Monday 22 December 2014

CHANGU CHIVHINDIKITI CHESIKANA

Sunday 22 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [8] )
Start: 6:40
End:  7:40
CHANGU CHIVHINDIKITI CHESIKANA

Hama dzangu
Dzangu pfungwa dzinenge kupenga!
Iko kurota ungati ichokwadi…
Vanoti kure kwemeso nzeve dzinonzwa,
Asi ini ndinoti kure kwemeso chiroto chinouya.
Aiwa, zvanhasi zvandigura napamutsipa chaipo!

Chiona zvoitika manje
Chisionekwe mbada kurezva mhuru!
Ko…zvondobatwa mapendekete nacho chivhindikiti
Ini ziro kunyarara nekuvhunduka!
Chodzika choboponora shati yangu…
Ini ndoti chave chii zvakare,
Huku kugotedzana moto nengwena?
Chokwira nekudzika chichitamba…
Naro dzviti rechipfuva changu.
A-ah, hezvo muchikabudura!
A-ah, asi ndiri kutadza kuona,
Kana kutoti ndapindwa nekatanda muziso?
Pamwe kudaro… nokuti
Zvoitwa nechivhindikiti ichi,
Zvondikanga mate,
Rurimi ruchingosara raruvare chairo!
Ukati anomagona kumadiridza here,
Maruva aatanga nawo aya?
Hamheno… rega tione kunodonhera dohwe nedombo!
Aikazve! Naro sango remuviri wangu
Anga azoda kuvhima nguvai?
Hamheno…rega tione kwazvinosvika!
Dzangu mhuka dzovhunduka,
Dzimwe dzoomesa musoro nekuvhunduka!
Dzimwe dzofutisa nekuondesa matama nehasha!
Iya- bvudzi roti roti nyangarara kumira,
Sakiti anayiwa naGukurahundi wemvura.
Hezvo- maziso  piriviri samhiripiri wapachuru…
Rute rongoyerera sezerera ririmunaRute,
Maziso ongopusa-pusa sechembere yoda kurara
Kufema kongova he-e-he-e somunhu ari kugorerwa mweya!
Maoko ongotamba-tamba semuswe wedzvinyu,
Ayowo makumbo ongomira samatanda aFuriramudenga!
Ukati pane chakanaka ipapo?
Chokwadi Jakobo aripinda bako rehupenyu…
Hamheno kuti anoribuda arimupenyu here?
Naiyo nguva yamatsotsi kudai…
Hamheno rega tione kunowira tsvimbo nedohwe- shuwa!

Chivhindikiti chesikana,
Apa chazondikandira kwandarasikira.
Ini ndiye ze-e – ze-e
Nedzungu rokuhwa kuda…
Chiona zvoitika zvino,
Ndabva ndakoka dzangu dzose mhuka,
Kusanganisira dzomusango,
Neimwe yemukatubu kasingaperi kupwa
Kuti tinoponde iyo nyika yaChivhindikiti…

Vakomana kutaura ungati kunyepa,
Kunyepa ungati ichokwadi!
Pandati ndiponde nemhuka yemukatubu…
Chivhindikiti chesikana chabva chatanga kutsakatika…
Zvishoma- nezvishoma…
Kudoedza kutevera nerabhiza simba chairo
Ndokungoita mashangurapata chaiwo!
Pandati ndimire ndimbotore mafemo…
Ndazongonzwa machongwe kukukuridza kukurigo!
Pandati ndione chirikuitika
Ndokuzoti bangazu!
Ndione a-a! Inga nhasi chandiwanira kuhope!

Kwaiva kurota- chokwadi kwaiva kurota…
Handife ndakarara ndakapfeka shati yako futi,
Unozondibatira kuhope zvakare!

Asi mudiwa Chipo ndinokuudza…
Nerimwe zuva gava richadambura musungo,
Rikaita masaramusi- mapipi eJoni chaiwo,
Apo ndichapamba rako dunhu nedzangu mhuka…
Mhuka dzehondo dzinoparadza- kuvaka nekusunganidza hukama!
Uhwo hwatinahwo…pahukama hwedu.

MAGUMO!!!   




No comments:

Post a Comment