Tuesday 4 November 2014

HERE-HERE NDOVE?

Monday 3 November 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [12] )
Start: 19:45
Here-here Ndove?
Chakava chijairira
Rutsoka rwechimbuzi
Apo takapedzisira tonzi vanaMbare
Muguta guru reHarare…
Kana nekwedu kwataibva kuNorton,
Kwaiva kufambira chinhu chimwe
Semasvosve epachuru chimwe!
Rakava Dhobhu, vamwe vakati Maherbs
Rimwe rikati Ngayaya, imwe ikati Bonza
Mumwe akati Weed, ini ndikati Mbanje!
Yaive mbanje yakanga yanditenderedza musoro…
Sevhiri rechikochikari chamadhongi!

Richibuda munamai varo…
Waisariona zuva
Kuri kunamana kwemaziso!
Kuvhura maziso yaive hondo nembambo
Kunge kuvhura gonhi rehozi!
Maziso achingova boi-boi…
Ungati ihuku yadzipwa negwere!
Kuenda kunogeza…
Kwainge kuyambuka Jorodhani ramakarwe…
Kuri kutya mvura!
Musoro wainzwa kidi kidi- wiwiwi-i
Kuri kutema nekutenderera!
Chiso chamai chaimboreba…
Baba vachimbopfupika…
Apo sisi vaingosekaseka!
Kudoedza kusvetukira pamubhedha…
Waiita mahwekwe nepasi paMwari
Watizwa nawo mubhedha!
Kudoedza kuterera wairesi
Wainzwa zvimwezvo wiriri-wiriri
Ndiko kwaiva kupengeswa nehutsi hwembanje!

Yakasvika nguva yandakakundwa tsoro nembanje…
Kwaiva kumukira mbanje
Kugeza nekuzora mbanje
Kudya nekumwa mbanje
Kuswerera nekurarira mbanje…
Takava hove nembura naVaMbanje
Shoka neshangu
Chibhakera chembanje neangu marwadzo
Chikabudura nechiuno chaicho naVaMbanje!
Kusvika rimwe zuva…
Zuva parakaora!

Rume rendebvu nechidumbu,
Rakanga razvara mwana anebaravara!
Kudoedza pano neapo dhobhu hapana…
Uko nekoko bonza hapana…
Uku kwakava kubatiswa kubatiswa marasha,
Wakasungirirwa makumbo muydenga!
Nokuti zvakandiomera…
Sekutungira shinda murima!
Kudoedza panp neapo…
Zvichinzi hatina-hatina-hatina!

Rakati rasvika zuva
Takaudzwa nezveMbare…
Guta ravatema- musika wenyika!
Mbare ukava musha wedu kutsvaga dhobhu!
Kungoswinywa- sinywa…
Kwaiva kumhanyira kuMbare!
Kunanairwa-nanairwa…
Kwaiva kumhanyira kuMbare!
Takadekara tikafara naVaMbare!

Asi Pfumvu akati unonyepa…
Dzakati dzapera mbanje!
Chanezuro nehope
Chikati chadzoka!
Hupenyu hwangu…
Hwakava hurubvu-rubvu
Sadza ramatoki!
Apo ndakapererwa nezvekuita!
Neshamwari yangu Tsomondo!

Jazzman mbare akaona zvingamunetse…
Akangoti ane zani ndeane rake,
Remumwe rinopaza zvirongwa!
Chokwadi chiri mumoyo, chiri muninga!
Akati atanga kugadzira dzake mbanje…
Dzaaiti kana munhu akatenga oti
‘Iri igiredhi usadherere, plus usadzoke kana wakuvhuvha!’
Iyo yaiva tsvina…
Yakakanyaniswa nemashizha emupopo…
Nechidodo chishoma-shoma!
Zvinani vamupurisa?
Vanhu vakamhanyidzana…
Kunge vachavhunika makumbo…
Kuri kuenda kumba kwaJazzman Mbare!
Zvinaniko! Nesuwo vanaDhumbuzhwa,
Takavawo miswe pakutevera vatenzi mbeva!

Asi mabasa aMwari mufunge?
Anotozvishamisirawo havo…
Uku ndiko kwakataurwa pasi chigare chaiko,
Kupona nemavende emvuu chaiko!

Mukuenda, kutenga nekudzokera
Takanga takateiwa sembeva nemapurisa!
Kuitwa buda nditswanye chaiye!

Tichiti svikei kumba…
Tikati regai tirikakate
Redu rekwaJazzman Mbare!
Takati tarikweva tarikweva
Kaviri, katatu kanenge kashanu…
Tinzwe haikona kutaura,
Kunhuwa kwayo ndove!
Kusviteerera hatina…
Tikati kuvhuvha kuye kwaiva kwataurwa naJazzman.
Tikati tikwevezve…tichiti kweveyi
Tikanzwa ‘Mapurisa! Masungwa!’
Kudoedza kutiza..
Mazino ejeri akanga atotiruma maoko!

Nechemumoyo ndakarohwa nehana!
Zvekuti ndakavhunduka kunge munhu…
Awirwa nenyoka musoro!
Apo maziso ndakanga ndangova
Boi-boi, imbwa yadzipwa nesahwa!
Asi chakava chishamiso,
Dhimba kumedza nzou
Patakaona mapurisa oseka!
Takakatanurwa simbi…
Mapurisa ndokuramba achiseka
Apo akatidzosera mbanje yedu.
Pava-paye varume vadembuka
Ura nekuseka ndokuzonzi…
‘Nyangwe kupenga kwacho,
Varume vasvinu-svinu vakadayi
Vangapute ndove yemunhu?’

Maihweeeeeee ndakamhanya!
Ndikakwesha mazino chose!
Zvekutoti nanhasi ndichiri kuakwesha…
Kashanu kana kanonwe pazuva!
Kuri kuda kuedza kudzinga mweya wendove!

Jazzman! Jazzman! Jazzman!
Hiya wakandigona…nemukoma wako Mbare!
Uku ndiko kukorobheswa dhamhu remvura nerurimi chaiko!
Kuridziswa ngoma nezvitsitsinho chaiko!
Kuwachiswa nhumbi dzisingaome chaiko!
Here- here ndove vakomana?

MAGUMO: 20:45

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)






No comments:

Post a Comment