Tuesday 28 October 2014

INI HUKU MUTORWA

Monday 28 October 2014
Written: 2007 ( Nzarabwe [1] )
Start: 17:05
INI HUKU MUTORWA
Ndini zvangu Huku,
Nkuku pachirudzi,
Mutsikanenzondora,
Muhwandachando nemanhenga,
Kubuda kwaro zuva vanondiziva!
Shamwari yemunhu pakumuka,
Asi iye munhu achindisema?
Sechitubu chechimbuzi,
Naiwo maitiro ake!

Richingoti vhuu-u zuva kubuda
Ndinomumutsa munhu,
Asi iye anenge bofu kusazviona!
Chaanoona chete,
Chikafu chake nekuziva kuenda kuchimbuzi,
Ini ndakangoti hwaradada,
Muromo wakaoma nenzara!
Kudoedza kuti kuno-kuno-kuno
Haanzwi kana kamwe chete!
Unonzwa zvonzi,
‘Huku dzinoonererwa, kumuka neruzha kwauyeyi?’
Kana donhwe remvura chairo haurione!

Pava paye, aenda kuchimbuzi
Kaviri kana katatu,
Unonzwa roti dhi-dhi-dhi…
Kuritaira kwandiri
Panguva iyoyo, ndaziya zvangu nenzara
Apo ndinenge ndangova chitsumwa, kutsumwaira nenzara,
Wonzwa zvonzi,
‘Asi huku dziri kurwara here?’
Hubenzi wacho, kuzvibvunza ega,
Anofunga kuti anodairwa nani?
Kana achifunga ini,
Ini handitambe naye!
Kunge kundinzwa…
Unonzwa zvonzi
‘Usadzipe chakawanda chikafu dzinorasa’
Ini zvangu Mufanenzara, kurasa chikafu ini?
Inga chinopenga chisikwa chaMwari ichi!
Manje chikafu chacho ndinongoti,
Nyobvo-nyobvo, nokuti chinenge chekukonorerwa…
Zvino ndichachigadzirisa chete chisikwabonga ichi!

Shamwari dzangu padzinopfuura
Dzichiendeswa kumusika  
Dzinopfuura dzichindichiva, kuti ndigere
Nokuda kwezimufete-fete remba ravanoona
Apo dzinofunga, ndizvo zvimwezvo neyangu imba!
Asi pota kuseri uone!
Kachirugu kezenge nemaplastic…
Kuita kunge kachadonha
Negosoro rembwa!
Kudoedza kuti, ndivakireiwo imba
Unonzwa zvonzi,
‘Tinofanira kuwedzera matanda nemaplastic’
Kuitawo here ikoko?
Nemusvetu iwowo,
Ndichamugadzirisa chete munhu!

Rimwe zuva unonzwa zvonzi,
‘Ita mazai, ita mazai
Ita manyowa, ita manyowa’
Anofunga kuti twuchikafu twake itwotwo…
Twunopfuura pahuro here?
Rimwe zuva azvifunga anondinyima chikafu
Ini ndomwa supu yeropa rangu, nenzara
Wonzwa zvonzi
‘Wadzyirei mazai- wadyirei mazai’
Kwachu muromo, piswe!
Hona nhasi handisisina mazino,
Ndanechirurimi, uye haachandinzwi
Zvongonzi ‘Rine ruzha iro, rine ruzha’

Anopenga mpfanha uyu!
Ukati akaenda kuchikoro here iyeyu?
Ngaabvunze isu takadya maB
Tikaita mutserendende pamaA
Uye muzerere pamaC.
Angati, ‘Wadyirei mazai?’
Haazive here kuti paBiology
Muzai imomo munenge musina chinhu?
Isu tinenge tatozvicalculeta kare…
Anofunga kuti ndiri benzi saye?
Kuchekeresa mwana, nenyaya yeutsinye?
Chokwadi munhu- anondinhuhwira!
Ndofunga munhu- Chidimbu chezita rako…
Munhuwi- Uri munhuwi chaiwo…
Munhu unondinhuhwira iwe!

Ini handina kuypusa sewe,
Ndosva ndadyiwa nebonga panewe!
Nokuti zvose zvaunoita ndinozviziva…

Mwedzi wakapera, wakanyengetedza
Sisi vangu netwugwere
Ndokuvavhunira musoro, kuseri kwechikwenzi
Ukadya neshamwari yako ‘Banda’
Uya akazofa nemuchetura nenyaya yemakaro!
Vhiki rakapera, ukatora bhudhi JOE-JONGWE
Nenyaya yemakaro, ukaita zvimwezvo!

Zvino kana wakateya ini,
Wazvirasira dhora rako murwizi!
Ndoda kutanga nekusakandira…
Ndozvinyima zvekudya kuti ndisaite manyowa
Ndapedzazvo ndozopoya muchirugu chako,
Chinemabhuri anenge mavende echimwana chemvana kudaro…

Haufi wakandionafuti-munhu
Nhinhi, munhuwi wemunhu, Nhinhi
Haufi wakandionafuti,
Ndichakugarisa papfumo
Usinabhurugwa
Nairoro zuva, Ndichakugadzirisa
Munhu-wi wemunhu-Munhu!

MAGUMO: 17:50

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)







4 comments: