Thursday 5 February 2015

DHENDE RENYU: MATEHWE ANGU

Thursday 5 February 2015

Written By: VaChikepe: The Poet
Collection: Gutabwe [5]


DHENDE RENYU: MATEHWE ANGU


Zvakanyorwa- tikazviverenga
Tikadzima…tikanyora zvedu tega
Zvatakaverenga nekuvandurudza!
Isu hatifambe zvechimombemombe…
Asi tinonzvera raramo…!

Hakuna sango ratinotya
Hatina sango ratinozesa
Hatina sango risina sango
Zvesango izvi ndozvedu chaizvo
Tichipindira takachonjomara
Takabata miseve
Tichiroverera kajaivhi
Izvi!
Matehwe mudenga
Takurai matende munonge mari
Khumalo, mundevere
Hazvisirizvo here zvidhende zvekwenyu izvi?
“Hooo izvi…matehwe edu aya
Totomagarira nekutomararira aya
Tatokanganwa kuti takambodya nyama
Ndopatinozoti….a komatehwe aripi
Ndifuge gudza rangu iri zvakanaka!
Ndoamunochema nawo aya?
Ndizvo zvinokushungurudza izvi?
Haisi nyaya kwatiri isu”
Vanodaro mambo ava…
Madhende aya…
Madhende aya!

Pakadaro- unonzwa sei
Pawasvika papapi manje?
Uri pazasi pakadzika sei
Hausi kuwira pasi here
Pane panokwanisa
Ku
Ku
Ga
Mha here?

Munenge muri mupoto ipapo
Uri mukati madzo pfungwa
Chakachaya panzwisiso
Hondo yakabaka
Icho chakatochaya!
Murarami achiti ndinobuda chete
Muteyi achiti tsika uone
Gumbo ndakateya kare!
Munhu achimhanya nehupenyu hwake…

Ndopaunovanzwa zvakare vachiti
“A….aya, ndomatehwe edu manje…
Totofamba takamapfeka aya
Tosweara nawo awa…
Totamba nawo aya!
Ndoraunochemera dehwe?
Isu tinamahwe….
Akawanda…ndeedu aya!
Matehwe tinawo ari patiri
Asi isusu hatisi pamatehwe!

Pakadai…
Ndipo unonzwa pfungwa dzichidzoka
Zvinyoronyoro dzichifefetera
Pakadai twundebvu unotwudhonza
Kana pahuma apa…
Unopapuruzira
Vaviri kana katatu
Inenge iri mhepo iyoyo
Inenge iri mhepo inenge
Ichifamba ipapo
Kuti vai vai
Nepauri chaipo
Mheni ichinzi
Irinechekoko
Mabhanangana
Achitinhira
Munhu
Achimhanya!
Kuri kufunga kwemunhu ikoko…pfungwa dzichigaya
Chigayo chaicho….wakambosvika pachigayo chepfungwa
Wakambopatsvika here…ndipo unofanira kupanzwisisa ipapo

Shamwari pachigayo chepfungwa hapana kumira mushe
Kupatauraso unonzwa hana kutanga kurova
Zvekuti kana dzimwe pfungwa dzako dzinokuudza
Kuti heyi…haaaa…zvatanga manje!
Pachigayo chepfungwa shamwari
Munhu anofanira kuuya akasimba
Nokuti haaa unotyokera,
Wakambotyokera mupfungwa?
Avo vakatyokera mupfungwa
Tinoti pora…vadzidzise!
Ndipo pachigayo chepfungwa ipapo
Ndipo panouyiwa nevakasimba papfungwa ipapo
Ndipo munhu unenge uri
Nhabvu yepfungwa ichitambwa ipapo!

Asi pakadai isu vanaTembo hativhunduke
Tinosvika takasununguka
Takanyemwerera
Tichimwaza chiedza
Vachiita huturu
Isu tichitova nerudo…
Vachida kubiridzira
Isu todzidzisa
Vachida kuita hutsinye
Isu tobuditsa humhuka
Vachida kungwara isu tongwadza
Vachida kuchema-chema
Isu tonyararadza
Vachizevedzera
Isu tovarwira

Nhasi
Ndazoziva kuti
Ndirimunhumutema!
Munhumutema akanaka
Munhumutema asina zvitema
Munhumutema akazara nerudo
Munhumutema anokwanisa kugara murima
Muchena akapfuurira asina kumuona!
Izvo zvakatadzwa nemuchena kunyangwe
Akazvizora madota mwiri wese…
Apa here apa?
Anenge achitopatya apa…
Hapangogarwe zvekufarafaraka apa…
Pahumamboka apa,
Chigaro chamambo ndechamambo!
Ukaona waitwa mambo, ngatikuzive nerudo!
Ndazopaona apa…ndazopaona!

Saka mati dhende ravo matehwe enyu?
Hongu-muzukuru!
Usatyiswe nenzondora
Yenhiyo…inotswanya
Svosve kunyangwe
Achiri mudumbu!
Isu tiri vanhu vatema
Takasikirwa kutonga
Dai waimaziva makare
Ungadai uchipetuka
Nekufara kuti petu chaiko!
Makareko tisu taitonga isu!
Dzedu pfungwa dzaiva mberi
Kumberi mberi…
Dzakadzama dzakadzika
Kuti dzidzidzi!
Izvo here izvo
Hataitarisa isu
Aiva matehwe ayo
Aiva madhende ayo
Ndiko kudzama kwakaita pfungwa dzako ikoko!
Hutongi uhwu…
Isu tiri vatongi!
Mumwe akagarira rake dhende
Mumwe dzake nhembe akapfeka
Mumwe rake bindu remanhanga anaro
Mumwe tsuro dzake dzose anadzo
Mumwe mombe hadzizivane pake pamusha
Mumwe akavakira imba yake pandarama
Zvipo izvi…ndihwo hutongo hwedu uhwu
Ane chake simudza mudenga…utende Mwari
Ndihwo hutongi hwedu ihwohwo…
Ndiro simba redu iroro!
Wako moto pfuchidzira
Wako mwoyo kuchidzira moto
Rudo nesimba ngazviyerere
Kubva pachigaro chehushe hwakwo
“Rive ramangwana rine huchena- hwakacheneswa”
Ndidzo ndimi dzedu dzekusowe idzi…
Kwedu kusowe, kunorira ndimi dzekumakomo!
Kwedu kusowe ndiko takaziva tisati tauya panyika
Ndiko kwaiva kunyika kwedu tisati tauya pano pasi
Hutsvene hwemusiki hwakasumudzwa mudenga menzwisiso…
Muregei munyori wanhasi uyu….arikunyora kuti
“Munhu ane hupenyu hutatu”
Ini ndinototi tine hupenyu hutatu
Ine humwe hupenyu hwakawanda pakati!
Saka munhu akasikirwa kurarama…ngaararame!
Chinoraramisa…hupenyu hupenyu!



MAGUMO!!!



No comments:

Post a Comment