Friday 2 January 2015

RAKO SADZA RANDINODA CHIPO

Friday 2 January 2015
Written: 2008 ( Nzarabwe [17] )
Start: 03:24
End:    04:12
RAKO SADZA RANDINODA CHIPO

Dada dada dada ndiwo mafambiro ako,
Daba daba daba ndiwo mafambiro ako,
Kunge uchinge wandiona Chipo!
Kudabaira chaiko,
Kunosiya kwandidambura mwoyo,
Ndiwo ako mafambiro Chipo!

Kutaura kwako kudabudza muromo,
Kana uchinge otaura neni Chipo!
Unozongondiona ndava dabwa dabwa
Kufamba kweakaonda mukomana,
Kuri kushamisika nerunako rwako!

Chipo mudiwa chipo
Chidohodabwairira kuno,
Undibikirewo rangu zimusuwa resadza,
Kwete dabwadabwa randinozvibikira,
Kana usipo mudiwa wangu,
Zvimwe ndinganzwe parere wako mwoyo!

Nyatsodadadza mudiwa wangu,
Undibatsire kudadabvura,
Iyi nyama yawandikangira!
Dadamira kwandiri,
Ndikudetembere nekukudedemurira mudzako nzeve
Kunaka kuri kuita ako machikichori!

Dai ndaigona kutema tsanga,
Ndingadai ndakakupanjikira rukukwe
Ndinyatsosununguka newe,
Sepasichigare pasina masvosve anokanganisa!

Handiti kukudaizvi nekukudaizvi
Kutapirirwa nerudo rwako?
Handiti kukudaizvi rako rokwe,
Handiti kunzwa zvakadai muwangu muviri?
Ndiko kukosha kwerudo rwako mudiwa Chipo!

Nyatsodaiso mudiwa Chipo!
Daima zvako mudiwa Chipo!
Daira zvako mudiwa Chipo!
Chokwadi daka newe handina,
Nokuti rwako rudo runondidakadza Chipo!

Chokwadi ndazochidakanura
Chihwitsi ichi,
Chinehunaku wehuchi,
Dzenyuchi dzamandiriri chaidzo!

Dakanya dakanya
Kudakanyira iwe, ndiri pauri!
Dakara changamire,
Vangova mutamba kamwe,
Kupera kwemuswe wedzvinyu!
Uko kuri kumedzwa nerudo rwako Chipo.

Unongovaziva kuti ndivo vaye,
Vekuviruka nehasha,
Sokunge kuda kudakarika!
Hamheno? ndiwe unoziva
Ako maitiro Mudiwa Chipo!

Ko kugara nedako rimwe kwauyeyi?
Dapura unanzva iri unoda kuenda naro kupi?
Dzikama uteerere ngoma musikana,
Husiku hurefu uhwu!
Makudo zvaakatya akafa mangani?
Daku daku uchiti urikuendepi?
Idya banana mudiwa tiri murudo!

Hauzivi here kuti Dambakurimwa
Ndiye mugarisi waro,
Ivhu rapamusoro nadzo mhuka,
Neshiri dzendudzi dzose!
Kupikisana naye kuzvitsvagira chekugofa!
Ini ndinoti ndazvipira- hamheno iwe?

Iri harisi dambe kwete!
Inga unoziva handisi dambanevana wani!
Dambanudza ako maoko kwandiri,
Ndimadambire newangu moyo,
Une rudo nerufaro runyoro!
Inga mukaka unodananguka mapete wani!
Nderipi ndambudziko,
Risingatitsike tikatadza kurigadzirisa?
Ndevapi vanhu vangataure zvavanoda
Tikatadza kudamwaira?
Ingawani unoziva kuti,
Hosi yashe inoti damwa kune vamwe vakadzi vose,
Kana tichinge tabvumirana!

Ingawani unozviziva,
Hoto kana yorarira,
Inodanaura munhenga senyana.
Ndatitange hupenyu hutsva Chipo!
Hupenyu hutsva husina marumamombe,
Kana matandamhembwe chaiwo!
Asi hupenyu hwakadandamudzika,
Hupenyu hwakadandamuka chaiwo!
Chipo mudiwa Chipo
Haungarapewo here dandabvu,
Iri rawakadai kutarisana naro?

Aiwa Chipo, ndakupa rako gudza
Chasara kufuga kwako kana kuwarira kwako chete!
Ini  ndazvipira kufuridzwa,
Zidanda iri muziso,
Neako maoko anemhiripiri!
Kunge sei zvikazooma,
Kana kuendekasei,
Ndinenge ndinewe pangu parutivi,
Ndichikutenda kubuditsa danda kwawakaita,
Muiwo angu maziso!
Chipo mudiwa Chipo,
Ndinokuda kukunda,
Kana ipi mbumbuchena yakamboda!
Kana vari vamazuva ano,
Handitaure wako mwoyo,
Nemaziso… zvinombotaurawo zvazvinoona!
Chipo mudiwa Chipo,
Rako sadza ndiro randinoda,
Kusvika iro zuva randichavharirwa kuseri kwaro ibwe!

MAGUMO!!!





No comments:

Post a Comment