Friday 20 April 2018

Kupera KwaPerai Hupenyu


Vanhu havatye kufa
Asi vanotya kushaya
Zvavanenge vachida
Muhupenyu usatye
Kurarama, nokuti
Hupenyu hunotokutya
Rega uye azoti
Kufa hakuuraye
Nokuti akaona vamwe
Vapukunyuka rufu
Apo vakanga vafa
Nanhasi vapenyu
Hupenyu hweupenyu
Haupere, hwakafanana
Nemvura yose iripo
Pano pasi
Haungaiverenge
Donhwe nedonhwe
Uriwega ukaipedza
Saka vaye vanofunga
Kuti vanopedza
Hupenyu vanotamba
Nokuti ndivo
Vachapedzwa
Nehupenyu,
Kusvika vapera
Kuti dhu-pepepe-dhu
Dhu-pepepe-dhu!


“Kupera KwaPerai Hupenyu”

#VaChikepe: The Poet

#+263 772 488 777
#vachikepe.blogspot.com
#aprilpoetry/2018/©


Photo By: Jeremy Bishop

No comments:

Post a Comment