Thursday 30 October 2014

WASHAYA MPFANHA

Friday 31 October 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [4] )
Start: 00:25
WASHAYA MPFANHA
Washaya zvekuita handiti!
Kuteedzana nenhetembo dzangu…
Kutanga na‘Mumwe wangu hwahwa’
Kusvika ikozvino panana ‘Ko wandikanganwireiko Zimbabwe’
Ukati ‘Ini huku mutorwa’ hausi wakutoidetemba nemuridzo?
Kuzoti ‘Waigochera pautsi mpfanha’
Ndofunga wakutoidetemba nemhino chaidzo!

Asi unofunga kuti handinetewo here?
Kunyangwe dhonza, inga rinonetawo wani!
Horaiti…chimbondipawo zvekunyora zvacho…haudi!
Ukati zita rako repiri haunzi ‘kiti’ here iwewe?
Chaunoramba uchipenengurira mapeji erangu bhuku chii?
Unofunga kuti unowana dzimwe nhetembo here?
Dzichibvepi? Asi unoti ndiri svikiro rinonyutsa zvinhu?
Hamheno! Asi unondishamisa mpfanha iwewe…
Kubva kumba kwenyu kwese uko,
Mazuva ese uchiuya kuzotarisa
Kuti hakuna dzimwe nhetembo dzinyowani?
Asi hauna ako maoko kani?
Ko zvaunenge une mapango emaoko wani?
Ukati dzako tsoka hadzisati dzapera?
Kana kuti unedehwe chairo pasi petsoka- pamwe?

Ko inga dhunge-tunge resoro unaro wani…
Rakazvimbira mativi ese sebhazi rekwaMatemba!
Ko zvino makazara mvura chete here- hamheno?
Saka chaunofungawo chii- hamheno?
Kutadzawo kufunga kangano,
Wonyora zvinenge zvapindamo mudzoro rako…
Chokwadi unoshaya mpfanha iwewe,
Kushaya zvekuita chaiko!

Ha-aya, mushamisi wavashamisi chaivo!
Ha-aya, wazoshaya zvekuita manje…
Basa ndiro rimwe chete,
Rekupenengura pfungwa dzangu!
Unondipenengura ndagova bete
Rakahwanda pasi pegoko renzungu
Richidyz kafufu kechingwa kani?

Unonzwa rakumakwa bhuku…
Nemurairidzi-chiona zvibodzwa zvinoiswapo!
Ha-a ‘Here- here ndove, Gehena naIni huku…’
Ndidzo dzinonakidza!
Ko iwe dzako dzawakanyora ndedzipi?
Daira demba padare ramakarwe!
Kunyangwe ndikanyora ‘Hesi musikana’
Ndogumira ipapo- ndini!
Ko dzako dzawakanyora ndedzipi?
Aiwa ndakuomesera!
Ko rako izwi kana vara rawakanyora nderipi- hapana?
Kana kuti pedzesa yangu yandagumira panzira- haugoni?
Maziso boi-boi kunditarisa!

Nyon’onyon’o manyon’orosi enyon’orosi!
Ndizvo zvaunogona kutaura chete!
Hanzi ‘Washaya- washaya-washaya mpfanha’
Semaonero angu pandinoshayira,
Ndipowo…pandinotangira kuwanira mufunge!

Chokwadi washaya zvekuita mpfanha
Washaya, washaya- washaya!
Paneni haukwane bhurugwa mpfanha!
Waita mutete- mutete, mutete mupfupi chaiye!

Dai taiva motokari
Iwe ungadai uri bhamba datya…
Ini ndiri Prado chaiyo!   
Dai taiva mhuka chaidzo
Iwe ungadai uri kadhimba chaiko…
Ini ndiri vedu Samanyanga nzou chaivo!
Uri kuzvinzwa here mpfanha?
Daiu taiva mhuka dzine rakagwamba ropa
Iwe ungadai uri dzvinyu…
Ini ndiri shato chaiyo!

Wazviona mpfanha…
Usashaye zvekuita uchidaro- wazvinzwa?
Chausinganzwisisi, pfonyera muromo munhino…
Wozobuditsa wapako wega!
Nokuti ungaputikirwe nechimbambaira chezvigure!

Inga hausi mhetamakumbo wani…
Nhabvu wambozama here?
Kana tsiva chaidzo?
Sezvo mapango emaoko uinawo!
Ukati hauswinywe nemagaro here iwewe?
Nokuti kamufambiro kako aka mpfanha…
Ndekekubatirwa pfuti chaiko!

Aiwa mpfanha- usati kutukwa kwete
Asi kungoshayawo, sekushayawo kwako!
Kwaunongoita paunotaura zvaunoda nenhetembo dzangu…
Paunodzipikisa nekudzipikisinura!
Paunodziponda- dzichikupondawo sazvinoizvi!
Asi unondishamisa wena…
Rega rega raMwari uchingouya kuzoropodza
Padzangu nhetembo- nepasingade kuropodza pese!

Zvisinei hazvo, tiri shiri…
Dzemudendere rimwe chete!
Pakushaya, uko kushaya zvekuita!
Nerimwe zuva tichawanawo zvekuita
Takamirira kuwanikwa nenguva handiti?
Saka ita zvako zvaunoita…
Zvinondipa mamwe mazano mudehenya rangu
Handiti?

MAGUMO: 01:08

By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)




No comments:

Post a Comment