Tuesday 30 December 2014

Zvikomana Zvapajecha

Saturday 27 December 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [9] )
Start: 18:00
End: 19:10
ZVIKOMANA ZVAPAJECHA

Ndauya nazvo zvikomana zvapajecha,
Vapfanhya vepaghetto- shura reshura chairo.
Chiona zvikomana zvacho ungati makudomana chaiwo!
Hiriri-hiriri nemugwagwa,
Ungati makudo ari kuhiriridza mugomo.
Tsviyo- tsviyo muridzo,
Ungati magora ari kurwirana mushakabvu…
Kuri kuda kuedza kuvaraidzika,
Imo munyika ine zviguswa zvinoshungurudza.
Zvinenge zviri zvimhandara zvinenge zvakateiwa ipapo,
Tsvarakadenga, vanaku kana zvifotofoto…
Zvinenge zvirimo mudariro
Chiona zvikomana kusagadzikana,
Ungati makudo ari kutamba chikudo,
Mugomo remandiriri chairo!
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Zvimwe zvinenge zvakapfeka masutu,
Zvichiti zvirikubva kubasa!
Zvimwe zvinenge zvichingotevedzana,
Nepfuma yamadzibaba hanzi ndini mugari wenhaka!
Zvimwe zvinenge zvichinyemwerera,
Nemari yekutsvaga,
Kuri kutsvaga raramo munyika yaZame!
Zvimwe zvinenge zvichirarama neshoko raZame!
Kurarama seshiri-mangwana Zame ndiye anoona!
Zvimwe zvinenge zvinematama,
Nekutumidzirwa iro dhora navashavi,
Vakamedzwa nematama enyika.
Zvose zvikomana izvi zvinenge zvirimo mujecha!
Zviri pamudungwe kutsvaga mukadzi,
Uye anozova amai vevana,
Mutovi wemwoyo pamarwadzo
Ane izwi rinopodza maronda api zvawo.
Chiona herere-herere,
Kumhanyisana kwezvikomana zvapajecha,
Ungati iherere-herere mugomo rengoda,
Zvikomana zvichimhanyira pazvinokwana chaipo.
Ndati ndikuudzei ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Chiona kupfungaidzwa kunoitwa mbanje ipapo,
Chiona kudutirwa kunoitwa doro ipapo,
Ungati chikomana chinoda kubatidza moto mudumbu!
Zvinonamata chiona- Mwari itai sekuda kwenyu!
Apawo vanaMatemba vanopira wavo mudzimu,
Vachitenda chipo chekurarama,
Vachiti vasharukwa vapfuudze basa mberi!
Kamumbumurirwo kanoitwa bute ipapo,
Ungati paputika chimbambaira cheGaza chaicho.
Vamwe ndivo vanenge vachingozwira nhamo kure
Vakafetefeteka mudzavo mhando dzemotokari.
Zvose izvi zvinenge zvichiitika paJecha,
Chokwadi ndati ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Ndeipi nzira yaunoziva
Isingazive musuwo wepamharadzano?
Kana iripo- pamwe kuhope chaiko!
Nyaya ndiyo imwechete… kutsvaga mhodzi yepamwoyo!
Unonzwa ndimi dzakasiyanasiyana,
Dzichishandiswa kuedza kutora mwoyo wezvimhandara.
Dzichishandiswa kuedza kutora mwoyo wezvimhandara.
Chiona mapisha-pisha anoitika ipapo…
Hazvisi nyore sekusima mbambaira,
Asi zvakaoma sekudya sadza nechibhakera!
Zvimwe ndizvo zvinobviswa hurume hwose,
Kuri kunyadziswa paruzhinji,
Savabhoki vanongonzi pfutseke kunyangwe napamuchato chaipo,
Zvimwe ndizvo zvinomhanyiswa nembwa nematemo,
Zvoda kukwana kwana- gonye pamukoko wenyuchi.
Zvimwe ndizvo zvinobvisana chirikumeso,
Nenhau yekuda kukohwa mbeu imwechete!
Zvimwe ndizvo zvinosungiswa kumapurisa,
Hanzi abhinya mwana wedu.
Ipfumvu chaiyo pajecha,
Ko kana vachidanana?
Vaviri ndivo vanozivana!
Rimwe rudhende- kuda kuroverana pachipikiri chete!
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha…

