Saturday 25 October 2014

HWAHWA MUMWE WANGU

Saturday 25 October 2014
Written: 2009 ( Nzarabwe [7] )
Start: 3:45
HWAHWA MUMWE WANGU
Mhorozve hwahwa!
Mhamba donhodzo remoyo wangu.
Waiti zvandakakusiya, wangu moyo wakakusiya?
Kana zvirizvo nhasi wairasa!
Nhasi ndiri kukugarira pachipfuva chaipo,
Haikona hako kutya,
Nhasi ndichakutsvoda-tsvoda kusvika wakupisa.
Ndafara kukuona shamwari hwahwa
Asi unoti ukachema ndichakusiya?
Zvino bodo- ndichakupukuta,
Ndigokutsvoda-tsvoda kako kamuromo kapfumbu,
Semunhenga wachapungu- usingadonhe pasi.

Ihe-e hede. H’ya-a wairasa sahwira
Setsono yadonhera mujecha,
Nokuti nhasi ndichakushapira kusvika wasara waShapiro…
Ndokubata nepaiko nhai iwe shamwari?
Nepahuro here?
Napamuchiuno here?
Kana naipo pagadziko pako chaipo,
Kuti ushaye kwekutiza nako,
ndinyatsowane kukukokota wese,
uchiri kubuditsa musodzi nemufaro kudai.
Pasare pasina kana kadonhwe kemusodzi wako.

Pfushii-e. H’ya-a ndaukodobora muromo wako
O-ona hede! Ukasha kubuda mumuromo,
Kunge twuutsi twekasipiti…
Ndinokudzvuta chete,
ndigokududa wese,
kusvika wapera wese,
kusvika wapera sahwi,
rongosara iro dehenya rako risisina chinhu.

Hongu ndizvo chaizvo sahwira,
nyatsodzikai henyu makadzikama.
Nyatsopindai henyu mumatadza,
Siyayi mamusuka samare,
Nyatsopindai nemukati memazino,
Musiye changova chando chega-chega.
Rurimi siyayi mamudzimaidza,
Nerenyu donhodzao romuviri.
Heya! Napo paVaGurokuro,
Vasiyeyi mavadzimaidza,
Richingova dzungu chete-chete!
Ehekaka dzikai henyu changamire!
Rovai matumbu ose,
Nezvose zviri munzira yemudumbu,
Kusvika kwangova kuuna-una chete!

Yowe! Kupiswa mudumbu
Hiya! Apa wazondironda sahwira wangu.
Kuitwa hwekumonywa- monywa,
Semutsipa wenkuku,
Apa wandibaira kusionekwi sahwira wangu.
Maziso angova rembu-rembu rare-rare saVadahwa,
 Siriri richingova siriri-siriri
SaVaBere vaona chitunha chemhembwe.
Kumira yangova dzedzere-dzedzere pasi pu!
Kutaura yangova nda, nda nda nda, nda ndanda nda
Kuri kutadza kutaura.
Ko zvanga zvauya rinhi,
Vanhu vanga vachitamba vese zvakanaka?
Ko kutsiva chitema ndokunei?
Inga zvinonzi akupa mbama mupe rimwe dama!

Ha-a sahwira nyaya yacho yakaoma.
Ndatenda hangu mukomana dzako hasha,
Ishasha chaidzo sarwaivhi asingasiye chaaruma.
Chindisiyawo shamwari ndapfidza,
Dzangu pfungwa angova matende-tendere kutenderera.
Ndazviona nhasi wauya wakashatirwa kwazvo,
Chipukuta misodzi iyo ichiri kungodzika,
Shamwari ndiregererewo ndapfidza,
Handichakutokonye zvakare,
Sezvo hukasha hwako, huri kuenda nakuenda saSave.

Aiwa zvaitwa, zvaitwa shamwari
Sahwira wepedyo ndadzidza,
Mukawo hapasisina,
Kana iyo huro nhasi yapfidza.
Rangova furo chete!
Ndichakusiya shamwari kunyangwe uchichema,
Shamwari ndichakusiya…
Ndazviona haudi kuitirwa mukawo,
Mukawo pasi, pasi namakaro!

Aiwa wandigona shamwari!
Changu chiso hauchachione zvakare,
Kamuroyi keshamwari,
Ndosva ndatizira zvangu kuna tsvutugadzike!

Mudzika pasina kutya,
Mufamba nevamwe pahuro,
Mupedza nyota,
Muhaku-munaku wamangwanani,
Kana manheru pachingezi…

Handichatambe newe futi bhora,
Ndazviona unobirira- unowedzera vamwe vatambi!
Ndikakuona uri wega,
Handisweropedze nguva ndichikuongorora…

Ndichakutiza zvisina mukare akamboona,
Asi ziva kuti pandichakuwanikidza,
Nedzangu shamwari ndichakududa wese,
Kusara wangova zidemhe- ngoma yamachawa chaiyo!

MAGUMO: 4:32

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)





  

No comments:

Post a Comment