Saturday 1 November 2014
Written: 2008 ( Nzarabwe [2] )
Start: 1:14
Waigochera
pautsi Mpfanha
Hiya! Nhasi
waigochera pautsi…
Kuita
kudhonza shumba nemuswe wayo chaiko…
Uchida
kuityisidzira nemazino ehuku…
Anooneka
yakavhara muromo chete
Yavhura muromo- vakuru
vezivende chaivo!
Nhasi waita
mahwekwe nezvigure
Wakabata
tsvarapasi yehuku
Uchataura kuti huku yese waiviga kupi!
Nhasi waita rombo rakashata
Kurumwa nenyuchi mumuti
Pasi paine shumba nhatu
Dzirikudya yechina nenzara!
Nhasi uchataura chakatadzisa gudo kutsvuka
Iro rakatsvuka ose magadziko!
Nhasi uchataura chakatadzisa bhoki kuseka
Kunyina nekuumburuka sedhongi Vachigona!
Nhasi uchataura chakatadzisa dhimba kumhanya
Iye makumbo ekumhanyisa ainawo!
Nhasi uchataura
chirikunditadzisa kukuzhagada
Ini ndakadai
zvangu kukutarisa!
Ukati wako
mudzimu unokuda?
Chokwadi…kukusakidzira
pachoto usina shashiko!
Chokwadi
kukudhonzera musoro wako
Mumukanwa
wengwena, iro rino gore renzara rakadai?
Chokwadi kukutakurisa mugomo wemvura
Nehakata
yerovambira kuita here ikoko?
Hamheno- pamwe
unokuda!
Nokuti kupera
kwezuva ranhasi…
Uchange wakufara
kunyikadzimu mukomana!
Zvandakuona kudai
zvanaka!
Ndicharisvina
rangu bundu…
Kuti svi-svi-svi
Kusara pasina
kana katsvina…
Mukati mewangu
mwoyo!
Nhasi
ndichambosendekawo iri zidombo
Rangarakaremedza
angu mafudzi!
Nhasi
ndichambobwiswawo misodzi pamatama…
Neako maoko
embavha asingagone kuzvishandira
Zvimwe
ungashandewo… ukabuditsawo rako ziya!
Ukati
unonyatsondiziva mushe here mukomana?
Chokwadi
haundiziveba mukomana!
Wakandionera
mubhodhoro chaimo mukomana
Kana kuti waita
zvekundidongorera…
Napamaburi
etswanda chaiwo mukomana!
Zvino nhasi
uchandiona…kuti
Ndakabva kuvakafa
chaiko mukomana!
Dzangaradzimu-chipoko-chidhoma
chaicho mukomana!
Mubati nemudyi
wechinonhuwa…chaiye mukomana!
Haaaaaa wairasa
mukomana- mukomana wairasa!
Nhasi ndirikuda
kukuonesa magaro enyoka
Wapedza ndokutuma
kunotsvaga bhonzo renhunzi
Ndakamirira kuti
undiigire nyanga yebete!
Asi usati waita
zvose izvozvo…
Unenge watanga
wazvirova mambama neako makumbo!
Ndisati ndakubata
neangu mapazi emaoko
Anorova mbama
inodzinga shiri dzose mugomo…
Dzichimhanyira
mumatendere adzo ebani
Dzofunga kuti
nguva yehondo yatanga zvakare!
Nhasi
ndichakupeta-peta…
Ndokupfekedza
mumwena wamasvosve
Ndokunge
ndakunzwira tsitsi!
Asi ndikafunga
ndichakupfekedza pfumo rangu…
Mumuromo
wako…richinobudikira kwazvakarehwa!
Ndozongokusiya
ndakagadzika pfumo racho pachoto…
Zvese new eusina
nguwo!
Kana ndazoda
kukuitira hutsinye…
Ndichazviuraya
ndapedza kukuuraya
Kuti usazonditiza
kunyikadzimu!
Ndoda kusvikirana
newe kunyikadzimu…
Kuti titangire
patakasiira
Semuverengi
webhuku rinotyisa!
Shuwa ungandibire******* rangu iwewe (Toki)?
Very silly mpfanha
iwewe!
Nhasi waigochera
pamoto mukomana!
Nhasi ndoda
kukudzidzisa…
Kutanga wafunga
usati waita!
Waigochera pautsi
mukomana…
Yako nyama
yawakadai…
Kubuditsira ziso!
MAGUMO: 1:57
By VaChikepe: The Poet
(+263) 0772 488 777
@Publishar
Publisher T.P Chikepe
(Reporting from Katanga Norton, Zimbabwe-Africa)
No comments:
Post a Comment