Tuesday 23 December 2014

HAUNZWI...NHASI ZVAKUWANA

Sunday 23 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [10] )
Start: 2:00
End:  3:15

HAUNZWI…NHASI ZVAKUWANA

Haunzwi handiti?
Shuwa haunzwi!
Dai wainzwa ungadai uchinzwawo…
Vose avo vanonzwisisa kusanzwisisa kwako.
Zvino zvezvakuwana nhasi,
Zvinokusiya here?
Ko zvikakusiya,
Zvinokusiya wakaita sei?
Chokwadi chisingaperi chinoshura!
Dhamu kunyapopoma sei rinopwa chete!
Zvino zverakupwira dhamu,
Uchawana pekuhwanda here?
Kana ukasahwanda,
Uchahukwanisa here hutsva hupenyu?
Kana ukapona nguva iyi,
Uchakwanisa kuzvidzosera zvazvanga zviri?
Zvino ukaikundwa tsoro yacho,
Unoti wanatsei- Iwe usina kuteerera?

Kwaunosvipirwa mate,
Ndiko kwaunoda kuenda kunotambira?
Kwaunosekwa,
Ndiko kwaunoda kugarofambira?
Kwaunotukwa nekuzvidzwa,
Ndiko kwaunoda kutsvagira sadza?
Kwaunobirwa,
Ndiko kwaunofamba wakafa nekudhakwa?
Kwaunoda kupondwa,
Ndiko kwaunoda kutengesera wako mubora?
Kwaunoda kunokorwa tsoka,
Ndiko kwaunoda kufambira padhuze?
Chokwadi haunzwi- haunzwisise!
Dai wainzwisisa ungadai uchinzwisiswawo…
Neako matambudziko.
Chiona manje nhasi zvakuwana!

Kunzi enda unotore migomho yemukaka,
Dhi dhi dhi nemigomho mana yemvura!
Kunzi ehoyi changamire…chifudzai mombe,
Rinodoka uri muchikomo cheminzwa…
Uchifudza mbudzi kunyangwe dzambuya Zuva chaidzo!
Zvonzi horayiti… chitibatsira kuverenga vanhu,
Iwe kwanyanu kutanga kuverenga neshangu dzavo!
Asi chinyi nhai- ko chindiurairawo huku zvayo,
Ndipo pandinokuona uchikikiridzana,
Nedemo kuda kutema mhuru!
Kuitawo here ikoko changamire?
Ehoyi chindiimbirawo kambo kamwechete,
Kwaku-kwaku nemashizha kuda kudetemba!
Chokwadi ndazokuonai changamire- hamuzwisise
Dai maizwisisa mungadai musina,
Kuisa ziso renyu muburi repfuti,
Sezvamakaita izvi!

Ehoyi toita kuda kwenyu changamire…
Maramba- kuramba kunzwisisa,
Mukaisa zvitanda munzeve,
Mukati nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
Wazonge wane nyanga munzeve rinhi?
Ko chivhiti-vhiti zvaunacho,
Chausina maziso kani?
Ko mawairesi zvaakatekeshera nemba,
Chausina inzeve kani?
Asi dzako nzeve hadzimboswinyewo,
Ukabvisa ako matanda munzeve uchikwenya?
Ko shamwari zvaunadzo,
Pakashayawo kana mumwechete akambokuyambira?
Ko vabereki zvavaigarotaura wani,
Unoti vaitaura chisionekwi magaro enyoka?
Asi iwe pachezvako haunzwisise here,
Kuti wakurasika, kupinda nzira yenzara
Yemaguta iripo!
Ukati unoiziva here Nzarabwe,
Yaunoda kutamba nayo chisveru-kiye!
Ko zvawazokiiwa waiwewe,
Uchachemera ani akateerera?
Haunzwi- haunzwisise,
Zvino zvazvakuwana nhasi uchaita sei?

Unoda kukwana pese wagova bobojani?
Rega nhasi zvikuwane nekuti unowanza!
Kuda kufamba uchisekedzana nemapere…
Unoti achataura ngano?
Kana kuti ndiwe unotozoita ngano,
Tikaiverenga tese-tese nanaBonderai Mukonde.
Unoda kuzviita mbambo simbi yemugodhi,
Zvino pane paichaperawo zino chete!
Ko zvayadai kusara nevende wani!
Chimbo chinonakidza chichibva munzeve,
Kana chobva mumuromo usiwo…
Chinoita madhisinyongoro- mombe nembudzi mumunda!
Saka aya ndiwo maperero awada kuita?
Kuzviviga uchiri mupenyu?
Zvino vekunyikadzimu vanokutambira here?
Hamheno Zame nedare rake?
Chokwadi kuda kuita rufu rwebonga
Kuchemwa nenhunzi nehonye?
Chokwadi haunzwisise…
Zvino zvazvakuwana uchaita sei?

Pamwe uneako maitiro- hazvizivikanwe!
Zvamazuva ano hazvinzwisisike,
Bvunza waguta kuti tadya nei?
Zvangova zvekurasisana dumbu pahuro chaipo!
Pamwe uneako maitiro akasiyana neatinoziva- hamheno!
Wakazonge washandura ruvara rwemombe rinhi?
Tikabvunza Changamire Dombo vanozviyeuka?
Wakazonge wane masaramusi nemapipi rinhi?
Tikabvunza Mahommad vanozvizivawo here?
Kuti kudaro…handifunge!
Chokwadi nhasi zvakuwanai changamire…

Waizviona Jongwe…padzose tseketsa handiti?
Kuzviita Moze murenje handiti?
Kuzviita tsuro magenga pakugaya handiti?
Zvino zvose izvi zviripi?
Ko zvawarumwa nechekuchera,
Uchakwanisa kuchirumawo here,
Kana kuti ratova rako ronda?
Chokwadi haunzwisise,
Dai wainzwisisa vanonzwisisa,
Kusanzwisisa kwako…
Ungadai wakanzwisiswawo neako matambudziko!

Chitaura- Chitauraka!
Nhasi waigochera pautsi,
Zvino uchaitasei zvazvakuwana kudai?
Zvino uchadyiwa sedemba wakasvinura!
Nenyaya yako yekuda kutamba wega…iyi
Unotamba wega uri kahuku kekurasirirwa?
Zvikomana zvepajecha hazvisi zvikange nani?
Tambawo nevamwe unzwe avo mafungiro,
Handifunge kuti waimbozvitadza izvi!
Chitarisana nechako chekuchera,
Ndakamirirawo changu chekugofa!

MAGUMO!!!





No comments:

Post a Comment