Mbada haina ruvara rumwechete,
Inototi iwane maviri kana matatu!
Zvimwe ndizvo zvisinganetsekane nekupfimba,
Kupfimba kwazviri kwakafanana nekutimba musuwa wesadza!
Zvimwe kupfimba mutambo wazvo chaiwo,
Kuruza kwazvo ndiko kuwana kwazvo.
Zvimwe ndizvo zvinongengerwa,
Handizive kuti kuita hunhu hwenhuta,
Kana kuti kuchengetedza tarenda wapihwa zambuko!
Zvimwe ndizvo zvinotoitwa zvekupfimbwa,
Kazhinji nekuda kwezviwanikwa.
Inga igaroziva chine zviguri zvikuru ndechepachuru!
Munhu kuvhunduka bete pane chaaona.
Ndati ndikuudzei ndauya nazvo zvikomana zvapajecha!

Wati panoungana zvikomana,
Chii chinotaurwa? Nechii zvakare?
Vamwe ndivo vanofutana,
Kurohwa kwadhimba ari pamapfunde.
Unonzwa zvonzi chawakadya chakupfukira!
Kuita zvekutswanywa neriva chaiko.
Zvinyoro zvikomana zvinongotambira yazvo nyaya.
Zvimwe zvinoti aiwa aiwa kwatiri
Tinomadya namakanda acho!
Zvimwe zvinokubvunza- wakambotswanya nzou neriva?
Usati chiri kutamba chikomana,
Haufe wakaona chiso chake zvakare!
Vamwe ndivo vanokurirana- sora nechibage,
Toda kuona anotunga  raZame denga,
Kuri kutizisana kubva kuhupenyu hwevabereki!
Poto inochaiwa sepoto,
Zvinenge zvafonyora zvikomana zvapajecha!
Vamwe ndivo vanoparadzana nevabereki zvakanaka,
Roora- Muchato- kuvaka mhuri.
Isu vana Arikanjera torwadziwa zvedu matadza,
Nekutsenga  nyama- kuzoti doro hautaure!
Ndiwo maitiro edu zvikomana zvapajecha.
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapajecha.

Zvose izvi tinozvironga tiri pedu padare,
Tinozvironga mukurairwa nevedu vabereki,
Tinozvironga mukupanana edu mazano,
Tinozvironga mukuona vamwe,
Tinozvironga mukukura kwedu,
Tinozvironga mukurotswa nevasharukwa,
Tinozvironga mukunzwirwa nyasha naZame,
Uye wekuzadzisa zhinangwa chehupenyu!

Kupfimba vasikana nanamai
Kwatiri kufamba wakapfeka bhurugwa raunoda!
Kurambwa navanhu ava,
Chijairira chisingadzimbe moyo
Kusangana nehonye muzhanje!
Kudiwa nevanhu ava,
Chiitikwa zuva kupinda mumakore!
Kuvaka musha navanhu ava
Chinangwa chewese murume,
Kupfirira imba naihwo huswa hunehuremu.
Kunetsana navo vanhu ava,
Kurangarira edu meso meso,
Asingagutsikane nezvaanoona!
Kugarisana navo vanhu ava,
Kuva neropa rinoenderana nechipo rerudo!
Uye kubvisa bhachi rehukomana
Uchipfeka jasi rehurume.
Zvose izvi zvinoitika pedu pajecha.
Ndati ndikuudzei- ndauya nazvo zvikomana zvapachecha!

Pedu pajecha tinotandara tose
Vose vanozviti varume pavarume tinosangana padare.
Tichipanana edu mafungiro,
Nekunatsana muedu magariro,
Sezvo tiri makudo egomo rimwe.
Vanotiona ndivo vasingatinzwisise,
Asi isu tinovanzwisisa,
Kana mafungiro avo tinoaziva,
Vachatiziva chete nerimwe gore,
Isu zvikomana zvapajecha.



MAGUMO!!!



No comments:

Post a Comment