Monday 28 October 2014
Written: 2007 ( Nzarabwe [1] )
Start: 17:05
INI HUKU
MUTORWA
Ndini
zvangu Huku,
Nkuku
pachirudzi,
Mutsikanenzondora,
Muhwandachando
nemanhenga,
Kubuda
kwaro zuva vanondiziva!
Shamwari
yemunhu pakumuka,
Asi iye
munhu achindisema?
Sechitubu
chechimbuzi,
Naiwo maitiro
ake!
Richingoti vhuu-u
zuva kubuda
Ndinomumutsa
munhu,
Asi iye anenge
bofu kusazviona!
Chaanoona chete,
Chikafu chake
nekuziva kuenda kuchimbuzi,
Ini ndakangoti
hwaradada,
Muromo wakaoma
nenzara!
Kudoedza kuti
kuno-kuno-kuno
Haanzwi kana
kamwe chete!
Unonzwa zvonzi,
‘Huku
dzinoonererwa, kumuka neruzha kwauyeyi?’
Kana donhwe
remvura chairo haurione!
Pava paye, aenda
kuchimbuzi
Kaviri kana
katatu,
Unonzwa roti
dhi-dhi-dhi…
Kuritaira
kwandiri
Panguva iyoyo,
ndaziya zvangu nenzara
Apo ndinenge
ndangova chitsumwa, kutsumwaira nenzara,
Wonzwa zvonzi,
‘Asi huku dziri kurwara here?’
Hubenzi wacho,
kuzvibvunza ega,
Anofunga kuti
anodairwa nani?
Kana achifunga
ini,
Ini handitambe
naye!
Kunge kundinzwa…
Unonzwa zvonzi
‘Usadzipe
chakawanda chikafu dzinorasa’
Ini zvangu
Mufanenzara, kurasa chikafu ini?
Inga chinopenga
chisikwa chaMwari ichi!
Manje chikafu
chacho ndinongoti,
Nyobvo-nyobvo,
nokuti chinenge chekukonorerwa…
Zvino
ndichachigadzirisa chete chisikwabonga ichi!
Shamwari dzangu
padzinopfuura
Dzichiendeswa
kumusika
Dzinopfuura
dzichindichiva, kuti ndigere
Nokuda
kwezimufete-fete remba ravanoona
Apo dzinofunga,
ndizvo zvimwezvo neyangu imba!
Asi pota kuseri
uone!
Kachirugu kezenge
nemaplastic…
Kuita kunge
kachadonha
Negosoro rembwa!
Kudoedza kuti,
ndivakireiwo imba
Unonzwa zvonzi,
‘Tinofanira
kuwedzera matanda nemaplastic’
Kuitawo here
ikoko?
Nemusvetu iwowo,
Ndichamugadzirisa
chete munhu!
Rimwe zuva
unonzwa zvonzi,
‘Ita mazai, ita
mazai
Ita manyowa, ita
manyowa’
Anofunga kuti
twuchikafu twake itwotwo…
Twunopfuura
pahuro here?
Rimwe zuva
azvifunga anondinyima chikafu
Ini ndomwa supu
yeropa rangu, nenzara
Wonzwa zvonzi
‘Wadzyirei mazai-
wadyirei mazai’
Kwachu muromo,
piswe!
Hona nhasi
handisisina mazino,
Ndanechirurimi,
uye haachandinzwi
Zvongonzi ‘Rine
ruzha iro, rine ruzha’
Anopenga mpfanha
uyu!
Ukati akaenda
kuchikoro here iyeyu?
Ngaabvunze isu
takadya maB
Tikaita
mutserendende pamaA
Uye muzerere
pamaC.
Angati, ‘Wadyirei
mazai?’
Haazive here kuti
paBiology
Muzai imomo
munenge musina chinhu?
Isu tinenge
tatozvicalculeta kare…
Anofunga kuti
ndiri benzi saye?
Kuchekeresa
mwana, nenyaya yeutsinye?
Chokwadi munhu-
anondinhuhwira!
Ndofunga munhu-
Chidimbu chezita rako…
Munhuwi- Uri
munhuwi chaiwo…
Munhu
unondinhuhwira iwe!
Ini handina
kuypusa sewe,
Ndosva ndadyiwa
nebonga panewe!
Nokuti zvose
zvaunoita ndinozviziva…
Mwedzi wakapera,
wakanyengetedza
Sisi vangu
netwugwere
Ndokuvavhunira
musoro, kuseri kwechikwenzi
Ukadya neshamwari
yako ‘Banda’
Uya akazofa
nemuchetura nenyaya yemakaro!
Vhiki rakapera,
ukatora bhudhi JOE-JONGWE
Nenyaya yemakaro,
ukaita zvimwezvo!
Zvino kana
wakateya ini,
Wazvirasira dhora
rako murwizi!
Ndoda kutanga
nekusakandira…
Ndozvinyima
zvekudya kuti ndisaite manyowa
Ndapedzazvo
ndozopoya muchirugu chako,
Chinemabhuri
anenge mavende echimwana chemvana kudaro…
Haufi
wakandionafuti-munhu
Nhinhi, munhuwi
wemunhu, Nhinhi
Haufi
wakandionafuti,
Ndichakugarisa
papfumo
Usinabhurugwa
Nairoro zuva, Ndichakugadzirisa
Munhu-wi
wemunhu-Munhu!
MAGUMO: 17:50
By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
Taste this huku....kikikik
ReplyDeletekkk huku akufumura munhu
ReplyDeletekuita kufumura chaiko lol
ReplyDeleteEnter your comment...stanzi yehuku kumberi lol
ReplyDelete