Monday 22 December 2014

Rudo Mudiwa Rudo

Sunday 21 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [14] )
Time [3 minutes 4 seconds]
RUDO MUDIWA RUDO

Rudo mudiwa Rudo!
Ndakakuwana zvine chido chinenge zvido,
Ukandipa rudo
Kwete rwemakondo kana makudo,
Asi rudo rune chido!

Rudo runodzinga chando,
Hosha kana shanje!

Shonga Murenje,
Nyati mwana waMuchenje!

Chengerai imi vanaChenge,
Nemi vana vanaVengi
Pane wangu mutongi
Kwete wemadhongi- Aiwa
Asi mutongi wemoyo nerudo rwangu!

PachokwadI… mutongwi achava ini!
Ndakamuona ini
Ndikamufadza ini
Kumukanda shoko ini
Zvose nekumuda ini, kwete imi!

Saka pamunokwana ndepapi- ipapa?
Enyu maziso haaone here,
Kuti vaviri-vaviri muareka yaNowa?

Ndini Mudzinganiswanembwa
Ndini Mutsvagakumisaimba
Ndini mukoma waDhimba
Akazvarwa aine simba, asina mimba!

Semi twumadhara twepajecha,
Twusingade kuona panomera rudo!
Twumadhara tweshusho,
Twunetwudumbu twunoshungurudza vakuru zvavo!

Ndiwe Mudzimbanhete wangu
Ndiwe Mugaranezvinhuzvangu
Rudo Mudiwa Rudo!
Changu Chipo chinenge zvipo!

Kwete zvipoko, asi zvipo zvisere
Muchengeti wehupenyu wangu chaiye-iye,
Ane rudo ruzere,
Nembatya dzizere,
Dzinematafu-tanana enyama!
Asingandipe munyama, bodo
Asi anondifungisa ngirozi dzedenga
…. Dziri pano pasi!

Ndinokuda mudiwa ndinokuda
Chiso zvose nemoyo
Mutumbi usina kana mutoro
Asi chitoro chechivhindikiti chemwana
Chisingatyisi vana kwete
Asi chinondisiya ndine han’ya nehavi!

Rudo mudiwa Rudo
Ndinokuda mudiwa Rudo
Wangu moyo waperera
Pauri Rudo mudiwa!
Chokwadi ndiwe wangu Rudo
Wandinoda Rudo mudiwa Rudo!


MAGUMO


No comments:

Post a Comment