Friday 31 October 2014

WAIGOCHERA PAUTSI MPFANHA

Saturday 1 November 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [2] )
Start: 1:14
Waigochera pautsi Mpfanha
Hiya! Nhasi waigochera pautsi…
Kuita kudhonza shumba nemuswe wayo chaiko…
Uchida kuityisidzira nemazino ehuku…
Anooneka yakavhara muromo chete
Yavhura muromo- vakuru vezivende chaivo!

Nhasi waita mahwekwe nezvigure
Wakabata tsvarapasi yehuku
Uchataura kuti huku yese waiviga kupi!
Nhasi waita rombo rakashata
Kurumwa nenyuchi mumuti
Pasi paine shumba nhatu
Dzirikudya yechina nenzara!

Nhasi uchataura chakatadzisa gudo kutsvuka
Iro rakatsvuka ose magadziko!
Nhasi uchataura chakatadzisa bhoki kuseka
Kunyina nekuumburuka sedhongi Vachigona!
Nhasi uchataura chakatadzisa dhimba kumhanya
Iye makumbo ekumhanyisa ainawo!
Nhasi uchataura chirikunditadzisa kukuzhagada
Ini ndakadai zvangu kukutarisa!

Ukati wako mudzimu unokuda?
Chokwadi…kukusakidzira pachoto usina shashiko!
Chokwadi kukudhonzera musoro wako
Mumukanwa wengwena, iro rino gore renzara rakadai?
Chokwadi  kukutakurisa mugomo wemvura
Nehakata yerovambira kuita here ikoko?
Hamheno- pamwe unokuda!
Nokuti kupera kwezuva ranhasi…
Uchange wakufara kunyikadzimu mukomana!

Zvandakuona kudai zvanaka!
Ndicharisvina rangu bundu…
Kuti svi-svi-svi
Kusara pasina kana katsvina…
Mukati mewangu mwoyo!
Nhasi ndichambosendekawo iri zidombo
Rangarakaremedza angu mafudzi!
Nhasi ndichambobwiswawo misodzi pamatama…
Neako maoko embavha asingagone kuzvishandira
Zvimwe ungashandewo… ukabuditsawo rako ziya!

Ukati unonyatsondiziva mushe here mukomana?
Chokwadi haundiziveba mukomana!
Wakandionera mubhodhoro chaimo mukomana
Kana kuti waita zvekundidongorera…
Napamaburi etswanda chaiwo mukomana!
Zvino nhasi uchandiona…kuti
Ndakabva kuvakafa chaiko mukomana!
Dzangaradzimu-chipoko-chidhoma chaicho mukomana!
Mubati nemudyi wechinonhuwa…chaiye mukomana!
Haaaaaa wairasa mukomana- mukomana wairasa!

Nhasi ndirikuda kukuonesa magaro enyoka
Wapedza ndokutuma kunotsvaga bhonzo renhunzi
Ndakamirira kuti undiigire nyanga yebete!
Asi usati waita zvose izvozvo…
Unenge watanga wazvirova mambama neako makumbo!
Ndisati ndakubata neangu mapazi emaoko
Anorova mbama inodzinga shiri dzose mugomo…
Dzichimhanyira mumatendere adzo ebani
Dzofunga kuti nguva yehondo yatanga zvakare!

Nhasi ndichakupeta-peta…
Ndokupfekedza mumwena wamasvosve
Ndokunge ndakunzwira tsitsi!
Asi ndikafunga ndichakupfekedza pfumo rangu…
Mumuromo wako…richinobudikira kwazvakarehwa!
Ndozongokusiya ndakagadzika pfumo racho pachoto…
Zvese new eusina nguwo!
Kana ndazoda kukuitira hutsinye…
Ndichazviuraya ndapedza kukuuraya
Kuti usazonditiza kunyikadzimu!
Ndoda kusvikirana newe kunyikadzimu…
Kuti titangire patakasiira
Semuverengi webhuku rinotyisa!

Shuwa ungandibire******* rangu iwewe (Toki)?  
Very silly mpfanha iwewe!
Nhasi waigochera pamoto mukomana!
Nhasi ndoda kukudzidzisa…
Kutanga wafunga usati waita!
Waigochera pautsi mukomana…
Yako nyama yawakadai…
Kubuditsira ziso!

MAGUMO: 1:57

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)



No comments:

Post a Comment