei izvozvo?
Hanzi ‘Havachatenge mabhukusi’
Kusatenga mabhukusi?
Zvinorevei izvozvo?
Saka vakutenga chii…
Uye  vakatanga kutenga zvinhu izvozvo kubva rinhi?
Ndiye nharo, ngwiro…makwiro chaiwo….!

Mukaramba muine nharo dzenyu idzodzo,
Dzekusapa munyori mari yake…
Nhamo yacho muchaiwona!
Unoti zvawakadzidza ndizvo zvose?
Vakadzidza vacharamba vachingodzidza,
Nekudzidzisa vavanoda!
Vasina kudzidza vacharamba,
Vachingoti mbeveve- vachitevera miswe dzembeva!
Avo vanetwushungu ndivo vacharamba vachingodzidzisana,
Kusvika vane twuzwi twunonzwikwa nevana vevakadzidza!
Hamusati mazvinzwa kuti mufudzi wemweya,
Yake mari- akupihwa?
Asi hamusati mazvinzwa?
Asi hamusati mazvinzwa kuti, akatondinamatirawo kuti yangu iwuye?
Kusvika mapa munyori mari yake!
Kusvika mapa munyori mari yake!
Kusvika mapa munyori mari yake,
Muchaifamba yenyu nzira yamunoziva…
Inokusiyayi kumachena muchiisiya pachena!

Ndipe mari yangu iwe- ndipe!
Ndipe mari yangu iwe- ndipe!
Ndikupewo iwe- rwako ruzivo…
Ugopewo vose vaunoda!
Zvichida…dzangu pfungwa idzi dzingafare
Zvichida…rwangu ruoko urwu rwungasununguke
Zvichida…wangu mwoyo uyu ungapembere!
Kusununguka kwembereko, ,mwana achisvetukira pamubhedha!
Zvichita…ako meso angaone zvakare
Zvichida…dzako pfungwa dzingasunungurwe kubva pajoko rehurombo
Zvichida… ungadzimure moto uyu wosvosvera kupisa chako chiropa
Zvichida…hwako hupenyu hutsva hungavhenekere mapazi ose ohupenyu hwako!
Kusatenda kwehosikito, kuona munhu achifara!
Iye achafara achafara…iye achagara mumafuro manyoro,
Akazvigarira hake…achimurumbidza wake musiki- Muridzi wezvipo!



MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment