Friday 31 October 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [4] )
Start: 00:25
WASHAYA
MPFANHA
Washaya
zvekuita handiti!
Kuteedzana
nenhetembo dzangu…
Kutanga
na‘Mumwe wangu hwahwa’
Kusvika
ikozvino panana ‘Ko wandikanganwireiko Zimbabwe’
Ukati ‘Ini
huku mutorwa’ hausi wakutoidetemba nemuridzo?
Kuzoti
‘Waigochera pautsi mpfanha’
Ndofunga
wakutoidetemba nemhino chaidzo!
Asi
unofunga kuti handinetewo here?
Kunyangwe dhonza,
inga rinonetawo wani!
Horaiti…chimbondipawo
zvekunyora zvacho…haudi!
Ukati zita rako
repiri haunzi ‘kiti’ here iwewe?
Chaunoramba
uchipenengurira mapeji erangu bhuku chii?
Unofunga kuti
unowana dzimwe nhetembo here?
Dzichibvepi? Asi
unoti ndiri svikiro rinonyutsa zvinhu?
Hamheno! Asi
unondishamisa mpfanha iwewe…
Kubva kumba
kwenyu kwese uko,
Mazuva ese
uchiuya kuzotarisa
Kuti hakuna
dzimwe nhetembo dzinyowani?
Asi hauna ako
maoko kani?
Ko zvaunenge une
mapango emaoko wani?
Ukati dzako tsoka
hadzisati dzapera?
Kana kuti
unedehwe chairo pasi petsoka- pamwe?
Ko inga
dhunge-tunge resoro unaro wani…
Rakazvimbira
mativi ese sebhazi rekwaMatemba!
Ko zvino makazara
mvura chete here- hamheno?
Saka
chaunofungawo chii- hamheno?
Kutadzawo kufunga
kangano,
Wonyora zvinenge
zvapindamo mudzoro rako…
Chokwadi unoshaya
mpfanha iwewe,
Kushaya zvekuita
chaiko!
Ha-aya, mushamisi
wavashamisi chaivo!
Ha-aya, wazoshaya
zvekuita manje…
Basa ndiro rimwe
chete,
Rekupenengura
pfungwa dzangu!
Unondipenengura
ndagova bete
Rakahwanda pasi
pegoko renzungu
Richidyz kafufu
kechingwa kani?
Unonzwa rakumakwa
bhuku…
Nemurairidzi-chiona
zvibodzwa zvinoiswapo!
Ha-a ‘Here- here
ndove, Gehena naIni huku…’
Ndidzo
dzinonakidza!
Ko iwe dzako
dzawakanyora ndedzipi?
Daira demba
padare ramakarwe!
Kunyangwe
ndikanyora ‘Hesi musikana’
Ndogumira ipapo-
ndini!
Ko dzako
dzawakanyora ndedzipi?
Aiwa
ndakuomesera!
Ko rako izwi kana
vara rawakanyora nderipi- hapana?
Kana kuti pedzesa
yangu yandagumira panzira- haugoni?
Maziso boi-boi
kunditarisa!
Nyon’onyon’o
manyon’orosi enyon’orosi!
Ndizvo zvaunogona
kutaura chete!
Hanzi ‘Washaya-
washaya-washaya mpfanha’
Semaonero angu
pandinoshayira,
Ndipowo…pandinotangira
kuwanira mufunge!
Chokwadi washaya
zvekuita mpfanha
Washaya, washaya-
washaya!
Paneni haukwane
bhurugwa mpfanha!
Waita mutete-
mutete, mutete mupfupi chaiye!
Dai taiva
motokari
Iwe ungadai uri
bhamba datya…
Ini ndiri Prado chaiyo!
Dai taiva mhuka
chaidzo
Iwe ungadai uri
kadhimba chaiko…
Ini ndiri vedu
Samanyanga nzou chaivo!
Uri kuzvinzwa
here mpfanha?
Daiu taiva mhuka
dzine rakagwamba ropa
Iwe ungadai uri
dzvinyu…
Ini ndiri shato
chaiyo!
Wazviona mpfanha…
Usashaye zvekuita
uchidaro- wazvinzwa?
Chausinganzwisisi,
pfonyera muromo munhino…
Wozobuditsa
wapako wega!
Nokuti
ungaputikirwe nechimbambaira chezvigure!
Inga hausi
mhetamakumbo wani…
Nhabvu wambozama
here?
Kana tsiva
chaidzo?
Sezvo mapango
emaoko uinawo!
Ukati hauswinywe
nemagaro here iwewe?
Nokuti
kamufambiro kako aka mpfanha…
Ndekekubatirwa
pfuti chaiko!
Aiwa mpfanha-
usati kutukwa kwete
Asi kungoshayawo,
sekushayawo kwako!
Kwaunongoita
paunotaura zvaunoda nenhetembo dzangu…
Paunodzipikisa
nekudzipikisinura!
Paunodziponda-
dzichikupondawo sazvinoizvi!
Asi unondishamisa
wena…
Rega rega raMwari
uchingouya kuzoropodza
Padzangu
nhetembo- nepasingade kuropodza pese!
Zvisinei hazvo,
tiri shiri…
Dzemudendere
rimwe chete!
Pakushaya, uko kushaya
zvekuita!
Nerimwe zuva
tichawanawo zvekuita
Takamirira
kuwanikwa nenguva handiti?
Saka ita zvako
zvaunoita…
Zvinondipa mamwe
mazano mudehenya rangu
Handiti?
MAGUMO: 01:08
By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)
No comments:
Post a Comment